Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Yokudzidza Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri

Mibvunzo Yokudzidza Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri

Nhau 1

Mwari Anovamba Kuita Zvinhu

  1. Zvinhu zvakanaka zvose zvakabva kupi, uye ungapa muenzaniso here?

  2. Chinhu chokutanga chakasikwa naMwari chaiva chii?

  3. Nei ngirozi yokutanga yakanga ichikosha?

  4. Rondedzera kuti pasi rakanga rakadini pakutanga. (Ona mufananidzo.)

  5. Mwari akatanga sei kugadzirira pasi nokuda kwemhuka nevanhu?

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga Jeremia 10:12.

    Zvinhu zvaakasika zvinoratidza unhu hupi huna Mwari? (Isa. 40:26; VaR. 11:33)

  2. Verenga VaKorose 1:15-17.

    Jesu akaita basa rei pakusika, uye izvi zvinofanira kuita kuti timuone sei? (VaK. 1:15-17)

  3. Verenga Genesi 1:1-10.

    1. Pasi rakatanga sei? (Gen. 1:1)

    2. Chii chakaitika pazuva rokusika rokutanga? (Gen. 1:3-5)

    3. Rondedzera zvakaitika pazuva rokusika rechipiri. (Gen. 1:7, 8)

Nhau 2

Bindu Rakaisvonaka

  1. Mwari akagadzirira sei pasi kuti rive musha wedu?

  2. Rondedzera mhuka dzakasiyana-siyana dzakaitwa naMwari. (Ona mufananidzo.)

  3. Nei bindu reEdheni rakanga richikosha?

  4. Mwari akanga achida kuti pasi rose rizova chii?

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga Genesi 1:11-25.

    1. Mwari akasikei muzuva rokusika rechitatu? (Gen. 1:12)

    2. Chii chakaitika muzuva rokusika rechina? (Gen. 1:16)

    3. Mwari akaita mhuka dzorudzii nezuva rechishanu nerechitanhatu? (Gen. 1:20, 21, 25)

  2. Verenga Genesi 2:8, 9.

    Ndeipi miti miviri inokosha yakaiswa naMwari mubindu, uye yaifananidzira chii?

Nhau 3

Murume Nomukadzi Vokutanga

  1. Mufananidzo uri muNhau yechi3 wakasiyana pakudini nomufananidzo uri muNhau yechi2?

  2. Ndiani akaita munhu wokutanga, uye munhu wacho ainzi ani?

  3. Mwari akapa Adhama basa rei rokuita?

  4. Nei Mwari akaita kuti Adhama arare hope huru?

  5. Adhama naEvha vaigona kurarama kwenguva yakareba sei, uye Jehovha aida kuti vaite basa rei?

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga Pisarema 83:18.

    Mwari anonzi ani, uye ane chinzvimbo chipi chakasiyana nevamwe panyika? (Jer. 16:21; Dhan. 4:17)

  2. Verenga Genesi 1:26-31.

    1. Chii chakapedzisira kusikwa naMwari nezuva rechitanhatu, uye chisikwa ichi chakanga chakasiyana nemhuka pakudini? (Gen. 1:26)

    2. Chii icho Jehovha akagadzirira vanhu nemhuka? (Gen. 1:30)

  3. Verenga Genesi 2:7-25.

    1. Basa raAdhama rokutumidza mhuka mazita raisanganisirei? (Gen. 2:19)

    2. Genesi 2:24 inotibatsira sei kunzwisisa maonero anoita Jehovha kuroorana, kuparadzana, uye kurambana? (Mat. 19:4-6, 9)

Nhau 4

Nei Vakarasikirwa Nomusha Wavo

  1. Mumufananidzo, chii chiri kuitika kuna Adhama naEvha?

  2. Nei Jehovha akavaranga?

  3. Nyoka yakaudza Evha kuti chii?

  4. Ndiani akaita kuti nyoka itaure naEvha?

  5. Nei Adhama naEvha vakarasikirwa nomusha wavo weParadhiso?

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga Genesi 2:16, 17 uye 3:1-13, 24.

    1. Mubvunzo wakabvunzwa Evha nenyoka waireva nhema sei pamusoro paJehovha? (Gen. 3:1-5; 1 Joh. 5:3)

    2. Evha anoshanda somuenzaniso wokutinyevera sei? (VaF. 4:8; Jak. 1:14, 15; 1 Joh. 2:16)

    3. Adhama naEvha vakakundikana kubvuma mhosva yezviito zvavo munzira ipi? (Gen. 3:12, 13)

    4. Makerubhi akanga ari kumabvazuva kwebindu reEdheni akatsigira sei uchangamire hwaJehovha? (Gen. 3:24)

  2. Verenga Zvakazarurwa 12:9.

    Satani ave achibudirira zvakadini pakuita kuti vanhu vabve pasi pokutonga kwaMwari? (1 Joh. 5:19)

Nhau 5

Upenyu Hwakaoma Hunovamba

  1. Upenyu hwakanga hwakaita sei kuna Adhama naEvha kunze kwebindu reEdheni?

  2. Chii chakatanga kuitika kuna Adhama naEvha, uye nei?

  3. Nei vana vaAdhama naEvha vaizokwegura vofa?

  4. Kudai Adhama naEvha vakanga vateerera Jehovha, upenyu hwaizodai hwakamira sei kwavari nevana vavo?

  5. Kusateerera kwaEvha kwakamurwadzisa sei?

  6. Vanakomana vaviri vokutanga vaAdhama naEvha vainzi vanaani?

  7. Vamwe vana vari mumufananidzo ndivanaani?

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga Genesi 3:16-23 uye 4:1, 2

    1. Upenyu hwaAdhama hwakavhiringidzwa sei nokutukwa kwakaitwa pasi? (Gen. 3:17-19; VaR. 8:20, 22)

    2. Nei zita rokuti Evha, iro rinoreva “Mupenyu,” rakanga rakakodzera? (Gen. 3:20)

    3. Jehovha akaratidza sei kuti akanga achiri kuda Adhama naEvha kunyange pashure pokunge vatadza? (Gen. 3:7, 21)

  2. Verenga Zvakazarurwa 21:3, 4.

    Ndezvipi ‘zvinhu zvekare’ zvaunotarisira kuona zvichibviswa?

Nhau 6

Mwanakomana Akanaka, Nowakaipa

  1. Kaini naAbheri vanoita mabasa eyi?

  2. Kaini naAbheri vanopa zvipo zvorudzii kuna Jehovha?

  3. Nei Jehovha achifarira chipo chaAbheri, uye nei asingafariri chaKaini?

  4. Kaini munhu worudzii, uye Jehovha anoedza kumururamisa sei?

  5. Kaini anoitei pavanenge vari voga musango nomunun’una wake?

  6. Tsanangura zvakaitika kuna Kaini pashure pokunge auraya munun’una wake.

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga Genesi 4:2-26.

