Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NHAU 73

Mambo Wokugumisira waIsraeri

Mambo Wokugumisira waIsraeri

JOSIA anongova namakore masere bedzi apo anova mambo wendudzi 2 dzokuzasi dzaIsraeri. Izera duku kwazvo rokuti munhu ave mambo. Nokudaro pakutanga vakuru vanomubetsera kubata ushe rudzirwo.

Josia ava mambo kwamakore manomwe anovamba kutsvaka Jehovha. Anotevera muenzaniso wamadzimambo akanaka saDhavhidhi, Jehoshafati naHezekia. Ipapo, achingunoveri pwere, Josia anoita chinhu choushingi.

Kwenguva refu uzhinji hwavaIsraeri hwave hwakaipa kwazvo. Vanonamata vamwari venhema. Vanokotamira zvidhori. Saka Josia anobuda navarume vake ndokuvamba kubvisa namato yenhema munyikayo, lri ibasa guru nokuti vanhu vazhinji kwazvo vanonamata vamwari venhema. Ungaona Josia navarume vake pano vachiputsa zvidhori.

Pashure pacho, Josia anoisa varume vatatu mukutarisira kugadziridzwa kwetembere yaJehovha. Mari inounganidzwa kubva kuvanhu ichipiwa kuna ava varume kuripira basa rinofanira kuitwa. Vachingunoshanda patembere, muprista mukuru Hirkia anowana chimwe chinhu chinokosha kwazvo imomo. Ibhuku rimene romutemo iro Jehovha akaita kuti Mosesi anyore kare kare. Rakanga rarasika kwamakore mazhinji.

Bhuku rinoendeswa kuna Josia, uye anokumbira kuti rimuravirwe. Zvaanoterera, Josia angaona kuti vanhu vave vasingachengeti mutemo waJehovha. Anosuruvara kwazvo pamsoro pakwo, nokudaro anobvarura nguvo dzake, sezvaungaona pano. Anoti: ʼJehovha atitsamwira, nokuti madzibaba edu haana kuchengeta mitemo yakanyorwa mubhuku iri.

Josia anoraira muprista mukuru Hirkia kuti agowana kuti Jehovha achaitei navo. Hirkia anoenda kumukadzi Hardha, ari muprofitakadzi, ndokumubvunza. Anomupa iri shoko rabva kuna Jehovha rokuenda naro kuna Josia: ʼJerusarema navanhu vose richarangwa nokuti vakanamata vamwari venhema uye nyika yakazadzwa noushati. Asi sokuti iwe, Josia, waita chiri chakanaka, chirango ichi hachizouyi kusvikira pashure porufu rwako.ʼ