Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NHAU 27

Mambo Akaipa Anodzora Egipita

Mambo Akaipa Anodzora Egipita

VANHU vari pano vari kumanikidza vanhu kushanda. Tarira murume ari kurova mumwe wavashandi netyava! Vashandi ndevemhuri yokwaJakobho, uye vanonzi vaIsraeri. Uye varume vanovamanikidza kushanda vaEgipita. VaIsraeri vava varanda veEgipita. Ikoku kwakaitika sei?

Kwamakore mazhinji mhuri huru yaJakobho yakagara murugare muEgipita. Josefa, aiva munhu anoisvokosha muEgipita aitevedzera Farao Mambo, aivatarisira. Asika zvino Josefa akafa. Uye Farao mutsva, asina kuda vaIsraeri, akava mambo muEgipita.

Nokudaro uyu Farao akaipa akaita vaIsraeri varanda. Uye akaisa vanhu vokuvatarisira vasina tsitsi uye vanoutsinye. Vaimanikidza vaIsraeri kushanda nesimba kwazvo kuvaka maguta aFarao. Asika vaIsraeri vakapfuurira kuwedzera. Pashure pechinguvana vaEgipita vakatya kuti vaIsraeri vaizonyanyowandisa ndokuva vakasimba zvikuru.

Unoziva chakaitwa naFarao here? Akataura navakadzi vaibetsera mamai echiIsraeri paaibereka vana vawo, achiti: ‘Munofanira kuuraya mukomana ari wose anoberekwa.’ Asi ava vaiva vakadzi vakanaka, nokudaro havati vaizouraya vanavo.

Nokudaro Farao akapa uyu murayiro kuvanhu vake vose: ‘Torai vakomana vose vechiIsraeri mugovauraya. Regai vasikana bedzi vararame.’ Ko chakanga chisiri chinhu chakaipa here ichecho chokurayira? Ngationei kuti kamwe kavakomana kakaponeswa sei.