Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NHAU 114

Mugumo Woushati Hwose

Mugumo Woushati Hwose

UNOONEI pano? Eya, uto ramabhiza machena. Asika cherekedza kwaanobva. Mabhiza ari kuburuka kudenga achimanyisa ari pamakore! Ko mudenga muna mabhiza zvomenemene here?

Aiwa, aya handi mabhiza chaiwo. Tinozviziva nokuti mabhiza haangamanyi pamakore, angagona here? Asi Bhaibheri rinoreva nezvamabhiza mudenga. Unoziva here kuti nei richidaro?

Imhaka yokuti mabhiza aichimboshandiswa kazhinji mukurwa hondo. Saka Bhaibheri rinozivisa nezvavanhu vakatasva mabhiza vanoburuka kudenga kuratidza kuti Mwari ane hondo yokurwa navanhu pasi pano. Unoziva here kuti nzvimbo yeiyi hondo inonzii? Armagedhoni. Hondoyo ndeyokuparadza ushati hwose pasi pano.

Jesu Ndiye achatungamirira mukurwa hondo iyi paArmagedhoni. Yeuka, Jesu ndiye anosarudzwa naJehovha kuva mambo wehurumende Yake. Ndokusaka Jesu akapfeka chiremba chamambo. Uye munondo unoratidzira kuti achauraya vavengi vose vaMwari. Tinofanira kushamisika here kuti Mwari angaparadza vanhu vose vakashata?

Dzokera kuNhau 10. Unooneipo? Eya, Mafashamo makuru akaparadza vanhu vakashata. Ndiani akaparira Mafashamowo? Jehovha Mwari. Zvino tarira Nhau 15. Pari kuitikei? Sodhoma neGomora zviri kuparadzwa nomwoto wakatumwa naJehovha.

Enda kuNhau 33. Ona chiri kuitika kumabhiza nengoro dzehondo dzavaEgipita. Ndiani akaparira mvura kurovanya pavari? Jehovha. Akakuita kuchengeta vanhu vake. Tarira Nhau 76. Uchaonapo kuti Jehovha akatorega vanhu vake, vaIsraeri, vachiparadzwa nokuda kwoushati hwavo.

Nokudaro, ipapoka, hatifaniri kushamiswa kuti Jehovha achatuma mauto ake okudenga kuzogumisa ushati hwose pasi pano. Asika chimbofunga hako chichareviwa naikoko! Vhura peji tigoona.