Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NHAU 16

Isaka Anowana Mudzimai Akanaka

Isaka Anowana Mudzimai Akanaka

UNOZIVA here kuti ndiani mukadzi ari mumufananidzo uyu? Zita rake ndiRebheka. Uye murume waari kuuya kuzosangana naye ndilsaka. Achava mudzimai wake. Kwakaitika sei?

Eya, Abrahama baba valsaka vaida kuwanira mwanakomana wavo mudzimai akanaka. Havana kuda kuti Isaka aroore mumwe wavakadzi vomuKanani, nokuti ava vanhu vainamata vamwari venhema. Nokudaro Abrahama akadana muranda wake ndokuti: ‘Ndinoda kuti udzokere kunogara hama dzangu muHarani ndokutorera mwanakomana wangu Isaka mudzimai.’

Pakarepo mubatiri waAbrahama akatora ngamera gumi ndokuenda rwendo rwurefu. Paakasvika pedyo nokwaigara hama dzaAbrahama, akamira patsime. Akanga ava madekwana, nguva yaiuya vakadzi vomuguta kuzoteka mvura mutsime. Zvino mubatiri waAbrahama akanyengetera kuna Jehovha, kuti: ‘Mukadzi anondicherera mvura nengamera ngaave uyo wamakasarudza kuva mudzimai walsaka.

Nokukurumidza Rebheka akauya kuzochera mvura. Apo mubatiri akamukumbira mvura yokunwa, akamupa. Ipapo akaenda ndokucherera mvura yakawanda ngamera dzose dzinenyota. Rakanga riri basa rakaoma nokuti ngamera dzinonwa mvura yakawanda kwazvo.

Apo Rebheka akapedza ikoku, mubatiri akamubvunza zita rababa vake. Akakumbirawo kana aigona kurara kumba kwavo usikuhwo. Akati: ‘Baba vangu ndiBhetueri, uye kunekamuri rokuti murare.’ Mubatiri akaziva kuti Bhetueri aiva mwanakomana womunin’ina waAbrahama Nahori. Zvino akapfugama ndokuonga Jehovha nokuda kwokumutungamirira kuhama dzaAbrahama.

Usikuhwo mubatiri waAbrahama akaudza Bhetueri nehanzvadzi yaRebheka Rabhani chikonzero nei akanga auya. Vose vakabvuma kuti Rebheka angaenda naye ndokuroorwa nalsaka. Ko Rebheka akatii paakabvunzwa? Akati, ‘Hungu,’ aida kuenda. Zvino mangwana wacho vakatasva ngamera ndokuvamba rwendo rwurefu rwokudzokera Kanani.

Pavakasvika, akanga ava madekwana. Rebheka akaona murume aifamba mumunda. Aiva Isaka. Akafara kuona Rebheka. Amai vake Sara vakanga vafa pamberi pamakore matatu, uye akanga achakasuruvara pamsoro pakwo. Asi zvino Isaka akada Rebheka zvikuru kwazvo, uye akafarazve.