Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NHAU 44

Rakabhi Anovanza Tsori

Rakabhi Anovanza Tsori

Varume ava vari muchinetso. Vanofanira kutiza, nokuti vakasadaro vangaurawa. Itsori dzechiIsraeri, mukadzi ari kudzibetsera ndiRakabhi. Rakabhi anogara muno muimba iri parusvingo rweguta reJeriko. Ngationei kuti nei varume ava vari muchinetso.

VaIsraeri vagadzirira kuyambuka Rwizi rweJoridhani ndokupinda munyika yeKanani. Vasati vayambuka, Joshua anotuma tsori mbiri. Anoti: ‘Endai mundoona nyika neguta reJeriko.’

Apo tsori dzinosvika muJeriko, dzinoenda kumba kwaRakabhi. Asi mumwe munhu anoudza mambo weJeriko kuti: ‘VaIsraeri vairi vapinda muno usiku kuzoshora nyika.’ Paanonzwa izvi, mambo anotuma varume kuna Rakabhi, uye vanomurayira kuti: ‘Budisa varume vaunavo mumba mako!’ Asi Rakabhi avanza tsori pamusoro pedenga rake. Saka anoti: ‘Vamwe varume vakauya kumba yangu, asi handina kuziva kwavaibva. Vabva kwosviba, suo reguta risati rapfigwa. Kana mukachimbidza, mungavabata!’ Nokudaro varumevo vakavamhanyira.

Vaenda, Rakabhi anomhanyira padenga. ‘Ndinoziva kuti Jehovha achakupai nyika ino,’ anoudza tsori. ‘Takanzwa mapwisire aakaita Gungwa Dzvuku pamaibva Egipita, namauraire amakaita mambo weSihoni noweOgi. Ndakuitirai mutsa, saka ndipikirei, ndapota, kuti muchandiitira mutsa. Ponesai baba vangu namai vangu, nehanzvadzi dzangu navanin’ina.’

Tsori dzinopikira kuti dzichavaponesa, asika Rakabhi anofanira kuita chimwe chinhu. ‘Tora bote iri dzvuku ugorisungirira pawindi rako,’ dzinodaro tsori, ‘uye unganidzira hama dzako dzose mumba mako. Uye patinodzoka tose kuzotora Jeriko, tichaona iri bote muwindi rako ndokusauraya ani nani ari mumba mako.’ Apo tsori dzinodzokera kuna Joshua, dzinomuudza chinhu chose chakaitika.