Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NHAU 109

Petro Anoshanyira Kornerio

Petro Anoshanyira Kornerio

AMIRE apo ndimuapostora Petro, naavo vari shure kwake ishamwari dzake. Asika murumeyu anopfugamirirei Petro? Anofanira kudaro here? Unoziva kuti ndiani here?

Murumeyu ndiKornerio. Mukuru weuto reRoma. Kornerio haazivi Petro, asi akaudzwa kumukokera kuimba yake. Ngatiwanei kuti kwakaitika sei.

Vateveri vokutanga vaJesu vaiva vaJudha, asi Kornerio haazi muJudha. Asi anoda Mwari, anonyengetera kwaari, anoitira vanhu zvinhu zvizhinji zvomutsa. Eya, pakumwe kudeuka kwezuva ngirozi inosvika kwaari ndokuti: ʼMwari anofadzwa newe, uye achapindura minyengetero yako. Tuma varume kundotora mumwe murume anonzi Petro. Ari kugara muJopa pamba paSimoni, unogara pedyo negungwa.ʼ

Eya, pakarepo Kornerio anotuma varume kundowana Petro. Mangwana, panosvika varumevo pedyo neJopa, Petro ari padenga rakati serere remba yaSimoni. Ipapo Mwari anoita kuti Petro afunge kuti anoona mucheka mukuru uchiburuka kudenga. Mumuchekamo mune marudzi ose emhuka. Muwirirano nomutemo waMwari, idzi mhuka dzaiva dzisina kuchena nokuda kwezvokudya, asika inzwi rinoti: ʼSimuka, Petro. Uraya ugodya.ʼ

Petro anoti: ʼAiwa!ʼ ʼHandina kutongodya chisakachena.ʼ Asi inzwi rinoudza Petro kuti: ʼUsaidza chisakachena icho Mwari zvino anoti chakachena.ʼ Izvi zvinoitika katatu. Petro achishamisika kuti zvinorevei, varume vakatumwa naKornerio vanosvika pamba ndokubvunza Petro.

Petro anoburuka ndokuti: ʼNdini munhu wamunotsvaka. Mauyireiko?ʼ Apo varume vanotsanangura kuti ngirozi yakaudza Kornerio kukokera Petro kumba kwake, Petro anobvuma kuenda navo. Mangwana wacho Petro neshamwari vanoshanyira Kornerio.

Kornerio aunganidzira pamwe chete hama dzake neshamwari chaidzo. Apo Petro anosvika, Kornerio anomugamuchira. Anogwadama ndokupfugama patsoka dzaPetro, sezvaunoona pano. Asi Petro anoti: ʼSimuka; ini pachangu ndiri munhuwo zvangu.ʼ Hungu, Bhaibheri rinoratidza kuti hakuna kururama kupfugamira munhu ndokumunamata. Tinofanira kunamata Jehovha bedzi.

Zvino Petro anoparidzira kuvakaunganavo. Petro anoti: ʼNdinoona kuti Mwari anogamuchira vanhu vose vanoda kumubatira.ʼ Uye achikutaura, Mwari akatuma mudzimu mutsvene wake, vanhu vakavamba kutaura mitauro yakasianasiana. Izvi zvinoshamisa vadzidzi vechiJudha vakauya naPetro, nokuti vanofunga kuti Mwari anongoda bedzi vaJudha. Saka izvi zvinovadzidzisa kuti Mwari haarangariri vanhu vedzinza savari nani kana kuti vanokosha kuna Mwari kupinda vanhu verimwe dzinza. Hachiziri chimwe chinhu chakanaka chokuti isu tose tiyeuke here?