Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NHAU 28

Maponeserwe Akaitwa Mosesi

Maponeserwe Akaitwa Mosesi

ONA kamwana kanochema, uye kakabatirira mumwe womuzvare. NdiMosesi. Unoziva here kuti ndiani muzvare akatsvinda? Muchindakadzi weEgipita, mwanasikana waFarao.

Mai vaMosesi vakavanza mwana wavo kusvikira ava nemwedzi mitatu, nokuti vaisada kuti aurawe navaEgipita. Asi vaiziva kuti Mosesi angawanwa, saka izvi ndozvavakaita kumuponesa.

Vakatora tswanda ndokuinama nenamo kuti mvura igorega kupinda. Ipapo vakaisa Mosesi mairi, ndokugadzika tswanda muuswa hurefu mumhenderekedzo moRwizi rweNire. Hanzvadzi yaMosesi, Miriami, akaudzwa kumira pedyopo ndokuona chingaitika.

Nokukurumidza mwanasikana waFarao akaburukira kuRwizi rweNire kundoshamba. Kamwe kamwe akaona tswanda muuswa hurefu. Akadana mumwe wavabatirisikana vake: ‘Enda unditorere tswanda iyo.’ Apo muchindakadzi akazarura tswanda, haiwa mwaka akanaka zvakadini aakaona! Mosesi muduku aichema, muchindakadzi akamunzwira urombo. Haana kuda kuita kuti auraiwe.

Zvino Miriami akasvika. Unogona kumuona mumufananidzo. Miriami akakumbira mwanasikana waFarao: ‘Ko ndingaenda ndokudana mukadzi wavaIsraeri wokukurererai mwana here?’

Muchindakadzi akati: ‘Ndapota enda.’

Nokudaro Miriami akamhanya nokuchimbidza kundozivisa mai vake. Apo mai vaMosesi vakasvika, muchindakadzi akati: ‘Tora mwana uyu undirerere, uye ndichakuripira mubairo.’

Nokudaro mai vaMosesi vakatarisira mwana wavo vamene. Pashure apo Mosesi akanga akura kwazvo, vakamuendesa kumwanasikana waFarao, akazomurera somwanakomana wake amene. Ndiwo makurire akaita Mosesi mumba yaFarao.