    1. Jehovha akarondedzera sei nzvimbo ine ngozi iyo Kaini akanga ari? (Gen. 4:7)

    2. Kaini akaratidza sei mafungiro aiva mumwoyo make? (Gen. 4:9)

    3. Jehovha anoona sei kudeurwa kweropa risina mhaka? (Gen. 4:10; Isa. 26:21)

  2. Verenga 1 Johane 3:11, 12.

    1. Nei Kaini akatsamwa zvikuru, uye izvi zvinoshanda sei senyevero kwatiri nhasi? (Gen. 4:4, Zvir. 14:30; 28:22)

    2. Bhaibheri rinoratidza sei kuti kunyange mhuri yedu yose painenge ichishora Jehovha, tinogona kuramba takavimbika? (Pis. 27:10; Mat. 10:21, 22)

  3. Verenga Johane 11:25.

    Jehovha anovimbisei nokuda kwevanofira kururama? (Joh. 5:24)

Nhau 7

Murume Akashinga

  1. Enoki akanga akasiyana nevamwe pakudini?

  2. Nei vanhu vomuzuva raEnoki vakaita zvinhu zvakaipa zvakawanda kudaro?

  3. Zvinhu zvipi zvakaipa zvaiitwa nevanhu? (Ona mufananidzo.)

  4. Nei Enoki aifanira kushinga?

  5. Kare vanhu vairarama kwenguva yakareba sei , asi Enoki akararama kwenguva yakareba sei?

  6. Chii chakaitika Enoki afa?

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga Genesi 5:21-24, 27.

    1. Enoki aiva noukama hworudzii naJehovha? (Gen. 5:24)

    2. Maererano neBhaibheri, munhu upi akararama nguva refu kupfuura vamwe vose, uye akanga akura zvakadini paakafa? (Gen. 5:27)

  2. Verenga Genesi 6:5.

    Zvinhu zvakava zvakaipa sei pashure pokufa kwaEnoki, uye izvi zvakafanana sei nezuva redu? (2 Tim. 3:13)

  3. Verenga VaHebheru 11:5.

    Unhu hupi hwaEnoki ‘hwakanyatsofadza Mwari’ uye zvakaguma nei? (Gen. 5:22)

  4. Verenga Judhasi 14, 15.

    VaKristu nhasi vangatevedzera sei ushingi hwaEnoki pavanenge vachinyevera vanhu nezvehondo iri kuuya yeAmagedhoni? (2 Tim. 4:2; VaH. 13:6)

Nhau 8

Hofori Mupasi

  1. Chii chakaitika dzimwe ngirozi dzaMwari padzakateerera Satani?

  2. Nei dzimwe ngirozi dzakarega basa radzo mudenga ndokuuya pasi pano?

  3. Nei zvakanga zvisina kururama kuti ngirozi dziuye pasi pano uye dzobva dzazviitira miviri yevanhu?

  4. Vana vengirozi vakanga vakasiyana nevamwe pakudini?

  5. Sezvaunogona kuona mumufananidzo, vana vengirozi vakaitei pavakava hofori?

  6. Pashure paEnoki, murume upi akanaka akazorarama panyika, uye nei Mwari aimuda?

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga Genesi 6:1-8.

    Genesi 6:6 inoratidza chii nezvemanzwiro angaita Jehovha pamusoro pomufambiro wedu? (Pis. 78:40, 41; Zvir. 27:11)

  2. Verenga Judhasi 6.

    Ko ngirozi “dzisina kuchengeta nzvimbo yadzo yepakutanga” muzuva raNoa dzinoshanda sei sechiyeuchidzo kwatiri nhasi? (1 VaK. 3:5-9; 2 Pet. 2:4, 9, 10)

Nhau 9

Noa Anovaka Areka

  1. Mhuri yaNoa yaiva nevanhu vangani, uye vanakomana vake vataru vainzi vanaani?

  2. Chinhu chipi chechienzi icho Mwari akakumbira Noa kuti aite, uye nei?

  3. Vavakidzani vaNoa vakaita sei paakavaudza nezveareka?

  4. Mwari akaudza Noa kuti aitei nemhuka?

  5. Pashure pokunge Mwari avhara musuo weareka, Noa nemhuri yake vaifanira kuitei?

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga Genesi 6:9-22.

    1. Chii chakaita kuti Noa ave munamati waMwari wechokwadi akasiyana zvikuru nevamwe? (Gen. 6:9, 22)

    2. Jehovha anonzwa sei pamusoro pechisimba, uye izvi zvinotibatsira sei pazvinhu zvatinosarudza kuvaraidzwa nazvo? (Gen. 6:11, 12; Pis. 11:5)

    3. Tingatevedzera sei Noa patinopiwa mirayiridzo kubva kusangano raJehovha? (Gen. 6:22; 1 Joh. 5:3)

  2. Verenga Genesi 7:1-9.

    Pfungwa yokuti Jehovha aiona Noa murume asina kukwana seakarurama inotikurudzira sei nhasi? (Gen. 7:1; Zvir. 10:16; Isa. 26:7)

Nhau 10

Mafashamo Makuru

  1. Nei pasina munhu aigona kupinda muareka pakangotanga kunaya mvura?

  2. Jehovha akaita kuti kunaye kwemazuva mangani nousiku hungani, uye mvura yacho yakadzika zvakadini?

  3. Chii chakaitika kuareka mvura zvayakatanga kufukidza pasi?

  4. Hofori dzakapona paMafashamo here, uye chii chakaitika kumadzibaba ehofori dzacho?

  5. Chii chakaitika kuareka pashure pemwedzi mishanu?

  6. Nei Noa akabudisa gunguo muareka?

  7. Noa akaziva sei kuti mvura yaiva pasi yakanga yaserera?

  8. Mwari akati chii kuna Noa pashure pokunge iye nemhuri yake vapedza rinopfuura gore vari muareka?

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga Genesi 7:10-24.

    1. Upenyu hwakaparadzwa zvakakura sei pasi pano? (Gen. 7:23)

    2. Zvakatora nguva yakareba sei kuti mvura yeMafashamo iserere? (Gen. 7:24)

  2. Verenga Genesi 8:1-17.

    Genesi 8:17 inoratidza sei kuti chinangwa chaJehovha chepakutanga nokuda kwepasi hachina kuchinja? (Gen. 1:22)

  3. Verenga 1 Petro 3:19, 20.

    1. Ngirozi dzinopandukira padzakadzokera kudenga, dzakapiwa mutongo wei? (Jud. 6)

    2. Ko nhoroondo yaNoa nemhuri yake inosimbisa sei chivimbo musimba raJehovha rokununura vanhu vake? (2 Pet. 2:9)

Nhau 11

Muraraungu Wokutanga

  1. Sezviri kuratidzwa mumufananidzo, Noa akaitei paakatanga kubuda muareka?

  2. Mwari akapa murayiro wei kuna Noa nemhuri yake pashure peMafashamo?

  3. Mwari akapikirei?

  4. Patinoona muraraungu, unofanira kutiyeuchidza nezvei?

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga Genesi 8:18-22.

