Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIKAMU 4

Mambo Wokutanga waIsraeri Kusvika Nguva Inoenda vaIsaeri Kuutapwa muBhabhironi

Mambo Wokutanga waIsraeri Kusvika Nguva Inoenda vaIsaeri Kuutapwa muBhabhironi

Sauro akava mambo wokutanga waIsraeri. Asi Jehovha akamuramba, nokudaro Dhavhidhi akasarudzwa kuva mambo munzvimbo make. Tinowana zvinhu zvizhinji pamsoro paDhavhidhi. Sepwere, akarwisa Goriati hofori. Pashure akatiza Sauro Mambo ane shanje. Abhigairi akaisvonaka akamudzivisa kuita chinhu choupenzi.

Tevere, tinodzidza zvinhu zvizhinji pamsoro pomwanakomana waDhavhidhi Soromoni, akatora nzvimbo yaDhavhidhi samambo waIsraeri. Madzimambo matatu okutanga alsraeri akabata ushe kwamakore 40 mumwe nomumwe. Pashure porufu rwaSoromoni, Israeri akakamuraniswa kuva maumambo mairi, umambo hwokumusoro nohwezasi.

Umambo hwendudzi 10 hwokumusoro hwakagara makore 257 husati hwaparadzwa navaAsiria. Tevere makore 133 apashure, umambo hwendudzi mbiri hwezasi hwakaparadzwawo. Panguva ino vaIsraeri vakaendeswa Bhabhironi senhapwa. N0kudaro Chikamu CHECHINA chinofukidza makore 510 enhau, munguva umo tinoona zvinoitika zvizhinji zvinofadza zvichipfuura.

 

ZVIRI MUCHIKAMU CHINO

NHAU 56

Sauro—Mambo Wokutanga waIsraeri

Pakutanga akasarudzwa naMwari asi akazorambwa. Zvakaitika kuna Sauro zvinotidzidzisa chimwe chinhu.

NHAU 57

Mwari Anosarudza Dhavhidhi

Chii chakaonekwa naMwari pana Dhavhidhi chisina kuonekwa nemuprofita Samueri?

NHAU 58

Dhavhidhi naGoriati

Dhavhidhi akarwisa Goriyati nechipfuramambwe uyewo nechimwe chombo chine simba zvikuru.

NHAU 59

Nei Dhavhidhi Achitiza

Sauro akambotanga achifarira Dhavhidhi asi akazosvika pakumuvenga zvekuda kumuuraya. Chii chakaita kuti adaro?

NHAU 60

Abhigairi naDhavhidhi

Abhigairi anotaura kuti murume wake ibenzi, asi izvi zvinobatsira kuti amborega kuurayiwa.

NHAU 61

Dhavhidhi Anoitwa Mambo

Dhavhidhi anonyatsoratidza kuti akakodzera kuva mambo nezvaanoita uye zvaanoramba kuita.

NHAU 62

Chinetso Mumba yaDhavhidhi

Kukanganisa kwakaita Dhavhidhi kwakaunza matambudziko kwaari nekumhuri yake.

NHAU 63

Soromoni Mambo Akachenjera

Ichokwadi here kuti Soromoni akanga achitoda kucheka mwana nepakati?

NHAU 64

Soromoni Anovaka Tembere

Pasinei nekuti Soromoni ainge akachenjera, akanyengedzea kuita zvinhu zvakaipa uye zveupenzi.

NHAU 65

Umambo Hunokamukana

Paakangotanga kutonga, Jerobhoamu akaita kuti vanhu vatyore mutemo waMwari.

NHAU 66

Jezebheri​—Mambokadzi Akaipa

Akaita zvese zvaaigona kuti awane zvaaida.

NHAU 67

Jehoshafati Anovimba naJehovha

Nei uto rakaenda kuhondo richitungamirirwa nevaimbi vasina zvombo?

NHAU 68

Vakomana Vairi Vanoraramazve

Munhu afa anogona kumutswa kuti araramezve here? Hongu, zvakamboitika!

NHAU 69

Musikana Anobetsera Gamba

Akaita ushingi hwekutaura, uye izvozvo zvakaita kuti paitike chishamiso.

NHAU 70

Jona Nehove Huru

Jona akadzidza chidzidzo chinokosha panyaya yekuita zvinenge zvataurwa naJehovha.

NHAU 71

Mwari Anopikira Paradhiso

Paradhiso yekutanga yaiva diki; asi iye ichange iri pasi rese.

NHAU 72

Mwari Anoyamura Mambo Hezekia

Ngirozi inouraya masoja evaAsiriya 185 000 muusiku humwe chete.

NHAU 73

Mambo Wokugumisira waIsraeri

Paaiva achiri kuyaruka, Josiya akaratidza ushingi.

NHAU 74

Murume Asingatyi

Jeremiya aifunga kuti akanga achiri mudiki zvekukwanisa kuva muprofita, asi Mwari aiziva kuti aizvikwanisa.

NHAU 75

Vakomana Vana muBhabhironi

Vanobudirira pasinei nekuti vakanga vakaparadzana nemhuri dzavo.

NHAU 76

Jerusarema Rinoparadzwa

Nei Jehovha achisiya vavengi vevaIsraeri, vaBhabhironi vachiparadza Jerusarema?