Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NHAU 70

Jona Nehove Huru

Jona Nehove Huru

TARIRA murume ari mumvura. Ari muchinetso chikuru, haaziri here? Hove iyo yodokumumedza! Unoziva kuti ndiani murume uyu here? Zita rake ndiJona. Ngationei kuti akapinda sei muchinetso chikurusa.

Jona muprofita waJehovha. Haiziri nguva refu pashure porufu rwomuprofita Erisha apo Jehovha anoudza Jona kuti: ʼEnda kuguta guru reNinevhe. Ushati hwavanhu ikoko hukuru kwazvo, uye ndinoda kuti utaure kwavari pamsoro pahwo.ʼ

Asi Jona haadi kuenda. Saka anokwira chikepe chinoenda kurumwe rutivi rweNinevhe. Jehovha haafadzwi nokutiza kwaJona. Saka anoparira dutu guru. Rakashata kwazvo zvokuti chikepe chiri mungozi yokunyura. Vakwasvi vanotya zvikuru, vanodanidzira betsero kuvamwari vavo.

Pakupedzisira Jona anovaudza kuti: ʼNdinonamata Jehovha. Mwari akaita denga napasi. Uye ndiri kutiza kuita zvandakaudzwa naJehovha kuita.ʼ Zvino vakwasvi vanoti: ʼTinofanira kukuitirei kumisa dutu?ʼ

ʼNdikandirei mugungwa, uye gungwa richateramazve,ʼ anodaro Jona. Vakwasvi havadi kukuita, asi dutu zvarinoipisisa pakupedzisira vanokanda Jona mumvura. Pakarepo dutu rinomira, gungwa ndokuteramazve.

Jona zvaanonyura mumvura, hove huru inomumedza. Asi haafi. Kwamazuva matatu nousiku hutatu iye ari mudumbu rehoveyo. Jona anozvidemba kwazvo kuti haana kuterera Jehovha ndokuenda Ninevhe. Zvino unoziva chaanoita here?

Jona anonyengetera kuna Jehovha nokuda kwebetsero. Ipapo Jehovha anoita kuti hove irutsire Jona panyika yakaoma. Pashure paikoko Jona anoenda Ninevhe. Ikoku hakuzati kuchitidzidzisa kuti kunokosha sei here kuti tiite chipi kana chipi chinotaura Jehovha?

Bhuku raJona.