    1. Isu nhasi tingapa sei Jehovha “kunhuwira kwakanaka”? (Gen. 8:21; VaH. 13:15, 16)

    2. Jehovha akataura kuti kudini pamusoro pezvakaita mwoyo womunhu, uye naizvozvo chii chatinofanira kungwarira? (Gen. 8:21; Mat. 15:18, 19)

  2. Verenga Genesi 9:9-17.

    1. Jehovha akaita sungano yei nezvisikwa zvose zvepasi? (Gen. 9:10, 11)

    2. Sungano yomuraraungu icharamba ichishanda kusvikira rini? (Gen. 9:16)

Nhau 12

Vanhu Vanovaka Zishongwe

  1. Ndiani ainzi Nimrodhi, uye Mwari ainzwa sei nezvake?

  2. Mumufananidzo, nei vanhu vaigadzira zvidhina?

  3. Nei Jehovha asina kufara nebasa racho rokuvaka?

  4. Mwari akamisa sei kuvakwa kweshongwe yacho?

  5. Guta racho rakatumidzwa zita rokuti chii, uye zita racho rairevei?

  6. Chii chakaitika kuvanhu pashure pokunge Mwari avhiringidza mitauro yavo?

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga Genesi 10:1, 8-10.

    Nimrodhi akaratidza unhu hwakaita sei, uye izvi zvinotipa nyevero yei? (Zvir. 3:31)

  2. Verenga Genesi 11:1-9.

    Ndechipi chakanga chiri chinangwa chokuvaka shongwe, uye nei chinangwa chacho chisina kuzobudirira? (Gen. 11:4; Zvir. 16:18; Joh. 5:44)

Nhau 13

Abrahama—Shamwari yaMwari

  1. Vanhu vorudzii vaigara muguta reUri?

  2. Murume ari pamufananidzo ndiani, akaberekwa rini, uye aigarepi?

  3. Mwari akaudza Abrahama kuti aitei?

  4. Nei Abrahama akanzi shamwari yaMwari?

  5. Ndiani akaenda naAbrahama paakabuda muUri?

  6. Mwari akaudza Abrahama kuti chii paakasvika panyika yeKenani?

  7. Mwari akapikira Abrahama chii paakanga ava nemakore 99?

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga Genesi 11:27-32.

    1. Abrahama naRoti vaiva noukamai? (Gen. 11:27)

    2. Kunyange zvazvo Tera akanzi ndiye akatamisa mhuri yake kuenda kuKanani, tinoziva sei kuti Abrahama ndiye akatanga kutama uku, uye nei akaita kudaro? (Gen. 11:31; Mab. 7:2-4)

  2. Verenga Genesi 12:1-7.

    Jehovha akawedzera chii pasungano yaAbrahama pashure pokunge Abrahama asvika munyika yeKanani? (Gen. 12:7)

  3. Verenga Genesi 17:1-8, 15-17.

    1. Abrahama akachinjwa zita kuva ani paakanga ava nemakore 99, uye nei? (Gen. 17:5)

    2. Jehovha akavimbisa Sara zvikomborero zvei munguva yemberi? (Gen. 17:15, 16)

  4. Verenga Genesi 18:9-19.

    1. Pana Genesi 18:19, mabasa api avanababa anotaurwa ipapo? (Dheut. 6:6, 7; VaEf. 6:4)

    2. Chii chakaitika kuna Sara chinoratidza kuti hapana chatingagona kuvanzira Jehovha? (Gen. 18:12, 15; Pis. 44:21)

Nhau 14

Mwari Anoidza Kutenda kwaAbrahama

  1. Mwari akaita chipikirwa chei kuna Abrahama uye Mwari akachengeta sei chipikirwa chake?

  2. Sezvinoratidzwa pamufananidzo, Mwari akaedza kutenda kwaAbrahama sei?

  3. Abrahama akaitei, kunyange zvazvo akanga asinganzwisisi chikonzero chomurayiro waMwari?

  4. Chii chakaitika Abrahama paakabudisa banga kuti auraye mwanakomana wake?

  5. Kutenda kwaAbrahama muna Mwari kwakanga kwakasimba zvakadini?

  6. Mwari akapa Abrahama chii kuti ape sechibayiro, uye sei?

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga Genesi 21:1-7.

    Nei Abrahama akadzingisa mwanakomana wake nezuva rechisere? (Gen. 17:10-12; 21:4)

  2. Verenga Genesi 22:1-18.

    Isaka akaratidza sei kuzviisa pasi pababa vake Abrahama, uye izvi zvakafanoratidza sei chiitiko chomunguva yemberi chinokosha zvikuru? (Gen. 22:7-9; 1 VaK. 5:7; VaF. 2:8, 9)

Nhau 15

Mudzimai waRoti Anocheuka

  1. Nei Abrahama naRoti vakaparadzana?

  2. Nei Roti akasarudza kugara muSodhoma?

  3. Vanhu vomuSodhoma vakanga vakaita sei?

  4. Ngirozi mbiri dzakapa Roti nyevero yokuti chii?

  5. Nei mudzimai waRoti akava churu chomunyu?

  6. Chii chatingadzidza pane zvakaitika kumudzimai waRoti?

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga Genesi 13:5-13.

    Pamusoro pokugadzirisa zvinetso nomumwe munhu, chidzidzoi chatinogona kudzidza kuna Abrahama? (Gen. 13:8, 9; VaR. 12:10; VaF. 2:3, 4)

  2. Verenga Genesi 18:20-33.

    Kubata kwaJehovha naAbrahama kunotipa sei chivimbo chokuti Jehovha naJesu vachatonga zvakarurama? (Gen. 18:25, 26; Mat. 25:31-33)

  3. Verenga Genesi 19:1-29.

    1. Nhoroondo yeBhaibheri iyi inoratidzei pamusoro pemaonero anoita Mwari ungochani? (Gen. 19:5, 13; Revh. 20:13)

    2. Musiyano wei watinowana munzira idzo Roti naAbrahama vakaita nadzo pavakaudzwa naMwari zvokuita, uye tingadzidzei pane izvi? (Gen. 19:15, 16, 19, 20; 22:3)

  4. Verenga Ruka 17:28-32.

    Mudzimai waRoti ainzwa sei mumwoyo make musoro pezvinhu zvenyama, uye izvi zvinosha sei senyevero kwatiri? (Ruka 12:15; 17:31, 32; Mat. 6:19-21, 25)

  5. Verenga 2 Petro 2:6-8.

    Tichitevedzera Roti, tinofanira kuona sei nyika isingadi Mwari yakatipoteredza? (Ezek. 9:4; 1 Joh. 2:15-17)

Nhau 16

Isaka Anowana Mudzimai Akanaka

  1. Murume nomukadzi vari pamufananidzo ndivanaani?

  2. Abrahama akaitei kuti awanire mwanakomana wake mudzimai, uye nei?

  3. Munyengetero womuranda waAbrahama wakapindurwa sei?

  4. Rebheka akapindura kuti chii paakabvunzwa kana aida kuroorwa nalsaka?

  5. Chii chakaita kuti Isaka afare zvekare?

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga Genesi 24:1-67.

