Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NHAU 52

Gidheoni Navarume Vake 300

Gidheoni Navarume Vake 300

UNOONA chiri kuitika pano here? Iri rose iuto raIsraeri. Varume vakafugama vari kunwa mvura. Mutongi Gidheoni ndiye amire pedyo navo. Ari kuona manwire avanoita mvura.

Nyatsotarisa mitoo yakasiana iri kunwa nayo varume vacho mvura. Vamwe vakanatira mvura. Asi mumwe ari kukapa mvura noruoko kuti agoona chiri kuitika paari. Kunokosha, nokuti Jehovha akaudza Gidheoni kusarudza bedzi varume vanoramba vakatarira vachinwa. Vamwe, Mwari akati, vanofanira kudzorerwa kumusha. Ngationei kuti nei.

VaIsraeri vari mudambudziko guruzve. Chikonzero ndechokuti havana kuterera Jehovha. VaMidhia vakawana simba pavari uye vari kuvakuvadza. Saka vaIsraeri vanodanidzira betsero kuna Jehovha, uye Jehovha anoterera makudanidzira avo.

Jehovha anoudza Gidheoni kutora uto, Gidheoni anounganidza pamwe chete uto revane 32 000. Asi kune uto revarume 135 000 rokurwisa Israeri. Asika Jehovha anoudza Gidheoni kuti: ‘Unavarume vazhinjisa.’ Neiko Jehovha akataura kudaro?

Imhaka yokuti kudai Israeri aikunda hondo, vaizofunga kuti ivo vamene vakakunda. Vaizofunga kuti havasati vaida betsero yaJehovha yokukunda. Saka Jehovha anoti kuna Gidheoni: ʼUdza varume vose vanotya kudzoka kumusha.ʼ Gidheoni paanoita izvi, vane 22 000 veuto rake vanodzoka kumusha. Kunomusiira bedzi varume 10 000 vokurwisana namasoja aya ose ane-135 000.

Asika, terera! Jehovha anoti: ʼUchina varume vazhinjisa.ʼ Nokudaro anoudza Gidheoni kuita kuti varume vanwe paurwu rwizi ibvei odzosa kumusha vanhu vose vanonatira mvura. ʼNdichakupa rukundo navarume vane 300 vakaramba vachitarira vachinwa,ʼ Jehovha anopikira.

Nguva yokurwa yasvika. Gidheoni anoisa varume vake 300 mumapoka matatu. Anopa murume mumwe nomumwe hwamanda, nechirongo chinezhenje machiri. Panenge pakati pousiku, vose vanokomba musasa wamasoja omuvengi. Ipapo, panguva imweyo, vanoridza vose hwamanda dzavo ndokuputsa zvirongo zvavo, ndokudanidzira vachiti: ʼMunondo waJehovha nowaGidheoni!ʼ Panomuka masoja omuvengi, anovhiringidzika ndokutya. Ose anotiza, uye vaIsraeri vanokunda hondo.

Vatongi ganhuro 6 kusvikira ku 8.