Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NHAU 84

Ngirozi Inoshanyira Maria

Ngirozi Inoshanyira Maria

UYU mukadzi akaisvonaka ndiMaria. Mulsraerikadzi, anogara mutaundi reNazareta. Mwari anoziva kuti iye munhu akaisvonaka. Ndokusaka atuma ngirozi yake Gabrieri kundotaura kwaari. Unoziva here kuti Gabrieri auya kuzoudzei Maria. Ngationei.

Gabrieri anoti kwaari: ‘Kwaziwa, anodiwa iwe zvikuru.’ Jehovha unewe. ‘Maria haasati amboona uyu munhu.’ Anonetsekana, nokuti haaziri kuziva zvaanoreva. Asi pakarepo Gabrieri anonyaradza kutya kwake.

Anoti: ‘Usatya, Maria.’ ‘Jehovha anofadzwa newe. Ndokusaka achakuitira chinhu chinoshamisa. Uchava nomwana nokukurumidza. Uye uchamutumidza zita kuti Jesu.’

Gabrieri anopfuurira kutsanangura kuti: ‘Uyu mwana uchava mukuru, uye achanzi Mwanakomana waMwari Wokumusorosoro. Jehovha achamuita mambo, saDhavhidhi. Asi Jesu achava mambo nariini, uye umambo hwake hahuzotongogumi!’

Maria anoti: ‘Ikoku kungaitika seiko?’ ‘Handina kunyange kuroorwa. Handizati ndagara nomurume, zvino ndingava sei nomwana?’

‘Simba raMwari richawira pauri,’ Gabrieri anopindura. ‘Zvino mwanayo achanzi Mwanakomana waMwari.’ Ipapo anoudza Maria kuti: ‘Yeuka hama yako Erisabhete. Vanhu vaiti anyanyokwegura zvokusagona kuva navana. Asi nokukurumidza zvino achava nomwanakomana. Zvino unoonaka, hapana chinhu chisingagoni kuitwa naMwari.’

Pakarepo Maria anoti: ‘Ndiri mushandirisikana waJehovha! Ngakuitike kwandiri sokutaura kwamaita.’ Ipapo ngirozi inoenda.

Maria anokurumidza kushanyira Erisabhete. Apo Erisabhete anonzwa inzwi raMaria, mwana ari mukati maErisabhete anokwakukira mufaro. Erisabhete anozadzwa nomudzimu waMwari, ndokuti kuna Maria: ‘Iwe wakakomborerwa zvikurukuru pakati pavakadzi.’ Maria anogara naErisabhete kweinenge mwedzi mitatu, ibvei odzokera kumusha kuNazareta.

Maria odokuroorwa nomumwe murume anonzi Josefa. Asi apo Josefa anonzwa kuti Maria achava nomwana, haafungi kuti anofanira kumuroora. Ipapo ngirozi yaMwari inoti kwaari: ‘Usatya kutora Maria kuva mudzimai wako. Nokuti ndiMwari amupa mwanakomana.’ Saka Maria naJosefa vanoroorana, uye vanomirira kuberekwa kwaJesu.