Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NHAU 102

Jesu Mupenyu

Jesu Mupenyu

UNOZIVA here kuti mukadzi navarume vairi ndivanaani? Mukadzi ndiMaria Magdharene, shamwari yaJesu. Uye varume vakapfeka zvipfeko zvichena ingirozi. Kakamuri aka kari kutarira Maria makari inzvimbo umo muviri waJesu wakaiswa pashure pokufa kwake. Inonzi hwiro. Asika zvino muviri wabva! Watorwa naniko? Ngationei.

Pashure pokufa kwaJesu, vaprista vakati kuna Pirato: ‘Apo Jesu aiva mupenyu akataura kuti aizomutswa pashure pamazuva matatu. Nokudaro rairai kuti hwiro hurindwe. Ipapo vadzidzi vake havangagoni kuba muviri wake ndokuti akamutswa muvakafa!’ Pirato anoudza vaprista kutumira masoja kundorinda hwirohwo.

Asi mumangwanani zvikuru pazuva rechitatu pashure pokunge Jesu afa ngirozi yaJehovha inosvika kamwe kamwe. Inokungurutsira ibwe kure nehwiro. Masoja anotya zvikuru zvokusagona kufamba. Pakupedzisira, pavanotarira mukati mehwiro, muviri waenda! Mamwe amasoja anopinda muguta ndokuudza vaprista. Unoziva here chinoita vaprista vakaipa? Vanopa mari masoja kuti areve nhema. ‘Taurai kuti vadzidzi vake vauya usiku, pataiveri tivete, ndokuba muviri,’ vaprista vanoudza masoja kudaro.

Kurizvino, vamwe vakadzi shamwari dzaJesu vanoshanyira hwiro. Haiwa, vanoshamiswa sei kuhuwana hwakatin’ono! Kamwe kamwe ngirozi mbiri dzakapfeka zvipfeko zvakachena kutimbe-e dzinooneka. Dzinoti: ‘Neiko muchitsvaka Jesu pano?’ ‘Amutswa. Endai nokukurumidza mundoudza vadzidzi vake.’ Haiwa vakadzivo vanomanya nokukurumidza sei! Asi panzira mumwe murume anovamisa. Unoziva here kuti ndiani? NdiJesu! Anoti: ‘Endai mundoudza vadzidzi vangu.’

Apo vakadzi vanoudza vadzidzi kuti Jesu mupenyu uye vamuona, vadzidzi vanowana ikoku kwakaoma kudavira. Petro naJohane vanomanyira kuhwiro kundozvionera vamene, asi hwiro hwakatin’ono! Apo Petro naJohane vanobva, Maria Magdharene anosara shure. Ndopaanotarira mukati ndokuona ngirozi mbiri.

Unoziva here chakaitika kumuviri waJesu? Mwari akauita kuti unyangarike. Mwari haana kumutsira Jesu kuupenyu mumuviri wenyama waakafira mauri. Akapa Jesu muviri mutsva womudzimu, soune ngirozi dzokudenga. Asi kuti agoratidzira vadzidzi vake kuti mupenyu, Jesu anogona kupfeka muviri kuti vanhu vagomuona, sezvatichadzidza.