Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mashoko Ekusuma

Mashoko Ekusuma

IRI ibhuku renhau dzechokwadi. Dzinotorwa mubhuku gurusa renyika, Bhaibheri. Bhuku racho rinokupa nhau yenyika kubvira apo Mwari akavamba kusika kusvikira kuzuva redu. Dzinotozivisa nezve chinopikira Mwari kuita munguva yemberi.

Bhuku iri rinokupa pfungwa yechinotaurwa neBhaibheri. Rinozivisa nezvavanhu veBhaibheri nezvinhu zvavakaita. Rinoratidzirawo tariro yakaisvonaka youpenyu husingaperi muparadhiso yapasi iyo Mwari akapa vanhu.

Mubhuku iri mune nhau 116. Dzakarongwa muzvikamu zvisere. Peji iri pamavambo pechikamu chimwe nechimwe inozivisa nokupfupikisa chinowanwa muchikamu ichocho. Nhau dziri munhevedzano yakaitika nayo zvinoitika munhau. Iyi inokubetsera kuziva, muwirirano nezvinoitika, pakaitika zvinhu munhau.

Nhau dzacho dzinoziviswa mumutauro wakapfava. Vazhinji venyu imi vana vaduku muchakwanisa kuzviverengera. Imi vabereki muchawana kuti vana venyu vaduku vachafarira kuverengerwa vaverengerwazve idzi nhau. Muchawana kuti iri bhuku rine zvinofadza kwazvo zvavaduku navakuruwo.

Magwaro eBhaibheri anopiwa pamugumo wenhau imwe neimwe. Munokurudzirwa kuverenga izvi zvikamu zveBhaibheri zvavakirwa pazviri nhau dzacho. Paunenge wapedza nhau imwe chete, dzokororawo mibvunzo yokudzidza yenhau iyoyo iri pashure peNhau 116, woedza kuyeuka mhinduro dzacho.