Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mafoni Anogona Kukanganisa Sei Ushamwari Hwako Nevamwe?

Mafoni Anogona Kukanganisa Sei Ushamwari Hwako Nevamwe?

Kufona, kutumira mameseji, maemail, kana kuti kushandisa social media, kuri kubatsira chaizvo kuti vanhu vari munyika dziri kure nakure vakurukure.

Pavanodaro, vanenge vachishandisa mafoni zvakanaka. Asi kune vamwe vanongoshandisa mafoni chete pakutaura neshamwari. Vanhu vakadaro vanogona kupedzisira . . .

  • vasingachanzwiri shamwari dzavo tsitsi.

  • vava kunyanya kusurukirwa.

  • vava kunyanya kufunga zvakangovanakira.

ZVAUNOFANIRA KUZIVA

KUNZWIRA VAMWE TSITSI

Kuti tikwanise kunzwira vamwe tsitsi tinofanira kuva nenguva yekufunga nezvavo. Asi zvakaoma kana tiine mameseji akawanda atiri kuda kupindura uye tichigara tiri pasocial media.

Kana uine mameseji akawanda ari kuda kupindurwa, unogona kuona sekuti kupindura meseji yawatumirwa neshamwari yako kuchakupedzera nguva. Chaunenge wava kungofunga ndechekuti upindure mameseji ese aunenge watumirwa. Hauzombooni kuti shamwari yako inenge ichida kubatsirwa.

ZVEKUFUNGA NEZVAZVO: Paunopindura shamwari yako, ungaratidza sei kuti ‘unoinzwira tsitsi’?—1 PETRO 3:8.

KUSURUKIRWA

Imwe ongororo yakaratidza kuti vanhu vakawanda vakapedzisira vava kusurukirwa pashure pekushandisa social media. Zvakaonekwa kuti vanhu vanoita nguva yakawanda vachitarisa mapikicha kana kuti zvinhu zvinenge zvaiswa nevamwe pasocial media vanogona kupedzisira “vava kunzwa sekuti vatambisa nguva yavo.”

Uyewo kutarisa mapikicha anoiswa pasocial media nevamwe kunogona kupedzisira kwaita kuti munhu atange kuzvienzanisa nevamwe. Social media inogona kuita kuti uone sekuti vamwe vari kunakidzwa neupenyu kupfuura zvauri kuita.

ZVEKUFUNGA NEZVAZVO: Paunenge uchishandisa social media, zvii zvaungaita kuti usazvienzanisa nevamwe?—VAGARATIYA 6:4.

KUNGOFUNGA ZVAKAKUNAKIRA

Mumwe mudzidzisi akati vamwe vana vemukirasi make vanongofunga zvakavanakira uye vanongoda shamwari dzinovaitira zvimwe zvinhu. * Munhu anogona kupedzisira ava kuona shamwari dzake sefoni yaanongoshandisa kana paine zvaari kuda, kana apedza osiyana nayo.

ZVEKUFUNGA NEZVAZVO: Zvaunoisa pasocial media zvinoratidza kuti unoda zvekukwikwidzana nevamwe here kana kuti unonyanya kuzvifunga?—VAGARATIYA 5:26.

ZVAUNOGONA KUITA

ONGORORA MASHANDISIRO AUNOITA FONI

Kana ukashandisa foni zvakanaka, ichakubatsira kuti ugare uchiziva zviri kuitikawo kushamwari dzako uye muchawedzera kuwirirana.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Rudo . . . harutsvagi zvakarunakira.”—1 VAKORINDE 13:4, 5.

Sarudza zvaunoda kuita kana kuti nyorawo zvimwe zvaunofunga.

  • Taura nemunhu muchiita zvekuonana pane kungogara uchishandisa foni chete

  • Paunenge uchitaura nevamwe isa foni yako kure newe kana kuti iise pasilent

  • Deredza nguva yaunopedza uri pasocial media

  • Nyatsoteerera vamwe pavanenge vachitaura

  • Kana uine shamwari ine dambudziko rairi kusangana naro, taura nayo

^ ndima 17 Mashoko aya atorwa mubhuku rinonzi Reclaiming Conversation