Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NHAU 80

Vanhu vaMwari Vanobva Bhabhironi

Vanhu vaMwari Vanobva Bhabhironi

ANENGE makore mairi apfuura chifo chokutapwa kweBhabhironi navaMedhe navaPersia. Uye tarira chiri kuitika zvino! VaIsraeri vari kubva muBhabhironi. Vakasunungurwa sei? Vakaendeswa naani?

NaKoreshi, mambo wePersia. Kare Koreshi asati aberekwa, Jehovha akaita kuti muprofita wake Isaya anyore nezvake: ʼUchaita sezvandinoda kuti uite. Masuo achasiiwa akakuzarukira kuti utape guta.ʼ Koreshi akatungamirira mukutapwa kweBhabhironi. VaMedhe navaPersia vakapinda muguta usiku napamasuo akanga asiiwa akazaruka.

Asi muprofita waJehovha Isaya akataurawo kuti Koreshi aizoraira kuti Jerusarema netembere yaro zvivakwezve. Ko Koreshi akaraira here? Hungu. Koreshi anoudza vaIsraeri izvi: ʼEndai, zvino, kuJerusarema mundovaka tembere yaJehovha, Mwari wenyu.ʼ Uye vaIsraeri ava vari kuenda kundoita izvi chaizvoizvo.

Asi handi vaIsraeri vose vari muBhabhironi vangadzokera rwendo rurefu kuJerusarema. Rwurefu kwazvo namamaira anenge 500 (makiromita 800) uye vazhinji vakwegura kana kuti vanorwara zvokusagona kuenda kure kwazvo.Uye pane zvimwe zvikonzero nei vamwe vanhu vasingaendi. Asi Koreshi anoti kuna vasingaendi: ʼIpai sirivha nendarama nezvimwe zvipo vanhu vari kudzokera kundovaka Jerusarema netembere yaro.ʼ

Zvino, zvipo zvizhinji zvinopiwa ava valsraeri vari kuenda Jerusarema. Uyewo, Koreshi anovapa ndiro nemikombe zvakanga zvatorwa naMambo Nebhukadnezari mutembere yaJehovha paakaparadza Jerusarema. Vanhu vane zvinhu zvizhinji zvokudzokera nazvo.

Pashure peinenge mwedzi mina yokufamba, valsraeri vanosvika Jerusarema nenguva chaiyo. Makore 70 chaiwoiwo chifo chokuparadzwa kwegutaro, uye nyikayo yakasiiwa isitongorina vanhu. Asi kunyange valsraeri vadzoka zvino munyika yekwavo vachava nenguva dzakaoma, sezvatichanzwazve.