Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NHAU 33

Kuyambuka Gungwa Dzvuku

Kuyambuka Gungwa Dzvuku

TARIRA chiri kuitika! Uyo ndiMosesi ane tsvimbo yake yakatambanudzirwa paGungwa Dzvuku. Avo vanaye vakakotsekana mhiri uko vaIsraeri. Asi Farao neuto rake rose vari kunyura mugungwa. Ngationei kuti kwakaitika sei.

Sezvatadzidza, Farao akaudza vaIsraeri kubva muEgipita pashure pokuunza kwaMwari dambudziko rechi10 pavaEgipita. Vanenge varume 600 000 vavaIsraeri vakabuda, uyewo navakadzi vazhinji navana. Uyewo, vamwe vanhu vakawanda kwazvo, vakanga vava vadaviri muna Jehovha, vakaenda navaIsraeri. Vose vakaenda namakwai avo nembudzi nen’ombe.

Vasati vabuda, vaIsraeri vakakumbira vaEgipita zvipfeko nezvinhu zvakaitwa nendarama nesirivha. VaEgipita vaitya zvikuru, nokuda kwedambudziko irero rokupedzisira pavari. Nokudaro vakapa vaIsraeri chinhu chiri chose chavakakumbira.

Pashure pamazuva mashoma vaIsraeri vakasvika paGungwa Dzvuku. Vakazororapo. Munguva ino, Farao navanhu vake vakavamba kunzwa urombo kuti vakanga vabudisa vaIsraeri. Vakati: ‘Taendesa varanda vedu!’

Zvino Farao akachinjazve ndangariro yake. Akakurumidza kugadzirira ngoro yake yehondo neuto rake. Ipapo akavamba kumhanyira vaIsraeri nengoro 600 chaidzo, nedzimwewo ngoro dzose dzeEgipita.

Apo vaIsraeri vakaona Farao neuto rake achivamhanyira, vakatya zvikuru kwazvo. Vakashaya matizire. Gungwa Dzvuku raiva kurutivi kwavo, uye kuno vaEgipita vaibva kunorumwe rutivi. Asi Jehovha akaisa gore pakati pavanhu vake navaEgipita. Nokudaro vaEgipita vaisakwanisa kuona vaIsraeri kuti vavadenhe.

Zvino Jehovha akaudza Mosesi kutambanudzira tsvimbo yake paGungwa Dzvuku. Paakatambanudza, Jehovha akavhuvhutisa mhepo inesimba yokumabvazuva. Mvura dzegungwa dzakakamuraniswa, mvura dzikamira kumativi ose mairi.

Ipapo vaIsraeri vakafamba nomugungwa pavhu rakaoma. Kwakatora maawa kuti mamirioni avanhu vanemhuka dzavo dzose vasvike mhiri nomugungwa vakakotsekana. Pakupedzisira vaEgipita vakakwanisa kuonazve vaIsraeri. Varanda vavo vakanga vachitiza! Nokudaro vakamhanyira mugungwa vachivamhanyira.

Pavakamhanyira, Mwari akagurunura mavhiri engoro dzavo. VaEgipita vakatya zvikuru kwazvo ndokuti: ‘Jehovha ari kurwira vaIsraeri mukurwisana nesu. Ngatibudei muno! Asika vakanga vanyanyononoka.

Paiva apo Jehovha akaudza Mosesi kutambanudzira tsvimbo yake paGungwa Dzvuku, sezvawaona mumufananidzo. Apo Mosesi akatambanudza, masvingo emvura akadzokera ndokufukidza vaEgipita nengoro dzavo. Uto rose rakanga ratevera vaIsraeri mugungwa. Uye hapana nomumwe wavaEgipita akabuda ari mupenyu!

Haiwa vanhu vaMwari vose vakafara sei kuva vanoponeswa! Varume vakaimba rwiyo rwokuonga Jehovha, vachiti: ‘Jehovha akawana rukundo runembiri. Akakandira mabhiza navatasvi vao mugungwa.’ Hanzvadzi yaMosesi Miriami akatora gandira rake, navakadzi vose vakamutevera namakandira avo. Uye zvavaidzana nomufaro, vakaimba rwiyo rwumwerwo sorwaiimba varume: ‘Jehovha akawana rukundo runembiri. Akakandira mabhiza navatasvi vao mugungwa.’

Eksodho zvitsauko 12 kusvika ku15.