Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nhau 92

Jesus Anomutsa Vakafa

Jesus Anomutsa Vakafa

MUSIKANA waunoona pano anamakore 12 okukura. Jesu akabata ruoko rwake, uye mai vake nababa vamire pedyopo. Unoziva kuti nei vachinge vanofara zvikuru here? Ngatiwanei.

Baba vomusikana munhu anokosha anonzi Jairosi. Rimwe zuva mwanasikana wake anorwara, uye anoiswa pahuvato. Asi haanayi. Anongoramba achirwarisisa. Jairosi nomudzimai wake vanonetsekana kwazvo, nokuti kunenge kuti kasikana kavo kachafa. Ndiye mwanasikana wavo bedzi. Nokudaro Jairosi anondotsvaka Jesu. Akanzwa nezvamanenji ari kuita Jesu.

Apo Jairosi anowana Jesu, paneboka guru rakamukomberedza. Asi Jairosi anopinda nomubokamo ndokuwira patsoka dzaJesu. ‘Mwanasikana wangu ari kurwara zvikurukuru,’ anodaro. Anokumbira achiti: ‘Ndapota, handei mugomunayisa.’ Jesu anoti achauya.

Sezvavanofamba, boka rinoramba richisunda kuti risvike pedyo zvikuru. Jesu anomira kamwe kamwe. ‘Ndianiko wandibata,’ anobvunza. Jesu anzwa simba richibuda maari, saka anoziva kuti mumwe munhu amubata. Asika ndianiko? Ndimumwe mukadzi ave achirwara kwazvo kwamakore 12. Akasvika ndokubata zvipfeko zvaJesu, uye akaporeswa!

Ikoku kunoita kuti Jairosi anzwe zvirinani, nokuti anogona kuona kuti kuri nyore sei kuna Jesu kuporesa mumwe munhu. Asika zvino nhume inosvika. Inoudza Jairosi kuti: ‘Regai henyu kunetsazve Jesu, mwanasikana wenyu wafa.’ Jesu anonzwa izvi uye anoti kuna Jairosi: ‘Usanetsekana, uchanaya hake.’

Pavanosvika kumba kwaJairosi pakupedzisira, vanhu vari kuchema norusuruvaro rukuru. Asi Jesu anoti: ’Musachema. Mwana haana kufa. Avete bedzi.’ Asi ivo vanoseka Jesu, nokuti vanoziva kuti afa.

Jesu ipapo anotora baba namai vomusikana navatatu vavaapostora vake ndokupinda mukamuri muvete mwanayo. Anomubata ruoko ndokuti: ‘Muka!’ Uye anova mupenyu, sezvaunoona pano. Anosimuka ndokufamba famba! Ndokusaka mai nababa vake vachifara zvikurukuru.

Uyu handiye munhu wokutanga anomutswa naJesu muvakafa. Wokutanga anoziviswa nezvake neBhaibheri mwanakomana wechirikadzi inogara muguta reNaini. Gare gare, Jesu anomutsawo Razaro, hanzvadzi yaMaria naMarta, muvakafa. Apo Jesu anobata ushe samambo waMwari, achadzorera vanhu vazhinji zhinji vakafa kuupenyu. Hatingafari pamsoro pakwo here?