Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NHAU 42

Mbongoro Inotaura

Mbongoro Inotaura

WAKAMBONZWA nezvokutaura kwembongoro here? Ungati: ‘Aiwa.’ ‘Mhuka hadzigoni kutaura.’ Asika Bhaibheri rinozivisa nezvembongoro yakataura. Ngationei kuti kwakaitika sei.

VaIsraeri vanenge vatogadzirira kupinda muKanani. Bharaki, mambo weMoabhi, anotya vaIsraeri. Saka anotuma nhume kumunhu akachenjera anonzi bharami kuti agouya kuzoshurikidza vaIsraeri. Bharaki anopikira kupa Bharami mari zhinji, Bharami anotasva mbongoro yake ndokuenda kundoona Bharaki.

Jehovha haadi kuti Bharami ashurikidze vanhu Vake. Saka anotuma ngirozi ine munondo murefu kundodzivisa Bharami pamugwagwa. Bharami haangaoni ngirozi, asi mbongoro yake inoiona. Zvino mbongoro inoedza kutsaukira ngirozi, uye pakupedzisira inovata pamugwagwa. Bharami atsamwa kwazvo, anorova mbongoro yake netsvimbo.

Ipapo Jehovha anoita kuti Bharami anzwe mbongoro yake ichitaura kwaari. Mbongoro yakabvunza kuti: ‘Ndamuitireiko zvokuti munofanira kundirova?’

‘Wandiita sebenzi,’ Bharami anodaro. ‘Dai ndaiva nomunondo ndaizokuuraya!’

‘Ndakambokuitirai zvakadai kare here?’ mbongoro inobvunza.

‘Aiwa.’ Bharami anopindura.

Ipapo Jehovha anoonesa Bharami ngirozi inomunondo imire pamugwagwa. Ngirozi inoti: ‘Warovereiko mbongoro yako? Ndauya kuzokudzivisa, nokuti haufaniri kuenda kundoshurikidza Israeri. Kudai mbongoro isina kunditsaukira, ndingadai ndakuuraya, asi ndingadai ndisina kukuvadza mbongoro yako.’

Bharami anoti: ‘Ndatadza. Handina kuziva kuti umire pamugwagwa.’ Ngirozi inorega Bharami achienda, uye Bharami anopfuurira kundoona Bharaki. Anoedzazve kushurikidza Israeri, asika, panzvimbo pakwo, Jehovha anomuita kuti akomborere Israeri katatu.