Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NHAU 11

Muraraungu Wokutanga

Muraraungu Wokutanga

UNOZIVA here chinhu chokutanga chakaita Noa apo iye nemhuri yake vakabuda muareka? Akaita chipiriso kuna Mwari. Ungamuona achikuita pamufananidzo uri pasi apa. Noa akapa ichi chipo chemhuka kuonga Mwari nokuda kwokuponesa mhuri yake pamafashamo makuru.

Unofunga kuti Jehovha akafadzwa nechipocho here? Hungu. Nokudaro akapikira Noa kuti haazotongoparadzizve nyika namafashamo.

Nokukurumidza nyika yakanga yaoma yose, uye Noa nemhuri yake vakatanga upenyu hutsva kunze kweareka. Mwari akavakomborera ndokuvaudza kuti: ‘Munofanira kuva navana vazhinji. Wedzerai kusvikira vanhu vagara pasi pose.’

Asi pashure, paizonzwa vanhu nezvamafashamo makuru, vaizotya kuti mafashamo akadaro aizoitikazve. Saka Mwari akapa chimwe chinhu chaizoyeuchidza vanhu nezvechipikirwa chake chokusatongofashamidzazve pasi rose. Unoziva chaakavapa chokuvayeuchidza here? Chaiva muraraungu.

Muraraungu unogarooneka mudenga panopenya zuva kana kwanaya. Miraraungu ingava namavara mazhinji akaisvonaka. Wati wamboona mumwe here? Unoona mumwe uri mumufananidzo here?

Mwari akati: ‘Ndinopikira kuti vanhu nemhuka zvose hazvizotongoparadzwizve namafashamo. Ndinoisa muraraungu wangu mumakore. Uye panooneka muraraungu, ndichauona ndokuyeuka ichi chipikirwa changu.’

Nokudaro paunoona muraraungu, unofanira kukuyeuchidza nezvei? Eya, chipikirwa chaMwari chokuti haazotongoparadzizve nyika nemafashamo makuru.