Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NHAU 2

Bindu Rakaisvonaka

Bindu Rakaisvonaka

TARIRA pasi riri pano! Haiwa chinhu chiri chose chakanakisisa sei! Tarira uswa nemiti, maruva nemhuka dzose. Ko ungaona nzou neshumba here?

Ko iri bindu rakaisvonaka rakavapo sei? Eya, ngationei kuti Mwari akatigadzirira sei pasi.

Kutanga, Mwari akaita kuti bumhudza rifukidze nyika. Uye akaita marudzi ose etuzvirimwa, makwenzi, nemiti. Izvi zvinhu zvinomera kutsvindisa pasi. Asika zvinoita zvinopfuurezvo. Zvizhinji zvazvo zvinotipa zvokudya zvinonaka zvikurusa.

Gare gare Mwari akaita kuti hove dzishambire mumvura, shiri dzibhururuke mudenga. Akaita imbwa, katsi namabhiza; mazimhuka notupuka. Imhukai dzinogara pedyo nomusha wenyu? Ko hatifaniri kufara here kuti Mwari akatiitira zvinhu izvi zvose?

Pakupedzisira, Mwari akaita rumwe rutivi rwapasi nzvimbo inokosha zvikuru. Akaidza iyi nzvimbo kuti bindu reEdheni. Yakanga yakakwana chaizvoizvo. Chinhu chiri chose chaivamo chaiva chakanakisisa. Mwari aida kuti pasi rose rigofanana chaizvoizvo neiri bindu rakanakisisa raakanga aita.

Asika tarirazve mufananidzo weiri bindu. Ko unoziva here icho Mwari akaona kuti chakanga chisipo? Ngationei.