Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NHAU 43

Joshua Anova Mutungamiriri

Joshua Anova Mutungamiriri

MOSESI anoda kupinda muKanani navaIsraeri. Nokudaro anokumbira kuti: ‘Regai ndiyambuke Rwizi rweJoridhani, Jehovha, ndigoona nyika yakanaka’ Asi anoti: ‘Zvaringana! Usazvidudzazve!’ Unoziva here kuti nei Jehovha akadaro?

Imhaka yechakaitika apo Mosesi akarova dombo. Yeuka, iye naAroni havana kukudza Jehovha. Havana kuudza vanhu kuti ndiJehovha aibudisa mvura mudombo. Jehovha akataura kuti haati aizovarega vachipinda muKanani nokuda kweichi chikonzero.

Pashure pemwedzi mishoma Aroni afa, Jehovha anoudza Mosesi kuti: ‘Tora Joshua, ugomumisa pamberi paEreazari muprista navanhu. Ipapo pamberi pavo vose, zivisa munhu wose kuti Joshua ndiye mutungamiriri mutsva.’ Mosesi anoita sezvataura Jehovha, sezvaungaona mumufananidzo.

Ipapo Jehovha anoudza Joshua kuti: ‘Simba, uye usatya. Uchatungamirira vaIsraeri kupinda munyika yeKanani yandakavapikira, uye ndichava newe.’

Pashure Jehovha anoudza Mosesi kukwira kumusoro kwegomo reNebho riri munyika yaMoabhi. Mosesi anogona kutarira napaRwizi rweJoridhani ndokuona nyika yakatsvinda yeKanani ari pamusoropo. Jehovha anoti: ‘Iyi ndiyo nyika yandakapikira kupa kuvana vaAbrahama, Isaka naJakobho. Ndaita kuti uione, asi handizokupinzi mairi!

Mosesi anofira pamusoro peGomo reNebhopo. Akanga ava namakore 120. Anga achakasimba, nameso ake akanga achikuona zvakanaka. Vanhu vakasuruvara zvikuru uye vanochema nokuti Mosesi afa. Asi vanofara kuva naJoshua somutungamiri wavo mutsva.