Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NHAU 34

Rudzi Rutsva Rwezvokudya

Rudzi Rutsva Rwezvokudya

UNGAZIVA chiri kunongwa nevanhu pasi here? Chakaita sechando. Chichena, chitete uye chinopfupfuduka. Asi hachiziri chando; chimwe chinhu chokudya.

Unenge mwedzi bedzi chifo chokubva kwavaIsraeri muEgipita. Vari murenje. Zvokudya zvishoma zvinomera muno, saka vanhu vanonyunyuta, vachiti: ‘Tinoshuva kudai Jehovha atatiuraira muEgipita. Imomo taiva nezvokudya zvose zvataida.’

Zvino Jehovha anoti: ‘Ndichanisa zvokudya kubva kudenga! Jehovha anoita izvi. Mangwana wacho vaIsraeri pavanoona zvichena izvi zvakadonha, vanobvunzana, vachiti: ‘Chiiko?’

Mosesi anoti: ‘Izvokudya zvamapiwa naJehovha zvokudya.’ Vanhu vanozviti iMANA. Inonaka semakeke matete akaitwa nouchi.

‘Muchanonga zvizhinji sezvingadyiwa nomunhu mumwe nomumwe,’ Mosesi anoudza vanhu kudaro. Nokudaro mangwanani mamwe namamwe vanoita kudaro. Zvino, panopisa zuva, mana yasiiwa pavhu inonyunguduka.

Mosesi anotiwo: ‘Hapana anofanira kuchengeta mana kusvikira mangwana.’ Asi vamwe vavanhu havateereri. Unoziva chinoitika here? Mangwana wacho mana iya yavakachengeta izere honye, uye inonuhwa!

Zvisinei, pane zuva rimwe revhiki iro Jehovha anoudza vanhu kuunganidza mana zhinji yakapetwa ruviri. Izuva rechitanhatu. Uye Jehovha anotaura kuchengeta imwe yayo kusvikira mangwana, nokuti haazonisi imwe pazuva rechinomwe. Pavanochengeta mana kusvikira pazuva rechinomwe, haizari nehonye uye hainuhwi! Iri rimwe nenji!

Makore ose ayo vaIsraeri vari murenje Jehovha anovapa zvokudya zvemana.