Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NHAU 60

Abhigairi naDhavhidhi

Abhigairi naDhavhidhi

UNOZIVA mukadzi akatsvinda ari kuuya kuzosangana naDhavhidhi here? Zita rake ndiAbhigairi. Anomufungo wakanaka, uye anodzivisa Dhavhidhi kuita chakaipa. Asi tisati tanzwa nezvakwo, ngationei chave chichiitika kuna Dhavhidhi.

Dhavhidhi atiza Sauro, anovanda mubako. Vakoma vake navamwe vemhuri yake vanomukumbaniramo. Vanenge varume 400 vose vanouya kwaari, uye Dhavhidhi anova mutungamiri wavo. Dhavhidhi ipapo anoenda kuna mambo weMoabhi ndokuti: ʼNdapota baba vangu namai ngavagare nemi kusvikira ndaona chinoitika kwandiri.ʼ Pashure Dhavhidhi navarume vake vanovamba kuvanda muzvikomo.

Panova pashure paikoku apo Dhavhidhi anosangana naAbhigairi. Nabhari murume wake ndimuzvinanyika akapfuma. Anamakwai 3 000 nembudzi 1 000. Nabhari munhu anoutsinye. Asi mudzimai wake Abhigairi akatsvinda chose. Uyewo, anoziva kuita chiri chakarurama. Akambotoponesa mhuri yake. Ngationei kuti sei.

Dhavhidhi navarume vake vave vanetsitsi naNabhari. Vakabetsera kuchengeta makwai ake. Zvino rimwe zuva Dhavhidhi anotuma vamwe vavarume vake kundokumbira kuitirwa mutsa. Varume vaDhavhidhi vanosvika kuna Nabhari apo iye navabetseri vake vari kucheka mvere dzamakwai. Izuva ramabiko, Nabhari anezvinhu zvakanaka zvizhinji zvokudya. Zvino izvi ndozvinotaurwa navarume vaDhavhidhi: ʼTave tine tsitsi nemi. Hatina kuba api naapi amakwai enyu, asi takabetsera kuatarisira. Zvino, tapota, tipeiwo zvokudya.ʼ

ʼHandingapi zvokudya zvangu kuvanhu vakadai semi,ʼ Nabhari anodaro. Anotaura nenzira youtsinye zvikuru, achitaura zvinhu zvakashata pamsoro paDhavhidhi. Panodzokera varumevo ndokuudza Dhavhidhi nezvakwo, Dhavhidhi anotsamwa zvikuru. ʼPfekai minondo yenyu!ʼ anoudza varume vake. Ipapo vanondouraya Nabhari navarume vake.

Mumwe wavarume vaNabhari, akanzwa mashoko outsinye akataurwa naNabhari, anoudza Abhigairi chakaitika. Pakarepo Abhigairi anogadzirira zvokudya. Anozvikwidza pambongoro ndokuenda. Paanosangana naDhavhidhi, anoburuka pambongoro yake, anofugama ndokuti: ʼNdapota, ishe, musaterera murume wangu Nabhari. Ibenzi, uye anoita zvinhu zvoupenzi. Hechi chipo. Ndapota chitorei, uye tikanganwirei nokuda kwechakaitika.ʼ

Dhavhidhi anoti: ʼUri mukadzi akachenjera.ʼ ʼWandidzivisa kuuraya Nabhari kutsiva utsinye hwake. Chienda kumusha zvino murugare.ʼ Gare gare, panofa Nabhari, Abhigairi anova mumwe wavadzimai vaDhavhidhi.