    1. Unhu hwakanaka zvakadini hwakaratidzwa naRebheka paakasangana nomuranda waAbrahama patsime? (Gen. 24:17-20; Zvir. 31:17, 31)

    2. Urongwa hwakaitirwa Isaka naAbrahama hunopa muenzaniso wei wakanaka nokuda kwevaKristu nhasi? (Gen. 24:37, 38; 1 VaK. 7:39; 2 VaK. 6:14)

    3. Nei tichifanira kuwana nguva yokufungisisa, sezvakangoita lsaka? (Gen. 24:63; Pis. 77:12; VaF. 4:8)

Nhau 17

Manyambiri Akanga Akasiana

  1. Esau naJakobho vaiva vanaani, uye vakanga vakasiana sei?

  2. Esau naJakobho vakanga vakura zvakadini pakafa sekuru vavo Abrahama?

  3. Esau akaitei zvakasuruvarisa zvikuru amai vake nababa?

  4. Nei Esau akatsamwira zvikuru munun’una wake Jakobho?

  5. Isaka akarayira mwanakomana wake Jakobho kuti chii?

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga Genesi 25:5-11, 20-34.

    1. Jehovha akaprofitei nezvevanakomana vaviri vaRebheka? (Gen. 25:23)

    2. Musiyanoi wakanga uripo pakati pemafungiro aJakobho neaEsau nezvekodzero dzavo dzokuzvarwa nadzo? (Gen. 25:31-34)

  2. Verenga Genesi 26:34, 35; 27:1-46; uye 28:1-5.

    1. Zvakaoneka sei kuti Esau akanga asingakoshesi zvinhu zvokunamata? (Gen. 26:34, 35; 27:46)

    2. Kuti Jakobho awane chikomborero chaMwari, lsaka akamuudza kuti aitei? (Gen. 28:1-4)

  3. Verenga VaHebheru 12:16, 17.

    Muenzaniso waEsau unoratidzei pamusoro pezvinoguma zvaitika kune vaya vanozvidza zvinhu zvitsvene?

Nhau 18

Jakobho Anoenda Harani

  1. Mukadzi muduku ari pamufananidzo ndiani, uye Jakobho akamuitirei?

  2. Jakobho akanga akagadzirira kuitei kuitira kuti aroore Rakeri?

  3. Rabhani akaitei pakasvika nguva yokuti Jakobho aroore Rakeri?

  4. Jakobho akabvuma kuitei kuti atore Rakeri somudzimai wake?

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga Genesi 29:1-30.

    1. Kunyange apo Rabhani akamunyengedza, Jakobho akaratidza sei kuti airemekedzeka, uye tingadzidzei pane izvi? (Gen. 25:27; 29:26-28; Mat. 5:37)

    2. Muenzaniso waJakobho unoratidza sei musiyano uri pakati porudo chairwo norudo rwokunyepera? (Gen. 29:18, 20, 30; Rwiyo 8:6)

    3. Vakadzi vapi vana vakazova nhengo dzeimba yaJakobho ndokuzomuberekera vanakomana? (Gen. 29:23, 24, 28, 29)

Nhau 19

Jakobho Ane Mhuri Huru

  1. Vanakomana vatanhatu vaJakobho nomudzimai wake wokutanga Rea vainzi vanaani?

  2. Ndevapi vanakomana vaviri avo Zirpa murongo waRea akaberekera Jakobho?

  3. Ndeapi akanga ari mazita evanakomana vaviri avo Bhirha murongo waRakeri akaberekera Jakobho?

  4. Rakeri akabereka vanakomana vaviri vapi, asi chii chakaitika mwanakomana wechipiri paakaberekwa?

  5. Maererano nomufananidzo, Jakobho aiva nevanakomana vangani, uye chii chakabva kwavari?

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga Genesi 29:32-35; 30:1-26; uye 35:16-19.

    Sezvakaratidzwa pane zvakaitika kuvanakomana 12 vaJakobho, vanakomana vechiHebheru vaiwanzotumidzwa sei mazita munguva dzekare?

  2. Verenga Genesi 37:35.

    Kunyange zvazvo Dhina ari iye oga anotaurwa nezita muBhaibheri, tinoziva sei kuti Jakobho aiva nevanasikana vakawanda? (Gen. 37:34, 35)

Nhau 20

Dhina Anopinda Muchinetso

  1. Nei Abrahama nalsaka vakanga vasi ngadi kuti vana vavo varoore vanhu vaibva munyika yeKanani?

  2. Jakobho akabvumira kuti mwanasikana wake ashamwaridzane nevasikana veKanani here?

  3. Murume akatarira Dhina pamufananidzo ndiani, uye chinhu chipi chakaipa chaakaita?

  4. Hanzvadzi dzaDhina, Simeoni naRevhi vakaitei pavakanzwa zvakaitika?

  5. Jakobho akabvumirana nezvakanga zvaitwa naSimeoni naRevhi here?

  6. Dambudziko remhuri rose iri rakatanga sei?

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga Genesi 34:1-31.

    1. Kufambidzana nevanasikana venyika yeKanani kwaDhina kwakangoitika kamwe chete here? Tsanangura. (Gen. 34:1)

    2. Nei Dhina akanga ane mhosvawo yokurasikirwa noumhandara hwake? (VaG. 6:7)

    3. Vaduku vangaratidza sei kuti vanokoshesa muenzaniso unonyevera waDhina? (Zvir. 13:20; 1 VaK. 15:33; 1 Joh. 5:19)

Nhau 21

Vakoma vaJosefa Vanomuvenga

  1. Nei vakoma vaJosefa vaimuitira godo, uye vakaitei?

  2. Vakoma vaJosefa vanoda kumuitei, asi Rubheni anoti chii?

  3. Chii chinoitika panosvika vatengesi vechilshumaeri?

  4. Vakoma vaJosefa vanoitei kuitira kuti baba vavo vafunge kuti Josefa afa?

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga Genesi 37:1-35.

    1. VaKristu vangatevedzera sei muenzaniso waJosefa nokuudza ungano zvakaipa zvinenge zvaitika? (Gen. 37:2; Revh. 5:1; 1 VaK. 1:11)

    2. Chii chakaita kuti vakoma vaJosefa vazomubata noutsinye? (Gen. 37:11, 18; Zvir. 27:4; Jak. 3:14-16)

    3. Chii chakaitwa naJakobho chinowanzoitwa nomunhu wose kuratidza kurwadziwa? (Gen. 37:35)

Nhau 22

Josefa Anoiswa Mutorongo

  1. Josefa akura zvakadini paanoendeswa kuEgipita, uye chii chinoitika paanosvika ikoko?

  2. Josefa anoguma ava mutorongo sei?

  3. Josefa anopiwa basa rei mutorongo?

  4. Mutorongo, Josefa anoitirei mudiri waFarao nomubiki wake?

  5. Chii chinoitika pashure pokunge mudiri asunungurwa mutorongo?

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga Genesi 39:1-23.

