Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NHAU 15

Mudzimai waRoti Anocheuka

Mudzimai waRoti Anocheuka

ROTI nemhuri yake vaigara pamwe chete naAbrahama muKanani. Rimwe zuva Abrahama akati kuna Roti: ‘Pano hapana mafuro akaringanira zvipfuyo zvedu zvose. Ndapota, ngatiparadzanei. Kana ukaenda kunorumwe rutivi, ipapo ndichaendawo kunorumwe.

Roti akatarira panyika. Akaona rutivi rwakaisvonaka rwenyika rwaiva nemvura nouswa hwakanaka hwezvipfuyo zvake. Urwu rwaiva Ruwa rweJoridhani. Saka Roti akatamisirako mhuri yake nezvipfuyo. Pakupedzisira vakaita musha wavo muguta reSodhoma.

Vanhu veSodhoma vakanga vakaipa kwazvo. Ikoku kwakatsamwisa Roti, nokuti aiva munhu akanaka. Mwari akatsamwiswawo. Pakupedzisira, Mwari akatuma ngirozi mbiri kundonyevera Roti kuti aizoparadza Sodhoma neguta rapedyopo reGomora nemhaka youipi hwao.

Ngirozi dzakaudza Roti: ‘Chimbidza! Tora mudzimai wako navanasikana vako vaviri ndokubuda muno!’ Roti nemhuri yake vakatinonokei kuenda, nokudaro ngirozi dzakavabata maoko ndokuvabudisa kunze kweguta. Ipapo imwe yengirozi yakati: ‘Tizai nokuda kwoupenyu hwenyu! Musacheuka. Tizirai kuzvikomo, kuti mugorega kuuraiwa.’

Roti navanasikana vake vakaterera ndokutiza muSodhoma. Havana kumira kwechinguvana, uye havana kucheuka. Asi mudzimai waRoti haana kuterera. Vakati vaenda daro rakati o kubva Sodhoma, akamira ndokucheuka. Ipapo mudzimai waRoti akava shongwe yomunyu. Ungamuona here mumufananidzo?

Tingadzidza chifundo chakanaka makuri. Kunoratidza kuti Mwari unoponesa vanomuterera, asi vasingamutereri vacharashikirwa noupenyu hwavo.