Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NHAU 26

Jobho Anotendeka Kuna Mwari

Jobho Anotendeka Kuna Mwari

Unonzwira urombo murwere uyu here? Zita rake rinonzi Jobho, uye mukadziyu mudzimai wake. Unoziva here chaari kutaura kuna Jobho? ‘Tuka Mwari ugofa. Ngationei kuti nei aizotaura chinhu chakadai, uye nei Jobho akatambura zvikuru kwazvo.

Jobho anga akatendeka ari munhu aiterera Jehovha. Aigara muUzi, pedyo neKanani. Jehovha aida Jobho zvikuru kwazvo, asi kwaiva nomunhu aimuvenga. Unoziva kuti ndiani here?

Aiva Satani Dhiyabhorosi. Yeuka, Satani ingirozi yakaipa inovenga Jehovha. Akakwanisa kuita kuti Adhama naEvha vasaterere Jehovha, uye aifunga kuti angaita kuti munhu ari wose asatererewo Jehovha. Asi akakwanisa here? Aiwa. Chimbofunga nezvavarume navakadzi vazhinji vakatendeka vatadzidza nezvavo. Ungadudza vangani?

Jakobho naJosefa vafa muEgipita, Jobho aiva munhu anoisvotendeka kuna Jehovha mupasi rose. Jehovha aida kuti Satani agoziva kuti haati aigona kuita kuti ani naani ave akaipa, nokudaro akati: ‘Tarira Jobho. Ona kuti akatendeka sei kwandiri.’

Satani akati: ‘akatendeka nokuti munomukomborera uye ane zvinhu zvizhinji zvakanaka. Asi mukamutorera izvi, achakutukai.’

Ipapo Jehovha akati: ‘Pfuurira. Zvitore. Ita zvinhu zvakashata zvaunoda kuna Jobho. Tichaona kana akandituka. Iva nechokwadi bedzi chokuti haumuurayi.

Kutanga, Satani akaita kuti vanhu vabe mombe nengamera zvaJobho uye makwai ake akaurayiwa. Uye akauraya vanakomana 10 navanasikana mudutu guru. Tevere, Satani akarovanya Jobho nechirwere ichi chakaipa. Jobho akatambura kwazvo. Ndokusaka mudzimai waJobho akamuudza kuti: ‘Tuka Mwari ufe.’ Asi Jobho haaizokuita. Zve, shamwari nhatu dzenhema dzakauya ndokumuudza kuti akanga ararama upenyu hwakaipa. Asi Jobho akaramba akatendeka.

Ikoku kwakafadza Jehovha kwazvo, uye pashure akakomborera Jobho, sezvaunogona kuona mumufananidzo. Akamuporesa pachirwere chake. Jobho akava navamwe vana 10 vakanaka, nemombe, makwai nengamera zhinji zvakapetwa ruviri pane zvaaiva nazvo kare.

Ko uchagarova akatendeka kuna Jehovha saJobho here? Kana wakatendeka, Mwari achakukomborerawo. Uchakwanisa kurarama nokusingaperi apo pasi rose richanakiswa sebindu reEdheni.