Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NHAU 75

Vakomana Vana muBhabhironi

Vakomana Vana muBhabhironi

MAMBO Nebhukadnezari anoendesa valsraeri vose vakadzidza zvikuru kuBhabhironi. Pashure mambo anosarudza pakati pavo majaya akaisvotsvinda uye akaisvochenjera. Vana vavakomana ava unovaona pano. Mumwe ndiDhanieri, navamwe vatatu vanonzi Shadraki, Meshaki naAbhedhinego navaBhabhironi.

Nebhukadnezari anorongedzera kurovedza majayao kubatira mumba yake youmambo. Pashure pamakore matatu erovedzo achasarudza vakaisvochenjeresa kumubetsera kugadzikisa zvinetso. Mambo anoda kuti vakomana vave vakasimba navakagwinya vachingunorovedzwa. Nokudaro anoraira kuti vabatiri vake vagopa ivo vose zvokudya zvakapfuma zvimwezvo newaini zvaanowana iye nemhuri yake.

Tarira Dhanieri muduku. Unoziva here zvaari kutaura kumubatiri mukuru waNebhukadnezari Ashipenazi? Dhanieri ari kumuudza kuti haadi kudya zvinhu zvakapfuma zvinobva patafura yamambo. Asi Ashipenazi anonetseka. ‘Mambo asarudza zvamunofanira kudya nokunwa,’ anodaro. ‘Uye kana mukasatarisika makagwinya samamwe majaya, iye angandiuraya.’

Saka Dhanieri anoenda kumuchengeti akaiswa mukumutarisira neshamwari dzake nhatu naAshipenazi. ‘Ndapota tiidzei kwamazuva 10,’ anodaro. ‘Tipei mirivo yokudya nemvura yokunwa. Ipapo tienzanisirei namamwe majaya anodya zvokudya zvamambo, mugoona kuti ndiani anotarisika zvirinani kwazvo.’

Muchengeti anobvuma kuita izvi. Uye panosvika mazuva 10, Dhanieri neshamwari dzake vanoratidzika vakagwinya kwazvo kupinda majaya ose. Anovarega vachipfuurira kudya mirivo panzvimbo pezvinogoverwa namambo.

Pakupera kwamakore matatu majaya ose anoendeswa kuna Nebhukadnezari. Pashure pokutaura kwavari vose, mambo anowana Dhanieri neshamwari dzake nhatu kuva vakaisvochenjeresa. Nokudaro anovachengeta kuti vagomubetsera mumba youmambo. Uye papi kana papi panobvunzwa namambo Dhanieri, Shadraki, Meshaki naAbhedhinego mibvunzo kana kuti kuvapa zvinetso zvikuru, vanoziva ka10 zvikuru kupinda vapi navapi vavaprista vake navachenjeri.