Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NHAU 55

Kakomana Kanobatira Mwari

Kakomana Kanobatira Mwari

AKA hakaziri kakomana kakatsvinda here? Zita rake ndiSamueri. Uye murume anoruoko ruri pamusoro paSamueri muprista mukuru waIsraeri Eri. Avo ndibaba vaSamueri Erikana namai vake Hana vari kuunza Samueri kuna Eri.

Samueri anenge anamakore mana bedzi kana kuti mashanu. Asi achagara pano patabernakeri yaJehovha naEri navamwe vaprista. Ko nei Erikana naHana vangapa mumwe munhu mudukusa saSamueri kubatira Jehovha patabernakeri? Ngationei.

Aingova makore mashomanene bedzi pamberi paikoku apo Hana akanga akasuruvara kwazvo. Chikonzero ndechokuti haaigona kuva nomwana, asi aida mwana zvikurukuru. Saka parimwe zuva paaishanyira tabernakeri yaJehovha, akanyengetera: ʼO Jehovha, musandikanganwa! Kana mukandipa mwanakomana, ndinopikira kuti ndichamupa kwamuri kuti akubatirei upenyu hwake hwose.ʼ

Jehovha akapindura munyengetero waHana, uye mwedzi yakati O pashure akabereka Samueri. Hana aida kakomana kake, nokudaro akamudzidzisa pamsoro paJehovha achiri mudiki kwazvo. Akaudza murume wake kuti: ʼNokukurumidza panokura Samueri zvokuti haachadikanirwizve kurerwa, ndichaenda naye kutabernakeri kundobatira Jehovha ikoko.ʼ

Ndozvatiri kuona Hana naErikana vachiita mumufananidzo. Nokuti Samueri akasanodzidziswa navabereki vake, anofara kukwanisa kubatira Jehovha pano patendi raJehovha. Gore riri rose Hana naErikana vanondonamata pairi tendi chairo, nokushanyira kakomana kavo. Uye gore rimwe nerimwe Hana anounza nguvo itsva yaaiitira Samueri.

Makore zvaanopfuura, Samueri anopfuurira kubatira patabernakeri yaJehovha, uye Jehovha navanhu vanomuda. Asi vanakomana vomuprista Eri Hofni naPinehasi vakaipa. Vanoita zvakashata zvizhinji, vachiitawo kuti vamwe vasaterera Jehovha. Eri anofanira kuvabvisa pakuva vaprista, asi haavabvisi.

Samueri muduku haaiti kuti zvinhu zvakashata zvipi nezvipi zvinoitwa patabernakeri zvimuregedzese kubatira Jehovha. Asi nokuti vanhu vashomanene kwazvo vanoda zvomenemene Jehovha, yava nguva refu chifo chapakataura Jehovha kunomunhu. Samueri paanoti kurei izvi ndozvinoitika:

Samueri avete mutabernakeri paanomutswa nenzwi. Anoti: ʼNdiripano.ʼ Anomuka ndokumanyira kuna Eri, achiti: ʼMandidana, saka ndiripano.ʼ

Asi Eri anoti: ʼHandina kukudana, dzokera kuhuvato.ʼ Nokudaro Samueri anodzokera kuhuvato.

Panovazve nokudana kwechipiri: ʼSamueri!ʼ Samueri anomuka ndokumanyirazve kuna Eri. Anoti: ʼMandidana, saka ndiripano.ʼ Asi Eri anoti: ʼHandina kukudana, mwanangu. Chivatazve.ʼ Nokudaro Samueri anodzokera kuhuvato.

ʼSamueri!ʼ inzwi rinodana kechitatu. Nokudaro anomanyira kuna Eri. Anoti: ʼNdiripano, nokuti munofanira kuve mandidana nguva ino.ʼ Eri anoziva zvino kuti ndiJehovha ari kudana. Saka anoudza Samueri kuti: ʼIndovatazve, uye akadanazve, uti: “Taurai, Jehovha, nokuti mubatiri wenyu ari kuterera.”

Samueri anotaura izvi panodanazve Jehovha. Jehovha anomuudza ipapo kuti acharanga Eri navanakomana vake. Pashure Hofni naPinehasi vanofira muhondo navaFiristia, uye panonzwa Eri zvaitika anowa, mutsipa wake unovhunika ndokufawo. Shoko raJehovha rinoitika.

Samueri anokura, ndokuva mutongi wokugumisira waIsraeri. Paanokwegura, vanhu vanomukumbira kuti: ʼSarudzai mambo wokubata ushe patiri.ʼ Samueri haadi kuita izvi, nokuti Jehovha ndiye mambo wavo chaizvo. Asi Jehovha anomuudza kuterera vanhu.