Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NHAU 115

Paradhiso Itsva Pasi Pano

Paradhiso Itsva Pasi Pano

TARIRA miti mirefu iyo, maruva akanakisisa namakomo akakwirira. Ko pano hapana kuisvonaka here? Ona kuti dzoma riri kudya sei muchanza chekakomana. Uye tarira shumba namabhiza amire uko mumafuro. Hauzati waizoda here kugara mumba iri munzvimbo yakadai?

Mwari anoda kuti urarame nokusingaperi pasi pano muparadhiso. Uye haadi kuti uve naapi naapi amarwadzo nezvinorwadza zvinotambura vanhu nhasi. Ichi chipikirwa cheBhaibheri kuna avo vachagara muparadhiso itsva: ʼMwari achava navo. Hakuchazovizve norufu kana kuchema kana marwadzo. Zvinhu zvekare zvapfuura.ʼ

Jesu achatarisira kuti chinjo iyi inoshamisa inoitika. Unoziva kuti riini here? Hungu, abvisa ushati hwose navanhu vakashata papasi. Yeuka, apo Jesu aiva pasi pano akaporesa vanhu pamarudzi ose echirwere, uye akatomutsa vanhu muna vakafa. Jesu akazviita kuratidzira zvaaizoita mupasi rose paaizova Mambo woumambo hwaMwari.

Haiwa imbofunga hako kuti kuchashamisa sei muparadhiso itsva pasi pano! Jesu, pamwe chete navamwe vavaanosarudza, vachave vachibata ushe mudenga. Vabati ushe ava vachatarisira aninaani pasi pano vachiona kuti vanofara. Ngationei chatinodikanirwa kuita kusimbisira kuti Mwari achatipa upenyu husingaperi muparadhiso yake itsva.