Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nhau 39

Tsvimbo yaAroni Inoita Maruva

Tsvimbo yaAroni Inoita Maruva

ONA maruva namaamanda aibva akura patsvimbo iyi. Iyi itsvimbo yaAroni. Maruva aya nemichero yaibva zvakakura patsvimbo yaAroni muhusiku humwe chete! Ngationei kuti nei.

VaIsraeri vave vachidzungaira murenje kwechinguvana zvino. Vamwe vavanhu havafungi kuti Mosesi anofanira kuva mutungamiriri, kana kuti Aroni anofanira kuva muprista mukuru. Kora ndomumwe anofunga kudaro, ndozvinoitawo Dhatani, Abhirami navatungamiriri 250 vavanhu. Ava vose vanouya ndokuti kuna Mosesi: ‘Neiko kuri kuti iwe unozviisa pamusoro pavamwe vedu?’

Mosesi anoudza Kora navateveri vake kuti: ‘Mangwana mangwanani utore Haryana ugoisa zvinonuhwira madziri. Ipapo uuye kutabernakeri yaJehovha. Tichaona achasarudzwa naJehovha.’

Mangwana wacho Kora navateveri vake 250 vanouya kutabernakeri. Vamwe vazhinji vanouyawo kuzotsigira varume ava. Jehovha atsamwa zvikuru. Mosesi anoti: ‘Ibvai pamatendi avanhu ava vakaipa.’ ‘Musabata chipi nechipi chiri chavo.’ Vanhu vanoterera, ndokuenda kure namatendi aKora, Dhatani naAbhirami.

Ipapo Mosesi anoti: ‘Naikoku muchaziva akasarudzwa naJehovha. Pasi pachazaruka ndokumedza vanhu ava vakaipa.’

Nokukurumidza panopedza Mosesi kutaura, pasi panozaruka. Tendi raKora nezvinhu zvavo naDhatani naAbhirami navaiva navo zvinodzika pasi, uye pasi rinovafukidza. Apo vanhu vanonzwa kuchema kwaavo vanopinda mupasi, vanodanidzira kuti: ‘Ngatitize! Pasi ringadaro rikatimedzawo!’

Kora navateveri vake 250 vachiri pedyo netabernakeri. Nokudaro Jehovha anotuma mwoto, uye ivo vose vanonyungudika. Ipapo Jehovha anoudza mwanakomana waAroni Ereazari kutora haryana dzavanhu vafa ndokuita chifukidziro chitete cheartari nadzo. Ichi chifukidziro cheartari chichabatira senyevero kuvaIsraeri kuti hakuna mumwe kunze kwaAroni navanakomana vake vanofanira kubatira savaprista vaJehovha.

Asi Jehovha anoda kujekesa kwazvo kuti ndiAroni navanakomana vake vaakasarudza kuva vaprista. Nokudaro anoudza Mosesi kuti: ‘Ita kuti mutungamiriri wendudzi imwe neimwe yaIsraeri aunze tsvimbo yake. Kundudzi yaRevhi, ita kuti Aroni aunze tsvimbo yake. Ipapo isa imwe neimwe yeidzi tsvimbo mutabernakeri pamberi peareka yesungano. Tsvimbo yomurume wandakasarudza kuva muprista ichaita maruva.’

Apo Mosesi anotarira mangwanani, chokwadi, tsvimbo yaAroni ina maruva aya namaamanda aibva akura pairi! Nokudaro unoona here zvino nei Jehovha akameresa maruva tsvimbo yaAroni?