Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NHAU 87

Jesu Muduku Ari Mutembere

Jesu Muduku Ari Mutembere

TARIRA kakomana kanotaura navakweguru ava. Vadzidzisi vomutembere yaMwari paJerusarema. Uye mukomanayo ndiJesu. Atikurei zvikuru. Zvino ava namakore 12 okukura.

Vadzidzisi vanoshamiswa kwazvo kuti Jesu anoziva zvizhinjisa pamsoro paMwari nezvinhu zvakanyorwa muBhaibheri. Asika nei Josefa naMaria vasipowo. Varikupiko? Ngatiwanei.

Gore ririrose Josefa anounza mhuri yake kuJerusarema nokuda kwechengetwo chaiyo inonzi Darikwo. Rwendo rurefu kubva Nazareta kuuya kuJerusarema. Hakuna anemotokari, uye hakuna zvitima. Vakanga vasinazvo mumazuvawo. Vanhu vazhinjisa vanofamba, uye kunovaitira mazuva anenge matatu kusvika Jerusarema.

Kurizvino Josefa anemhuri huru. Nokudaro pana vanin’ina vaJesu nehanzvadzi vokutarisira. Eya, gore rino Josefa naMaria vaenda parwendo rurefu rwokudzokera kumusha kuNazareta navana vavo. Vanofunga kuti Jesu anavamwe vavanofamba navo. Asi pavanomira pakupera kwezuvaro, havangawani Jesu. Vanomutsvaka pakati pehama dzavo neshamwari, asi haazati ainavo! Nokudaro vanodzokera Jerusarema kunomutsvaka ikoko.

Pakupedzisira vanomuwana muno ainavadzidzisi. Ari kuvaterera achibvunza mibvunzo. Asi vanhu vose vanoshamiswa namachenjerere aJesu. Asi Maria anoti: ‘Mwana, watiitirireiko izvi? Baba vako neni tave tichinetsekana zvikuru kuedza kukuwana.’

Jesu anoti: ‘Maifaniririreiko kunditsvaka?’ ‘Maisazivasu kuti ndaifanira kuva mumba yaBaba vangu?

Hungu, Jesu anoda kuva kwaangadzidza pamsoro paMwari. Handio manzwire atinofanira kuitawo here? Vava kumusha muNazareta, Jesu aizoenda kumisangano yokunamata vhiki ririrose. Sokuti aigaroterera, aidzidza zvinhu zhizhiji zvomuBhaibheri. Ngatifananei naJesu ndokutevera muenzaniso wake.