Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NHAU 99

Mukamuri Rapamusoro

Mukamuri Rapamusoro

ZVINO China usiku, mazuva mairi apashure. Jesu navaapostora vake 12 vauya kukamuri guru rapamusoro kuzodya chidyo cheDariko. Murume waunoona achibuda ndiJudhasi Iskarioti. Ari kundoudza vaprista mawanire avangaita Jesu.

Nezuro wacho, Judhasi akaenda kwavari ndokuvabvunza kuti: ʼMuchandipeiko kana ndikakubetserai kubata Jesu?ʼ Vakati: ʼMasirivha 30.ʼ Saka zvino Judhasi ari kundosangana naava varume kuti agovatungamirira kuna Jesu. Hakuzati kwakaipa here ikoko?

Chidyo cheDariko chapera. Asi Jesu zvino anovamba chimwe chidyo chaicho. Anopa vaapostora vake chingwa achiti: ʼChidyei, nokuti chinoreva muviri wangu uchapiwa nokuda kwenyu.ʼ Tevere anovapa mukombe wewaini achiti: ʼInwei, nokuti inoreva ropa rangu, richadururwa nokuda kwenyu.ʼ Bhaibheri rinochiidza kuti ʼchidyo chamadekwana chaShe,ʼ kana kuti ʼchirairo chaShe.ʼ

VaIsraeri vaidya Dariko kuvayeuchidza nezveapo ngirozi yaMwari yakaʼdarikaʼ dzimba dzavo muEgipita, asi yakauraya matangwe mudzimba dzavaEgipita. Asi zvino Jesu anoda kuti vateveri vake vamuyeuke, uye mapire aakavaita upenyu hwake. Ndokusaka achivaudza kuchengeta ichi chidyo chaicho gore rimwe nerimwe.

Pashure pokudya Chidyo Chamadekwana chaShe, Jesu anoudza vaapostora vake kuva vakashinga navakasimba mukutenda. Pakupedzisira vanoimbira Mwari nziyo ibvei voenda. Zvino hwava usiku, zvimwe kupfuura pakati pousiku. Ngationei kwavanoenda.