Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NHAU 22

Josefa Anoiswa Mutorongo

Josefa Anoiswa Mutorongo

Josefa anongova bedzi namakore 17 paanoburusirwa Egipita. Ikoko anotengeserwa munhu anonzi Potifari. Potifari anoshandira mambo weEgipita, anonzi Farao.

Josefa anoshandira tenzi wake nesimba, Potifari. Nokudaro apo Josefa anokura, Potifari anomuita mutarisiri weimba yake yose. Ko zvino, nei Josefa ari muno mutorongo? Imhaka yomudzimai waPotifari.

Josefa anokura kuva murume akatsvinda, mudzimai waPotifari anoda kuvata naye. Asi Josefa anoziva kuti kwakaipa, uye haangakuiti. Mudzimai waPotifari anotsamwa zvikuru. Nokudaro panouya murume wake kumba, anomurevera nhema achiti: ‘Josefa uya akashata aedza kuvata neni!’ Potifari anodavira mudzimai wake, uye anoshatirirwa Josefa kwazvo. Saka anoita kuti aiswe mutorongo.

Mutarisiri wetorongo anokurumidza kuona kuti Josefa munhu akanaka. Nokudaro anomuita mutarisiri wavamwe vasungwa vose. Gare gare Farao anoshatirirwa mudiri wake nomubiki wake, ndokuvapinza mutorongo. Humwe usiku vose vanorota hope chaidzo, asi havazivi revo yamaroto avo. Mangwana wacho Josefa anoti: ‘Ndiudzei maroto enyu.’ Uye pavanoita, Josefa, nebetsero yaMwari, anotsanangura revo yamaroto avo.

Kumudiri, Josefa anoti: ‘Mumazuva matatu uchabudiswa mutorongo, uye uchavazve mudiri waFarao.’ Nokudaro Josefa anowedzera kuti: ‘Paunobuda, udza Farao nezvangu, uye ndibetsere kubuda munzvimbo ino.’ Asi kumubiki, Josefa anoti: ‘Mumazuva matatu bedzi Farao achaita kuti musoro wako ugurwe.’

Mumazuva matatu kunoitika sokutaura kwaJosefa. Farao anoita kuti musoro womubiki ugurwe. Hunyanguvezvo, mudiri anobudiswa mutorongo ndokuvamba kubatirazve mambo. Asi mudiri anokanganwa nezvaJosefa! Haaudzi Farao nezvake, uye Josefa anotofanira kugara mutorongo.