Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NHAU 69

Musikana Anobetsera Gamba

Musikana Anobetsera Gamba

UNOZIVA here chiri kutaurwa nakasikana aka? Kari kuudza vahosi nezvomuprofita waJehovha Erisha, uye manenji aanobetserwa naJehovha kuita. Vahosi havazivi nezvaJehovha nokuti havazi muIsraeri. Ngationei, zvino, kuti nei musikana ari mumba mavahosi.

Vahosi muSiria. Murume wavo ndiNaamani, mukuru weuto reSiria. VaSiria vakatapa kasikana aka kechiIsraeri, uye kakaunzwa kumudzimai waNaamani kuti kagova mubatiri wake.

Naamani ane chirwere chakashata chinonzi maperembudzi. Chirwere ichi chingatosakisa imwe yenyama yomunhu kuwa. Nokudaro kasikana kari kuudza mudzimai waNaamani kuti: ʼNdinoshuvakudai ishe wangu angaenda kunomuprofita waJehovha muna Israeri. Angamuporesa maperembudzi ake.ʼ Pashure murume wavahosi anoudzwa izvozvi.

Naamani anoda zvikuru kuporeswa, saka anosarudza kuenda Israeri. Paanosvikako, anoenda kumba kwaErisha. Erisha anobudisa mubatiri wake kundoudza Naamani kundoshamba muRwizi rweJoridhani kanomwe. Ikoku kunotsamwisa zvikuru Naamani, ndokuti: ʼNzizi dzokumusha dziri nani kukunda rwizi rwupi norwupi muna Israeri!ʼ Pashure pokutaura izvi, Naamani anoenda.

Asi mumwe wavabatiri vake anomuudza kuti: ʼIshe, dai Erisha akamuudzai kuita chimwe chinhu chikukutu, hamungachiiti here? Ko zvino huregerereiko kungoshamba henyu, sezvaataura?ʼ Naamani anoterera mubatiri wake ndokundozvinyudza amene muRwizi rweJoridhani kanomwe. Paanoshamba, nyama yake inova yakasimba neyakagwinya!

Naamani anofara kwazvo. Anodzokera kuna Erisha ndokuti: ʼZvino ndoziva zvechokwadi kuti Mwari ari muna Israeri ndiye Mwari bedzi wechokwadi mupasi rose. Zvino, ndapota, tora chipo ichi kwandiri.ʼ Asi Erisha anoti: ʼAiwa, handingachitori.ʼ Erisha anoziva kuti kungava kwakaipa kuti atore chipo, nokuti ndiJehovha akanga amuporesa. Asi mubatiri waErisha Gehazi anoda chipocho iye amene.

Nokudaro Gehazi anoita izvi. Naamani abva, Gehazi anomanya kundomubata. ʼErisha andituma kukuudzai kuti angada zvimwe zvechipo chenyu nokuda kweshamwari dzangosvika kuzoshanya,ʼ anodaro Gehazi. Idzi, chokwadi, inhema. Asi Naamani haazivi kuti inhema; nokudaro anopa Gehazi zvimwe zvezvinhu.

Apo Gehazi anodzokera kumba, Erisha anoziva chaaita. Jehovha amuudza. Zvino anoti: ʼNokuti waita chinhu ichi chakashata, maperembudzi aNaamani achawira pauri.ʼ Uye anowirapo, pakarepo!

Tingadzidzei pana ikoku kose? Kutanga, kuti tinofanira kuva sekasikana ndokutaura nezvaJehovha. Kungabetsera zvikurusa. Kechipiri, hatifaniri kudada saNaamani pakutanga, asi tinofanira kuterera vabatiri vaMwari. Chetatu, hatifaniri kureva nhema sezvakaita Gehazi. Hatingadzidzi zvizhinji mukurava Bhaibheri here?