Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NHAU 17

Manyambiri Akanga Akasiana

Manyambiri Akanga Akasiana

VAKOMANA vairi vari pano vakasiana zvikuru, anditi? Unoziva mazita avo here? Muvhimi ndiEsau, uye mukomana anotarisira makwai ndiJakobho.

Esau naJakobho vaiva vanakomana vamanyambiri vaisaka naRebheka. Baba, Isaka, vaida Esau zvikuru, nokuti aiva muvhimi akanaka uye aizounza kumba zvokudya zvokuti mhuri idye. Asi Rebheka aida Jakobho zvikurusa, nokuti aiva mukomana akanyarara, anorugare.

Sekuru Abrahama vakanga vachiri vapenyu, uye tingangofunga hedu kuti Jakobho aida sei kuvaterera vachitaura nezvaJehovha. Abrahama akazofa ava namakore 175, manyambiri ava namakore 15 ezera.

Esau ava namakore 40 akaroora vakadzi vairi vokunyika yeKanani. Ikoku kwakasuruvarisa Isaka naRebheka zvikuru, nokuti vakadzi ava vaisanamata Jehovha.

Zvino rimwe zuva chimwe chinhu chakaitika chakashatirirwa Esau munin’ina wake Jakobho. Nguva yakasvika apo Isaka aizopa chikomborero kudangwe rake. Esau zvaaiva mukuru kuna Jakobho, Esau aikarira kuwana ichi chikomborero. Asi Esau akanga atengesa maruramiro okuwana chikomborero kuna Jakobho. Zve, pakaberekwa vakomana vairi Mwari akanga ati Jakobho aizowana chikomborero. Uye ndizvo zvakaitika. Isaka akapa chikomborerocho Jakobho mwanakomana wake.

Pashure, apo Esau akaziva izvozvi akashatirirwa Jakobho. Akashatirwa kwazvo zvokuti akati aizouraya Jakobho. Apo Rebheka akanzwa izvozvi, akanetseka kwazvo. Nokudaro akaudza murume wake Isaka, kuti: ‘Kuchanetsa zvikuru kana Jakobho akaroorawo mumwe waava vakadzi veKanani.’

Ipapo Isaka akadana mwanakomana wake Jakobho ndokumuudza, kuti: ‘Usaroora mukadzi weKanani. Panzvimbo pakwo enda kumba kwasekuru vako Bhetueri muHarani. Roora mumwe wavanasikana vomwanakomana wavo Rabhani.’

Jakabho akaterera baba vake, uye pakarepo akavamba rwendo rwurefu rwokuenda kwaigara hama dzake muHarani.