    Sezvo kwakanga kusina mutemo waMwari wanyorwa waishora upombwe muzuva raJosefa, chii chakaita kuti atize mudzimai waPotifari? (Gen. 2:24; 20:3; 39:9)

  2. Verenga Genesi 40:1-23.

    1. Rondedzera muchidimbu hope dzomudiri uye dudziro iyo Jehovha akapa kuna Josefa. (Gen. 40:9-13)

    2. Mubiki akarotei, uye zvairevei? (Gen. 40:16-19)

    3. Muranda akatendeka, akangwara akatevedzera sei mafungiro aJosefa nhasi? (Gen. 40:8; Pis. 36:9; Joh. 17:17; Mab. 17:2, 3)

    4. Genesi 40:20 inobatsira sei pamaonero anoita vaKristu kupemberera misi yokuzvarwa? (Mup. 7:1; Marko 6:21-28)

Nhau 23

Maroto aFarao

  1. Chii chinoitika kuna Farao humwe usiku?

  2. Nei mudiri achizoyeuka Josefa pakupedzisira?

  3. Sezvinoratidzwa pamufananidzo, Farao akarota zvinhu zvipi zviviri?

  4. Josefa anoti zviroto zvacho zvinorevei?

  5. Josefa anova sei munhu anokosha kupfuura vose anotevera Farao muEgipita?

  6. Nei vakoma vaJosefa vachiuya kuEgipita, uye nei vasingamuzivi?

  7. Josefa anoyeuka chiroto chipi, uye chinomubatsira kunzwisisa chii?

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga Genesi 41:1-57.

    1. Josefa akaita kuti mbiri ipiwe Jehovha sei, uye vaKristu nhasi vangatevedzera muenzaniso wake munzirai? (Gen. 41:16, 25, 28; Mat. 5:16; 1 Pet. 2:12)

    2. Ko makore ezvakawanda muEgipita akateverwa nemakore enzara anosiyanisa sei zvakarurama mamiriro omudzimu evanhu vaJehovha nhasi neechiKristudhomu? (Gen. 41:29, 30; Amo. 8:11, 12)

  2. Verenga Genesi 42:1-8 uye 50:20.

    Hazvina kururama here kuti vanamati vaJehovha vapfugame pamberi pomunhu vachimuremekedza nokuda kwenzvimbo yake kana iyoyo iri tsika munyika yacho? (Gen. 42:6)

Nhau 24

Josefa Anoedza Vakoma Vake

  1. Nei Josefa achipomera vakoma vake kuti itsori?

  2. Nei Jakobho achirega mwanakomana wake wokupedzisira, Bhenjamini achienda kuEgipita?

  3. Ko mukombe waJosefa wesirivha unopinda sei musaga raBhenjamini?

  4. Judha anoti angada kuitei kuti Bhenjamini asunungurwe?

  5. Vakoma vaJosefa vachinja sei?

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga Genesi 42:9-38.

    Ko kutaura kwaJosefa kuri pana Genesi 42:18 chiyeuchidzo chakanaka sei kune vaya vane mutoro musangano raJehovha nhasi? (Neh. 5:15; 2 VaK. 7:1, 2)

  2. Verenga Genesi 43:1-34.

    1. Kunyange zvazvo Rubheni akanga ari iye dangwe, zviri pachena sei kuti Judha akava mutauriri wehama dzake? (Gen. 43:3, 8, 9; 44:14, 18; 1 Mak. 5:2)

    2. Josefa akaedza sei vakoma vake sezviri pachena, uye nei? (Gen. 43:33, 34)

  3. Verenga Genesi 44:1-34.

    1. Senzira yokunyengedza nayo vakoma vake kuti azvivanze, Josefa akazviratidza saani? (Gen. 44:5, 15; Revh. 19:26)

    2. Vakoma vaJosefa vakaratidza sei kuti vakanga vasisina pfungwa yegodo yavaimbova nayo kumunun’una wavo? (Gen. 44:13, 33, 34)

Nhau 25

Mhuri Inotamira Egipita

  1. Chii chinoitika Josefa paanoudza vakoma vake kuti aiva ani?

  2. Josefa anotsanangurira vakoma vake chii nomutsa?

  3. Farao anoti chii paanonzwa nezvevakoma vaJosefa?

  4. Mhuri yaJakobho yakanga yakakura sei pavakatamira kuEgipita?

  5. Mhuri yaJakobho yakasvika pakunzi ani, uye nei?

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga Genesi 45:1-28.

    Nhoroondo yeBhaibheri yaJosefa inoratidza sei kuti Jehovha anogona kuchinja zvinenge zvichida kukuvadza vashumiri vake kuti zvive nomugumisiro wakanaka? (Gen. 45:5-8; Isa. 8:10; VaF. 1:12-14)

  2. Verenga Genesi 46:1-27.

    Jehovha akavimbisei Jakobho paakanga achienda kuEgipita? (Gen. 46:1-4,)

Nhau 26

Jobho Anotendeka Kuna Mwari

  1. Ndiani ainzi Jobho?

  2. Satani akaedza kuitei, asi akabudirira here?

  3. Jehovha akapa Satani mvumo yokuitei, uye nei?

  4. Nei mudzimai waJobho akamuudza kuti ‘tuka Mwari ufe’? (Ona mufananidzo.)

  5. Sezvaunogona kuona pamufananidzo wechipiri Jehovha akakomborera Jobho sei, uye nemhaka yei?

  6. Kana isu, kufanana naJobho, takatendeka kuna Jehovha, tichagamuchira zvikomborero zvei?

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga Jobho 1:1-22.

    VaKristu vangatevedzera Jobho sei nhasi? (Job. 1:1; VaF. 2:15; 2 Pet. 3:14)

  2. Verenga Jobho 2:1-13.

    Jobho nomudzimai wake vakaita zvinhu zvipi zviviri zvakasiyana pavakatambudzwa naSatani? (Job. 2:9, 10; Zvir. 19:3; Mika 7:7; Mar. 3:14)

  3. Verenga Jobho 42:10-17.

    1. Kufanana kupi kuripo pakati pomubayiro uyo Jobho akawana nouyo Jesu akawana nokuda kwoupenyu hwokutendeka? (Job. 42:12; VaF. 2:9-11)

    2. Tinokurudzirwa sei nezvikomborero izvo Jobho akawana nokuda kwokuramba akatendeka kuna Mwari? (Job. 42:10, 12; VaH. 6:10; Jak. 1:2-4, 12; 5:11)

Nhau 27

Mambo Akaipa Anodzora Egipita

  1. Pamufananidzo, murume ane chiwepu ndiani, uye ari kurova ani?

  2. Josefa afa, chii chakaitika kuvalsraeri?

  3. Nei vaEgipita vakatya valsraeri?

  4. Farao akarayira chii kuvakadzi vaibatsira vakadzi vechilsraeri kubereka?

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga Eksodho 1:6-22.

