Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuziva Mwari Kunotiswededza Pedyo Naye

Kuziva Mwari Kunotiswededza Pedyo Naye

Musiki wedu munhu chaiye. Ane unhu hwakanaka, uye anoda kuti tizive nezvake toswedera pedyo naye. (Johani 17:3; Jakobho 4:8) Ndosaka akaita kuti tizive zvakawanda nezvake.

Musiki Wedu Ane Zita

“Vanhu ngavazive kuti imi, mune zita rekuti Jehovha, imi mega ndimi Wekumusorosoro, kumusoro kwenyika yese.”—PISAREMA 83:18.

Bhaibheri rinodzidzisa kuti Jehovha ndiye ega Mwari wechokwadi. Ndiye Musiki wezvinhu zvese uye ndiye akatipa upenyu. Ndiye ega akakodzera kuti timunamate.—Zvakazarurwa 4:11.

Jehovha ndiMwari Ane Rudo

“Mwari rudo.”—1 JOHANI 4:8.

Jehovha anoshandisa Bhaibheri uye zvinhu zvaakasika kutidzidzisa kuti iye munhu akaita sei. Rudo ndihwo unhu hukuru hwaainahwo. Zvese zvaanoita zvinobva parudo. Patinoramba tichidzidza nezvaJehovha, tinobva tawedzerawo kumuda.

Jehovha ndiMwari Anoregerera

“Muri Mwari akagadzirira kukanganwira.”—NEHEMIYA 9:17.

Jehovha anoziva kuti tinokanganisa. Saka ‘akagadzirira kutikanganwira.’ Kana tikamukumbira ruregerero, toedza kusazvidzokorora, achatiregerera uye haazotirangiri zvivi zvatakaita kare.—Pisarema 103:12, 13.

Jehovha Anoda Kuti Tinyengetere Kwaari

“Jehovha ari pedyo nevanhu vese vanodana kwaari . . . Anonzwa kuchemera kwavo kubatsirwa.”—PISAREMA 145:18, 19.

Jehovha haadi kuti tishandise mifananidzo kana zvimwe zvinhu pakumunamata. Anoteerera minyengetero yedu sezvinongoita mubereki paanenge achiteerera mwana wake.