Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NHAU 50

Vakadzi Vairi Vakashinga

Vakadzi Vairi Vakashinga

VAISRAERI pavanopinda mudambudziko, vanodanidzira kuna Jehovha. Jehovha anovapindura nokupa vatungamiri vakashinga vokuvabetsera. Bhaibheri rinoidza ava vatungamiri kuti vatongi. Joshua aiva mutongi wokutanga, uye vamwe vavatongi pashure pake vainzi Otinieri, Ehudhi naShamgari. Asi vaviri vavanhu vanobetsera Israeri vakadzi vanonzi Dhebhora naJaeri.

Dhebhora muprofitakadzi. Jehovha anomupa mashoko pamusoro penguva yemberi, ibvei oudza vanhu zvinotaurwa naJehovha. Dhebhora mutongiwo. Anogara pasi pomumwe muchindwi munyika yezvikomo, uye vanhu vanouya kwaari kuzobetserwa pazvinetso zvavo.

Panguva ino Jabhini ndiye mambo weKanani. Ane ngoro dzehondo 900. Uto rake rakasimba zvokuti vazhinji vavaIsraeri vave vachimanikidzwa kuva vabatiri vaJabhini. Mukuru weuto raMambo Jabhini anonzi Sisera.

Rimwe zuva Dhebhora anotuma nhume kundodana Mutongi Bharaki, ndokuti: ‘Jehovha ati: “Tora varume 10 000 ugovatungamirira kuGomo reTabhori. Ipapo ndichakuunzira Sisera. Uye ndichakupa rukundo paari neuto rake.”’

Bharaki anoudza Dhebhora kuti: ‘Ndichaenda kana imi mukaendawo neni.’ Dhebhora anoendawo, asi anoti kuna Bharaki: ‘Haungawani mbiri yorukundo, nokuti Jehovha achapa Sisera muruoko rwomukadzi.’ Uye izvi ndizvo zvinoitika.

Bharaki anoburuka muGomo reTabhori kundosangana namasoja aSisera. Pakarepo Jehovha anoparira mafashamo, uye mazhinji amasoja omuvengi anonyura. Asi Sisera anoburuka mungoro yake ndokutiza.

Pashure pechinguvana Sisera anosvika patendi raJaeri. Anomukoka kupinda mukati, ndokumupa mukaka. Unomuvatisa, nokukurumidza anobatwa nehope kwazvo. Ipapo Jaeri anotora mbambo yetendi ndokuiroverera mumusoro mouyu munhu akaipa. Pashure, panosvika Bharaki, anomuratidza Sisera afa! Saka ungaona kuti chakataurwa naDhebhora chakaitika.

Pakupedzisira Mambo Jabhini anourawawo, uye vaIsraeri vanovazve norugare kwechinguvana.