    1. Jehovha akatanga kuzadzisa chipikirwa chake kuna Abrahama sei? (Eks. 1:7; Gen. 12:2; Mab. 7:17)

    2. Vakadzi vechiHebheru vaibatsira pakubereka vakaratidza sei kuremekedza utsvene hwoupenyu? (Eks. 1:17; Gen. 9:6)

    3. Vakadzi vaibatsira pakubereka vacho vakakomborerwa sei nokuda kwokutendeka kwavo kuna Jehovha? (Eks. 1:20, 21; Zvir. 19:17)

    4. Satani akaedza sei kuita kuti chinangwa chaJehovha pamusoro peMbeu yaAbrahama chirege kubudirira? (Eks. 1:22; Mat. 2:16)

Nhau 28

Maponeserwe Akaitwa Mosesi

  1. Mucheche ari pamufananidzo ndiani, uye munwe waani waakabata?

  2. Amai vaMosesi vakaitei kuti asaurayiwa?

  3. Kasikana kari pamufananidzo ndiani, uye kakaitei?

  4. Mwanasikana waFarao paakawana mucheche, Miriami akataura kuti chii?

  5. Mambokadzi wacho akati chii kuna amai vaMosesi?

Mubvunzo wokuwedzera:

  1. Verenga Eksodho 2:1-10.

    Amai vaMosesi vaiva nomukana wechii wokurovedza nokudzidzisa Mosesi achiri mucheche, uye zvinopa vabereki muenzaniso wei nhasi? (Eks. 2:9, 10; Dheut. 6:6-9; Zvir. 22:6; VaEf. 6:4; 2 Tim. 3:15)

Nhau 29

Chikonzero Nei Mosesi Akatiza

  1. Mosesi akakurirepi, asi chii chaaiziva pamusoro pevabereki vake?

  2. Mosesi akaitei paakanga ava nemakore 40?

  3. Mosesi akati chii kune mumwe murume mulsraeri akanga achirwa, uye murume wacho akamupindura kuti chii?

  4. Nei Mosesi akatiza kuEgipita?

  5. Mosesi akatizirepi, uye ndiani waakasangana naye ikoko?

  6. Mosesi akaitei mumakore 40 atiza kuEgipita?

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga Eksodho 2:11-25.

    Pasinei nemakore okudzidziswa uchenjeri hwevaEgipita, Mosesi akaratidza sei kutendeka kwake kuna Jehovha nevanhu vokwake? (Eks. 2:11, 12; VaH. 11:24)

  2. Verenga Mabasa 7:22-29.

    Chidzidzoi chatingadzidza kubva mukuedza kwaMosesi kununura valsraeri muutapwa hwevaEgipita ari oga? (Mab. 7:23-25; 1 Pet. 5:6, 10)

Nhau 30

Gwenzi Rinopfuta Mwoto

  1. Gomo riri pamufananidzo rinonzii?

  2. Taura zvakaonekwa naMosesi zvisingaitiki nguva dzose paakaenda kugomo nemakwai ake.

  3. Inzwi rakabva mugwenzi raipfuta rakati kudini, uye raiva inzwi raani?

  4. Mosesi akapindura sei Mwari paakamuudza kuti aizotungamirira vanhu vaMwari kubva muEgipita?

  5. Mwari akaudza Mosesi kuti ati chii kana vanhu vaizomubvunza kuti akanga atumwa naani?

  6. Mosesi aizokwanisa kuratidza sei kuti Mwari akanga amutuma?

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga Eksodho 3:1-22.

    Zvakaitika kuna Mosesi zvinotipa sei chivimbo chokuti kunyange tikanzwa sokuti hatikodzeri kuita basa raMwari, Jehovha achatibatsira? (Eks. 3:11, 13; 2 VaK. 3:5, 6)

  2. Verenga Eksodho 4:1-20.

    1. Kuchinjai kwakaitika pamafungiro aMosesi mumakore 40 aakapedza ari kuMidhiani, uye chidzidzoi icho avo vari kuvavarira kuwana ropafadzo muungano vangadzidza pane izvi? (Eks. 2:11, 12; 4:10, 13; Mika 6:8; 1 Tim. 3:1, 6, 10)

    2. Kunyange kana tikarangwa naJehovha achishandisa sangano rake, chivimboi icho muenzaniso waMosesi ungagona kutipa? (Eks. 4:12-14; Pis. 103:14; VaH. 12:4-11)

Nhau 31

Mosesi naAroni Vanoona Farao

  1. Zvishamiso zvakaitwa naMosesi naAroni zvakaita kuti valsraeri vanzwe sei?

  2. Mosesi naAroni vakaudza Farao kuti chii, uye Farao akapindura kuti chii?

  3. Sezvinoratidzwa pamufananidzo, chii chakaitika apo Aroni akakandira tsvimbo yake pasi?

  4. Jehovha akadzidzisa sei Farao chidzidzo, uye Farao akaita sei?

  5. Chii chakaitika pashure pedambudziko reChigumi?

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga Eksodho 4:27-31 uye 5:1-23.

    Farao airevei paakati: “Handimuzivi iye Jehovha”? (Eks. 5:2; 1 Sam. 2:12; VaR. 1:21)

  2. Verenga Eksodho 6:1-13, 26-30.

    1. Mupfungwa ipi umo Jehovha asina kuzvizivisa kuna Abrahama, Isaka, naJakobho? (Eks. 3:13, 14; 6:3; Gen. 12:8)

    2. Kuziva kuti Jehovha akangoshandisa Mosesi kunyange zvazvo Mosesi ainzwa asina kukodzera nokuda kwebasa raakapiwa kunoita kuti tinzwe sei? (Eks. 6:12, 30; Ruka 21:13-15)

  3. Verenga Eksodho 7:1-13.

    1. Mosesi naAroni pavakazivisa Farao kutonga kwaJehovha, muenzaniso wei wavakaratidza vashumiri vaMwari nhasi? (Eks. 7:2, 3, 6; Mab. 4:29-31)

    2. Jehovha akaratidza sei ukuru hwake pavanamwari veEgipita? (Eks. 7:12; 1 Mak. 29:12)

Nhau 32

Madambudziko 10

  1. Uchishandisa mifananidzo iri kuratidzwa pano, rondedzera matambudziko matatu okutanga ayo Jehovha akaunza paEgipita.

  2. Musiyano upi waiva pakati pematambudziko matatu okutanga nemamwe matambudziko ose?

  3. Nderipi raiva dambudziko rechina, rechishanu uye rechitanhatu?

  4. Rondedzera dambudziko rechinomwe, rechisere uye rechipfumbamwe.

  5. Jehovha akaudza valsraeri kuti vaitei dambudziko rechigumi risati raitika?

  6. Nderipi rakanga riri dambudziko rechigumi, uye chii chakazoitika rapfuura?

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga Eksodho 7:19–8:23.

    1. Kunyange zvazvo vaprista veEgipiia vaiita zvemashiripiti vakakwanisa kutevedzera matambudziko maviri okutanga aJehovha, chii chavakamanikidzwa kubvuma pashure pedambudziko rechitatu? (Eks. 8:18, 19; Mat. 12:24-28)

    2. Dambudziko rechina rakaratidza sei kukwanisa kwaJehovha kudzivirira vanhu vake, uye kuziva izvi kunoita kuti vanhu vaMwari vanzwe sei sezvavanotarisana no“kutambudzika kukuru” kwakafanotaurwa? (Eks. 8:22, 23; Zvak. 7:13, 14; 2 Mak. 16:9)

  2. Verenga Eksodho 8:24; 9:3, 6, 10, 11, 14, 16, 23-25; uye 10:13-15, 21-23.

    1. Mapoka api maviri akafumurwa neMatambudziko Gumi uye izvi zvinoita kuti tione sei mapoka maviri iwayo nhasi? (Eks. 8:10, 18, 19; 9:14)

    2. Eksodho 9:16 inotibatsira sei kunzwisisa kuti nei Jehovha akabvumira Satani kuramba aripo kusvika zvino? (VaR. 9:21, 22)

  3. Verenga Eksodho 12:21-32.

    Paseka yakaita kuti vanhu vazhinji vaponeswe sei, uye Paseka yairatidza chii? (Eks. 12:21-23; Joh. 1:29; VaR. 5:18, 19, 21; 1 VaK. 5:7)

Nhau 33

Kuyambuka Gungwa Dzvuku

  1. Varume vangani vechilsraeri, pamwe nevakadzi nevana, vakabuda muEgipita, uye ndiani akabuda navo?

  2. Farao akanzwa sei arega valsraeri vachienda, uye akaitei?

  3. Jehovha akaitei kuti amise vaEgipita kurwisa vanhu vake?

  4. Chii chakaitika Mosesi paakatambanudzira tsvimbo yake paGungwa Dzvuku, uye valsraeri vakaitei?

  5. Chii chakaitika vaEgipita pavakamhanyira mugungwa vachitevera valsraeri?

  6. Valsraeri vakaratidza sei kuti vakanga vachifara uye vachitenda Jehovha kuti vakanga vaponeswa?

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga Eksodho 12:33-36.

