Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nhau 104

Jesu Anodzokera Kudenga

Jesu Anodzokera Kudenga

MAZUVA zvaanopfuura, Jesu anozviratidza amene kuna vateveri vake kazhinji. Vanenge 500 vavadzidzi vake vanomuona kamwe chete. Paanooneka kwavari, unoziva here icho Jesu anotaura kwavari pamsoro pacho? Umambo hwaMwari. Jehovha akatuma Jesu kupasi kuzodzidzisa pamsoro poUmambo. Uye anopfuurira kukuita kunyange pashure pokuve amutswa muna vakafa.

Unoyeuka here kuti umambo hwaMwari chii? Hungu, Umambo ihurumende chaiyo yaMwari iri mudenga, uye Jesu ndiye Uyo Mwari akasarudza kuva mambo. Sezvatadzidza, Jesu akaratidzira kuti achava mambo akaisvonaka sei nokudyisa vane nzara, kuporesa varwere, uye kunyange kumutsira vakafa kuupenyu!

Nokudaro apo Jesu anobata ushe samambo mudenga kwamakore ane chuuru, pasi pano pachava pakadini? Hungu, pasi rose richaitwa paradhiso yakaisvonaka. Hapazati pachizovazve nehondo, utsotsi, chirwere, kana kunyange rufu. Tinoziva kuti ichokwadi nokuti Mwari akaita pasi kuti rive paradhiso yokuti vanhu vagofarikanya. Ndokusaka akaita bindu reEdeni mukuvamba. Uye Jesu achatarisira kuti zvinoda Mwari kuti zviitwe zvinoitwa pakupedzisira.

Zvino nguva yasvika yokuti Jesu adzokere kudenga. Kwamazuva 40 Jesu ave achizviratidza kuna vadzidzi vake. Saka vane chokwadi chokuti mupenyuzve. Asi asati asiya vadzidzi vake anovaudza kuti: ʼGarai muJerusarema kusvikira magamuchira mudzimu mutsvene.ʼ Mudzimu mutsvene isimba rinobate basa raMwari, semhepo inovhuvhuta, uchabetsera vateveri vake kuita kuda kwaMwari. Jesu anoti: ʼMuchaparidzira pamsoro pangu kusvikira kumativi ari kure kwazvo apasi.ʼ

Pashure pokunge Jesu ataura izvi, chinhu chinoshamisa chinoitika. Anovamba kukwira kumusoro kudenga, sezvaunogona kuona pano. Ipapo gore rinomuvanza mukuoneka, uye vadzidzi havachaonizve Jesu. Jesu anoenda kudenga, uye anovamba kubata ushe pavateveri vake pasi pano ari ikoko.