Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nhau 68

Vakomana Vairi Vanoraramazve

Vakomana Vairi Vanoraramazve

KANA ukafa, amai vako vanganzwa sei kudai waizomutsirwa kuupenyu? Vaizofara kwazvo! Asika munhu akafa angararamazve here? Kwakamboitika here kare?

Tarira murume ari pano, nomukadzi nekakomana. Murumeyo muprofita Eria. Mukadzi ichirikadzi yomuguta reZerafati, uye kakomana mwana wake. Eya, rimwe zuva kakomana kanorwara. Kanorwarisisa kusvikira kazofa. Eria ibvei oti kumukadzi: ʼNdipe mukomana.ʼ

Eria anokwira nomwana afa mumba yapamusoro ndokumuvanzarika pahuvato. Ibvei onyengetera: ʼ0 Jehovha, raramisaizve mukomanayu.ʼ Mukomana anotanga kufema ipapo! Ipapo Eria anodzika naye pasi ndokuti kumukadzi: ʼTarira, mwanakomana wako mupenyu!ʼ Ndokusaka mai vachifara zvikuru.

Mumwe muprofita anokosha waJehovha anonzi Erisha. Anobatira somubetseri waEria. Asi munguva yakati Jehovha anoshandisawo Erisha kuita manenji. Rimwe zuva Erisha anoenda kuguta reShunemi, kwaanoitirwa mutsa kwazvo nomukadzi. Pashure mukadzi uyu anova nomwanakomana.

Mamwe mangwanani, mwanayo akura, anondokumbanira baba vake vari kushanda mumunda. Kamwe kamwe mukomanayo anodanidzira kuti: ʼMusoro wangu unotema!ʼ Aendeswa kumba, mukomanayo anofa. Haiwa vanosuruvara sei mai vake! Pakarepo vanondotora Erisha.

Panosvika Erisha, anopinda mukamuri rinomwana afa. Anonyengetera kuna Jehovha, ndokuvata pamusoro pechitunha. Nokukurumidza muviri womukomana unodziya, ndokuotsira kanomwe. Haiwa mai vake vanofara sei pavanopinda ndokuona mukomana wavo ari mupenyu.ʼ

Vanhu vazhinji zhinji vakafa. Ikoku kwakasuruvarisa mhuri dzavo neshamwari zvikuru. Hatina simba rokumutsa vakafa. Asi Jehovha anaro. Gare gare tichadzidza kuti achadzorera sei mamirioni mazhinji avanhu kuupenyu.