    Jehovha akava sei nechokwadi chokuti vanhu vake vakabhadharwa nokuda kwemakore avo ose ouranda muEgipita? (Eks. 3:21, 22; 12:35, 36)

  2. Verenga Eksodho 14:1-31.

    Mashoko aMosesi akanyorwa pana Eksodho 14:13, 14 anoita kuti vashumiri vaJehovha vanzwe sei sezvavanotarisana nehondo yeAmagedhoni iri kuuya? (2 Mak. 20:17; Pis. 91:8)

  3. Verenga Eksodho 15:1-8, 20, 21.

    1. Nei vashumiri vaJehovha vachifanira kumuimbira rumbidzo? (Eks. 15:1, 2; Pis. 105:2, 3; Zvak. 15:3, 4)

    2. Muenzaniso wei mukurumbidza Jehovha uyo Miriami nevakadzi vaiva paGungwa Dzvuku vakaratidza vakadzi vechiKristu nhasi? (Eks. 15:20, 21; Pis. 68:11)

Nhau 34

Rudzi Rutsva Rwezvokudya

  1. Pamufananidzo, vanhu vari kunhongei pasi, uye chinonzi chii?

  2. Mosesi anopa vanhu murayiridzo wokuti chii pamusoro pokunhonga mana?

  3. Jehovha anoudza vanhu kuti vaitei pazuva rechitanhatu, uye nei?

  4. Chishamiso chei icho Jehovha anoita mana painochengetwa kusvika pazuva rechinomwe?

  5. Jehovha anopa vanhu mana kwenguva yakareba sei?

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga Eksodho 16:1-36 uye Numeri 11:7-9.

    1. Eksodho 16:8 inoratidzei pamusoro pokudikanwa kwokuti tiremekedze kugadzwa kunoitwa vanhu naMwari muungano yechiKristu? (VaH. 13:17)

    2. Murenje, valsraeri vakayeuchidzwa sei zuva nezuva kuti vairaramiswa naJehovha? (Eks. 16:14-16, 35; Dheut. 8:2, 3)

    3. Jesu akati mana yaifananidzirei, uye tinobatsirwa sei neichi “chingwa chakabva kudenga”? (Joh. 6:31-35, 40)

  2. Verenga Joshua 5:10-12.

    Valsraeri vakadya mana kwemakore mangani, izvi zvakavaedza sei, uye tingadzidzei panhau iyi? (Eks. 16:35; Num. 11:4-6; 1 VaK. 10:10, 11)

Nhau 35

Jehovha Anopa Mitemo Yake

  1. Inenge mwedzi miviri vabva muEgipita, valsraeri vanodzika musasa kupi?

  2. Jehovha anoti anoda kuti vanhu vaitei uye ivo vanopindura kuti chii?

  3. Nei Jehovha achipa Mosesi mahwendefa maviri?

  4. Kunze kweMirayiro Gumi, Jehovha akapa vaIsraeri mimwe mitemo ipi?

  5. Ndeipi mitemo miviri yakanzi naJesu Kristu ndiyo mikuru kupfuura yose?

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga Eksodho 19:1-25; 20:1-21; 24:12-18; uye 31:18.

    Mashoko akanyorwa pana Eksodho 19:8 anotibatsira sei kunzwisisa zvinodiwa pakuzvitsaurira kwechiKristu? (Mat. 16:24; 1 Pet. 4:1-3)

  2. Verenga Dheuteronomio 6:4-6; Revhitiko 19:18; uye Mateo 22:36-40.

    VaKristu vanoratidza sei kuda kwavo Mwari nomuvakidzani? (Marko 6:34; Mab. 4:20; VaR. 15:2)

Nhau 36

Mhuru Yendarama

  1. Pamufananidzo, vanhu vari kuitei, uye nei?

  2. Nei Jehovha atsamwa, uye Mosesi anoitei paanoona zviri kuitwa nevanhu?

  3. Mosesi anoudza vamwe varume kuti vaitei?

  4. Nhau iyi inofanira kutidzidzisei?

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga Eksodho 32:1-35.

    1. Nhau iyi inoratidza sei manzwiro aJehovha pamusoro pokusanganisa chitendero chenhema nokunamata kwechokwadi? (Eks. 32:4-6, 10; 1 VaK. 10:7, 11)

    2. VaKristu vanofanira kungwarirei pakusarudza kwavo zvinhu zvinovaraidza, zvakadai sokuimba nokutamba? (Eks. 32:18, 19; VaEf. 5:15, 16; 1 Joh. 2:15-17)

    3. Rudzi rwaRevhi rwakaratidza muenzaniso wakanaka sei pakutsigira zvakarurama? (Eks. 32:25-28; Pis. 18:25)

Nhau 37

Tendi Rokunamatira

  1. Chivako chiri pamufananidzo chinonzi chii, uye chinoshandiswei?

  2. Nei Jehovha akaudza Mosesi kuti agadzire tendi raigona kuputswa zviri nyore?

  3. Bhokisi riri mukamuri duku riri kumucheto kwetende chii, uye bhokisi racho rinei?

  4. Jehovha anosarudza ani kuti ave muprista mukuru, uye muprista mukuru wacho anoitei?

  5. Taura zvinhu zvitatu zviri mukamuri hombe retende.

  6. Zvinhu zvipi zviviri zviri muchivanze chetebhenekeri, uye zvinoshandiswei?

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga Eksodho 25:8-40; 26:1-37; 27:1-8; uye 28:1.

