Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NHAU 13

Abrahama​—Shamwari yaMwari

Abrahama​—Shamwari yaMwari

IMWE yenzvimbo dzakandogara vanhu pashure paMafashamo yainzi Uri. Yakava guta rinokosha rinedzimba dzakanaka mariri. Asi vanhu imomo vainamata vamwari venhema. Ndozvavaiitawo muBhabheri. Vanhu vomuUri neBhabheri vakasiana naNoa nomwanakomana wake Shemi, vakapfuurira kubatira Jehovha.

Pakupedzisira, makore 350 pashure pamafashamo, Noa akatendeka akafa. Aingova makore mairi bedzi pashure apo munhu waunoona mumufananidzo uyu akaberekwa. Aiva munhu anokosha kwazvo kuna Mwari. Ainzi Abrahama. Aigara nemhuri yake muguta reUri.

Rimwe zuva Jehovha akaudza Abrahama kuti: ‘Ibva paUri napahama dzako, ugoenda kunyika yandichakuratidza.’ Abrahama akaterera Mwari ndokusia zvinofadza zvose zveUri here? Hungu. Uye yaiva mhaka yokuti Abrahama aigaroterera Mwari zvokuti akazozivikanwa seshamwari yaMwari.

Vamwe vemhuri yaAbrahama vakaenda naye paakabva Uri. Baba vake Tera vakaenda. Roti mwana womunin’ina wake akaendawo. Uye, idika, mudzimai waAbrahama Sara akaendawo. Munguva yakati vose vakasvika panzvimbo inonzi Harani, pakafira Tera. Vaiva kure neUri.’

Pashure pechinguvana Abrahama nemhuri yake vakabva Harani ndokusvika munyika inonzi Kanani. Imomo Jehovha akati: ‘Iyi ndiyo nyika yandichapa kuvana vako.’ Abrahama akagara muKanani uye aigara mumatendi.

Mwari akavamba kubetsera Abrahama zvokuti akazova namapoka makuru amakwai nedzimwe mhuka namazana avabatiri. Asi iye naSara havana kuva navana vapi navapi vavo vamene.

Apo Abrahama akanga ava namakore 99, Jehovha akati: ‘Ndinopikira kuti uchava baba vamarudzi mazhinji avanhu.’ Asika kwaizoitika sei, sezvo Abrahama naSara zvino vakanga vanyanyokukwegura zvokusagona kubereka mwana?