Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYIKA YAZARA NEMATAMBUDZIKO

1 | Chengetedza Utano Hwako

1 | Chengetedza Utano Hwako

NEI ZVICHIKOSHA?

Matambudziko atinosangana nawo anogona kukanganisa utano hwedu munzira dzakasiyana-siyana.

  • Matambudziko anoita kuti vanhu vashungurudzike uye kana vanhu vakashungurudzika kwenguva yakareba vanopedzisira varwara.

  • Kupararira kunoita zvirwere kunoita kuti vanoshanda muzvipatara vawandirwe uyewo mishonga nezvimwe zvekushandisa zviite zvishoma.

  • Mamwewo matambudziko anoita kuti vanhu vasare vasina mari yakakwana yekutenga zvekudya zvine utano uyewo kuenda kuchipatara.

Zvaunofanira Kuziva

  • Kurwara zvakanyanya uye kushungurudzika kunogona kuita kuti utadze kuita zvisarudzo zvakanaka, wopedzisira usisachengetedzi utano hwako. Izvi zvinoita kuti utowedzera kurwara.

  • Kana munhu akasarapwa, anotowedzera kurwara uye anogona kutopedzisira afa.

  • Kana uine utano hwakanaka iye zvino, zvichakubatsira kuzoita zvisarudzo zvakanaka paunosangana nematambudziko.

  • Pasinei nekuti une mari here kana kuti unoshayiwa, une zvaunogona kuita kuti uchengetedze utano hwako.

Zvaunogona Kuita Iye Zvino

Pese pazvinenge zvichiita, munhu akangwara anofunga nezvenjodzi dzinogona kuitika, obva atora matanho ekudzivisa njodzi dzacho. Izvi zvinogonawo kushanda panyaya dzeutano. Kana munhu akaita kuti pamba pake pagare pakachena, kakawanda kacho haazonyanyi kubatwa nezvirwere uye kana kuri kuti abatwa nacho haazonyanyi kurwara. Kugara wazvidzivirira kuri nani pane kuda kuzoenda kuchipatara.

“Kugara takachena uye pamba pedu pakachena kunoita kuti tichengetedze mari yataizoshandisa kuenda kwachiremba uye kutenga mishonga.”—Andreas. a

a Mamwe mazita ari mumagazini ino akachinjwa.