Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYIKA YAZARA NEMATAMBUDZIKO

4 | Simbisa Tariro Yako

4 | Simbisa Tariro Yako

NEI ZVICHIKOSHA?

Kana munhu akanyanya kunetseka nezvematambudziko ari kuitika munyika, anogona kupedzisira arwara kana kuti ava kushungurudzika. Vanhu vakawanda vakambosangana nematambudziko aya havasisina tariro. Vanoita sei?

  • Vamwe havatombodi kufunga nezveramangwana.

  • Vamwe ndivo vanonwisa doro kana kuita zvemadhiragi vachiitira kuti vakanganwe nhamo dzavo.

  • Vamwewo ndivo vanofunga kuti kufa kuri nani. Vanogona kuzvibvunza kuti, “Chandinoraramira chii?”

Zvaunofanira Kuziva

  • Mamwe matambudziko aunosangana nawo ndeenguva pfupi uye zvinhu zvinogona kungoerekana zvanaka.

  • Kunyange kana zvinhu zvikasachinja, pane zvaunogona kuita kuti utsungirire dambudziko rako.

  • Bhaibheri rinotipa tariro yechokwadi. Rinotivimbisa kuti matambudziko ese evanhu achabviswa zvachose.

Zvaunogona Kuita Iye Zvino

Bhaibheri rinoti: “Musambozvidya mwoyo pamusoro pezuva rinotevera, nekuti zuva rinotevera richava nekuzvidya mwoyo kwaro. Zuva rimwe nerimwe rinokwanirwa nematambudziko aro.”—Mateu 6:34.

Usazvinetsa nezveramangwana. Usanyanya kunetseka nezveramangwana zvekuti unotadza kuita zvaunofanira kuita nhasi.

Kunyanya kunetseka nezvezvinhu zvakaipa zvingangoitika, kunoita kuti uwedzere kushungurudzika uye kunoita kuti tariro yako ipedzisire isisina kusimba.

Bhaibheri Rinotipa Tariro Yechokwadi

Mumwe munyori wepisarema akanyengetera kuna Mwari achiti: “Shoko renyu irambi retsoka dzangu, uye chiedza panzira yangu.” (Pisarema 119:105) Shoko raMwari, Bhaibheri, rakaita serambi uye chiedza pakudii?

Pakunenge kuine rima, rambi rinotibatsira kuona pekutsika. Saizvozvowo, Bhaibheri rine mazano anoshanda anogona kutibatsira patinenge tichida kuita zvisarudzo zvinokosha.

Chiedza chinojekesa nzira yedu zvekuti tinokwanisa kunyatsoona zviri mberi. Ndizvo zvakaitawo Bhaibheri, rinogona kutibatsira kuziva zvichaitika mune ramangwana.