Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIKAMU 7

Rumuko rwaJesu Kusvikira Kukuiswa Mutorongo kwaPauro

Rumuko rwaJesu Kusvikira Kukuiswa Mutorongo kwaPauro

Pazuva rechitatu pashure porufu rwake, Jesu akamutswa. Pazuva irero akaoneka kuna vateveri vake kashanu kakasianasiana. Jesu akapfuurira kuoneka kwavari kwamazuva 40. Tevere, apo vamwe vavadzidzi vake vachiona, Jesu akakwira kudenga. Mazuva gumi apashure Mwari akadururira mudzimu wake mutsvene pavateveri vaJesu vaimirira muJerusarema.

Gare gare, vavengi vaMwari vakaita kuti vaapostora vaiswe mutorongo, asi ngirozi yakavasunungura. Mudzidzi Stefano akatakwa namabwe navashori vake kusvikira afa. Asi tinoziva masarudzire akaita Jesu mumwe wavashori ava kuva mubatiri wake chaiye, uye akava muapostora Pauro. Tevere, makore matatu nehafu pashure porufu rwaJesu, Mwari akatuma muapostora Petro kundoparidzira Kornerio asiri muJudha neimba yake.

Anenge makore 13 apashure Pauro akavamba rwendo rwake rwokutanga rwokundoparidza. Parwendo rwake rwechipiri Timotio akakumbanira Pauro. Tinoziva kuti Pauro neshamwari dzake dzinofambira vakava sei nenguva dzinonyandura mukubatira Mwari. Pakupedzisira, Pauro akaiswa mutorongo muRoma. Makore maviri gare gare akasunungurwa, asi ipapo akaiswazve mutorongo ndokuurawa. Zvinoitika zveCHIKAMU 7 zvakaitika kwenhambo yamakore anenge 32

 

ZVIRI MUCHIKAMU CHINO

NHAU 102

Jesu Mupenyu

Pashure pekunge ngirozi yakungurutsa dombo raiva rakavhara guva raJesu, masoja akarinda guva racho anoshamisika paanoona zviri mukati.

NHAU 103

Anopinda Mukamuri Rakakiiwa

Chii chinoita kuti vadzidzi vaJesu vatadze kumuziva pashure pekunge amutswa?

NHAU 104

Jesu Anodzokera Kudenga

Asati adzokera kudenga, Jesu anopa vadzidzi vake mumwe murayiro wekupedzisira.

NHAU 105

Vanomira muJerusarema

Nei Jesu akadurura mweye mutsvene pavadzidzi vake paPendekosti?

NHAU 106

Vanosunungurwa Mutorongo

Vatungamiriri vechitendero chechiJudha vakanga vaisa vaapostora mujeri kuti varege kuparidza, asi Mwari akanga aine zvaaivafungira.

NHAU 107

Stefano Anotakwa Namabwe

Stefani anopa munyengetero unoshamisa paari kutemwa nematombo.

NHAU 108

Pamugwagwa wokuDhamasiko

Chiedza chinopenya chinopofumadza Sauro uye inzwi rinobva kudenga zvinochinja upenyu hwake.

NHAU 109

Petro Anoshanyira Kornerio

Mwari anoona vanhu verumwe rudzi kana vekune imwe nyika sevari nani kupfuura vamwe here?

NHAU 110

Timoti—Mubetseri Mutsva waPauro

Timoti akabatana naPauro parwendo rwekunoparidza.

NHAU 111

Mukomana Akabatwa Nehope

Yutiko anobatwa nehope Pauro paaipa hurukuro yake yekutanga, kwete yechipiri. Pane chishamiso chakaitika pakati pehurukuro idzi mbiri.

NHAU 112

Chikepe Chinovhunika Pachiwi

Panguva yavanenge vava kurasa tariro, Mwari anopa Pauro mashoko anomupa tariro.

NHAU 113

Pauro Ari muRoma

Pauro aizoita sei basa rake semuapostora iye ari mujeri?