Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NHAU 105

Vanomira muJerusarema

Vanomira muJerusarema

AVA vanhu vari pano vateveri vaJesu. Vamuterera ndokugara muJerusarema. Uye apo vose vari kumirira pamwe chete, ruzha rukuru runozadza imba yose. Runenge kushinyira kwemhepo ine simba. Ipapo marimi omwoto anovamba kuoneka pamisoro yomumwe nomumwe wavadzidzi. Unogona kuona mwoto pamusoro pomumwe nomumwe wavo here? Kose kunoreveiko?

Inenji! Jesu ava naBaba vake mudenga, ndizvo ari kudururira mudzimu mutsvene waMwari pavateveri vake. Unoziva here icho uyu mudzimu mutsvene unovaparira kuita? Vose vanovamba kutaura nemitauro yakasianasiana.

Vanhu vazhinji muJerusarema vanonzwa ruzha runoshinyira semhepo ine simba, vanouya kuzoona chiri kuitika. Vamwe vavanhuvo vanobva kumamwe marudzi vauya muno nokuda kwomutambo wavaIsraeri wePentekosta. Haiwa vashanyi ava vanoshamiswa sei! Vanonzwa vadzidzi vachitaura nemitauro yavo vamene pamsoro pezvinhu zvinoshamisa zvaitwa naMwari.

Vashanyi vanoti: ʼVanhu ava vose vanobva Garirea. Ko zvino, nei kuri kuti vanokwanisa kutaura nendimi idzi dzakasianasiana dzokunyika kwatinobva?ʼ

Zvino Petro anosimuka ndokuvatsanangurira. Anosimudzira inzwi rake ndokuudza vanhu maurairwe akaitwa Jesu uye kuti Jehovha akamumutsa muvakafa. ʼZvino Jesu ari mudenga kuruoko rworudyi rwaMwari,ʼ Petro anodaro. ʼUye adurura mudzimu mutsvene wakapikirwa. Ndokusaka maona nokunzwa manenji aya.ʼ

Eya, panotaura Petro zvinhu izvi, vazhinji vavanhu vanonzwa urombo kwazvo pamsoro pezvakaitirwa Jesu. ʼTinofanira kuiteiko?ʼ vanobvunza kudaro. Petro anovaudza kuti: ʼMunodikanirwa kuchinja upenyu hwenyu ndokubhapatidzwa.ʼ Zvino pazuvaro rimene vanenge vanhu 3 000 vakabhapatidzwa ndokuva vateveri vaJesu.