Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NHAU 32

Madambudziko 10

Madambudziko 10

TARIRA mifananidzo. Mumwe nomumwe unoratidza dambudziko rakaunza Jehovha paEgipita. Munowokutanga ungaona Aroni achirova Rwizi rweNire netsvimbo yake. Paakarova, mvura yomurwizi yakava ropa. Hove dzakafa, rwizi ndokuvamba kunuhwa.

Tevere, Jehovha akabudisa matatya muRwizi rweNire. Aiva pose pose—muhovhoni, midziyo yokubikira, pahuvato hwavanhu—pose pose. Apo matatya akafa vaEgipita vakaaunganidza mumirwi mikuru, nyika ikanuhwa nao.

Ipapo Aroni akarova ivhu netsvimbo yake, huruva ikava umhutu. Ihwo tupukanana tunobhururuka tunoruma. Umhutu hwaiva dambudziko rechitatu panyika yeEgipita.

Mamwe amadambudziko akakuvadza vaEgipita, kwete vaIsraeri. Rechina raiva dambudziko renhunzi huru dzakapinda mumba dzavaEgipita dzose. Dambudziko rechishanu raiva pamhuka. Zhinji dzen’ombe namakwai nembudzi zvavaEgipita zvakafa.

Tevere, Mosesi naAroni vakatora marota ndokuakushira mumhepo. Vakaparira mamota pavanhu nemhuka. Iri raiva dambudziko rechitanhatu.

Pashure pakwo Mosesi akasimudza ruoko rwake kudenga, Jehovha ndokutuma kutinhira nechimvuramabwe. Raiva dutu guru rechimvuramabwe rakaipisisa risina kumbova neEgipita.

Dambudziko rorusere raiva mhashu zhinji. Kwakanga kusina kumbova nemhashu zhinji kwazvo chifocho. Dzakadya chinhu chiri chose chisina kuparadzwa nechimvuramabwe.

Dambudziko repfumbamwe raiva rima. Rima gobvu rakafukidza nyikayo kwamazuva matatu, asi vaIsraeri vaiva nechiedza kwavaigara.

Pakupedzisira, Mwari akaudza vanhu vake kusasa ropa rembudzana kana gwayana pamagwatidziro avo. Ipapo ngirozi yaMwari yakapfuura Egipita. Apo ngirozi yakaona ropa, haina kuuraya aninaani mumbayo. Asi mumba dzose maiva musina ropa pamagwatidziro, ngirozi yaMwari yakauraya matangwe ezvose zviiri munhu nemhuka. Iri raiva dambudziko rechi10.

Pashure peiri dambudziko rokupedzisira, Farao akaudza vaIsraeri kuti vabude. Vanhu vaMwari vose vakagadzirira kuenda, uye usikuhwo vakatanga kubuda kwavo muEgipita.

Eksodho zvitsauko 7 kusvika ku12.