    Ko makerubhi aiva pa“areka yechipupuriro” aimiririrei? (Eks. 25:20, 22; Num. 7:89; 2 Madz. 19:15)

  2. Verenga Eksodho 30:1-10, 17-21; 34:1, 2; uye VaHebheru 9:1-5.

    1. Nei Jehovha akasimbisa kuti vaprista vaishumira patebhenekeri vagare vakachena uye izvi zvinofanira kuita kuti tinzwe sei nhasi? (Eks. 30:18-21; 40:30, 31; VaH. 10:22)

    2. Muapostora Pauro anoratidza sei kuti tebhenekeri nesungano yoMutemo zvakanga zvisingachashandi panguva yaakanyora tsamba yake kuvaKristu vechiHebheru? (VaH. 9:1, 9; 10:1)

Nhau 38

Tsori 12

  1. Chii chauri kuona pasumbu remazambiringa riri pamufananidzo, uye rakabva kupi?

  2. Nei Mosesi achituma tsori 12 kunyika yeKanani?

  3. Tsori gumi dzinoti chii padzinopa mushumo kuna Mosesi?

  4. Tsori mbiri dzinoratidza sei kuti dzinovimba naJehovha, uye mazita adzo ndivanaani?

  5. Nei Jehovha atsamwa, uye anoudza Mosesi kuti chii?

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga Numeri 13:1-33.

    1. Ndivanaani vakasarudzwa kuti vanosora nyika uye mukana wei unokosha wavakava nawo? (Num. 13:2, 3, 18-20)

    2. Nei maonero aJoshua naKarebhu akanga akasiyana needzimwe tsori uye izvi zvinotidzidzisei? (Num. 13:28-30; Mat. 17:20; 2 VaK. 5:7)

  2. Verenga Numeri 14:1-38.

    1. Inyevero ipi ine chokuita nokunyunyutira vamiririri vaJehovha vepasi pano yatinofanira kuteerera? (Num. 14:2, 3, 27; Mat. 25:40, 45; 1 VaK. 10:10)

    2. Numeri 14:24 inoratidza sei kuti Jehovha anofarira vashumiri vake somunhu mumwe nomumwe? (1 Madz. 19:18; Zvir. 15:3)

Nhau 39

Tsvimbo yaAroni Inoita Maruva

  1. Ndivanaani vanopandukira simba raMosesi naAroni, uye vanoti chii kuna Mosesi?

  2. Mosesi anoudza Kora nevateveri vake 250 kuti vaitei?

  3. Mosesi anoti chii kuvanhu, uye chii chinoitika paanongonyarara?

  4. Chii chinoitika kuna Kora nevateveri vake 250?

  5. Ereazari, mwanakomana waAroni, anoitei nehadyana dzevarume vacho vakafa, uye nei?

  6. Nei Jehovha achiita kuti tsvimbo yaAroni iite maruva? (Ona mufananidzo.)

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga Numeri 16:1-49.

    1. Kora nevateveri vake vakaitei, uye nei kwakanga kuri kupandukira Jehovha? (Num. 16:9, 10, Revh. 10:1, 2; Zvir. 11:2)

    2. Maonero api asina kunaka ayo Kora ne“vakuru veungano” 250 vakatanga kuva nawo? (Num. 16:1-3; Zvir. 15:33; Isa. 49:7)

  2. Verenga Numeri 17:1-11 uye 26:10.

    1. Kutumbuka kwetsvimbo yaAroni kwakaratidzei uye nei Jehovha akarayira kuti ichengeterwe muareka? (Num. 17:5, 8, 10)

    2. Chidzidzoi chinokosha chatingadzidza pachiratidzo chetsvimbo yaAroni? (Num. 17:10; Mab. 20:28; VaF. 2:14; VaH. 13:17)

Nhau 40

Mosesi Anorova Dombo

  1. Jehovha anotarisira sei valsraeri pavanenge vari murenje?

  2. Valsraeri vanotsutsumwa pamusoro pei pavanodzika musasa paKadheshi?

  3. Jehovha anogovera sei vanhu nezvipfuwo zvavo mvura?

  4. Pamufananidzo, ndiani murume ari kuzvinongedza, uye ari kuzviitirei?

  5. Nei Jehovba atsamwira Mosesi naAroni, uye vanorangwa sei?

  6. Chii chinoitika paGomo reHori, uye ndiani anozova muprista mukuru walsraeri?

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga Numeri 20:1-13, 22-29 uye Dheuteronomio 29:5.

    1. Tinodzidzei panzira iyo Jehovha akatarisira nayo valsraeri murenje? (Dheut. 29:5; Mat. 6:31; VaH. 13:5; Jak. 1:17)

    2. Jehovha akaona sei kukundikana kwaMosesi naAroni kumutsvenesa pamberi pevalsraeri? (Num. 20:12; 1 VaK. 10:12; Zvak. 4:11)

    3. Tingadzidzei panzira iyo Mosesi akaita nayo kuchirango chaakagamuchira kubva kuna Jehovha? (Num. 12:3; 20:12, 27, 28; Dheut. 32:4; VaH. 12:7-11)

Nhau 41

Nyoka Yendarira

  1. Pamufananidzo, chii chakamonerwa padanda, uye nei Jehovha akaudza Mosesi kuti achiise ipapo?

  2. Vanhu vanoratidza sei kusaonga zvose zvavakaitirwa naMwari?

  3. Vanhu vanokumbira Mosesi kuti aitei pashure pokunge Jehovha atumira nyoka dzine uturu kuti avarange?

  4. Nei Jehovha achitaurira Mosesi kuti aite nyoka yendarira?

  5. Chidzidzoi chatinogona kudzidza munyaya iyi?

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga Numeri 21:4-9.

    1. Inyeveroi yatinopiwa kubva pakunyunyuta kwevaIsraeri pamusoro pezvinhu zvavakapiwa naJehovha? (Num. 21:5, 6; VaR. 2:4)

    2. Mumazana emakore akatevera, valsraeri vakashandisa sei nyoka yendarira, uye Mambo Hezekia akaitei? (Num. 21:9; 2 Madz. 18:1-4)

  2. Verenga Johani 3:14, 15.

    Kuiswa kwenyoka yendarira padanda kwakafananidzira sei kuroverwa padanda kwaJesu Kristu? (VaG. 3:13; 1 Pet. 2:24)

Nhau 42

Mbongoro Inotaura

  1. Bharaki ndiani, uye nei achituma munhu kunodana Bharami?

  2. Nei mbongoro yaBharami ichivata mumugwagwa?

  3. Bharami anonzwa mbongoro ichiti chii?

  4. Ngirozi inoti chii kuna Bharami?

  5. Chii chinoitika Bharami paanoedza kutuka Israeri?

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga Numeri 21:21-35.

    Nei Israeri akakunda Mambo Sihoni wevaAmori naMambo Ogi weBhashani? (Num. 21:21, 23, 33, 34)

  2. Verenga Numeri 22:1-40.

    Ndeipi yakanga iri vavariro yaBharami mukuedza kutuka vaIsraeri, uye zvidzidzoi zvatinogona kudzidza ipapa? (Num. 22:16, 17; Zvir. 6:16, 18; 2 Pet. 2:15; Jud. 11)

  3. Verenga Numeri 23:1-30.

    Kunyange zvazvo Bharami akataura sokunge aiva munamati waJehovha, zviito zvake zvakaratidza sei zvakapesana? (Num. 23:3, 11-14; 1 Sam. 15:22)

  4. Verenga Numeri 24:1-25.

    Nhoroondo yeBhaibheri iyi inosimbisa sei kutenda kwedu mukuitwa kwechinangwa chaJehovha? (Num. 24:10; Isa. 54:17)

Nhau 43

Joshua Anova Mutungamiri

  1. Mumufananidzo, varume vaviri vakamira naMosesi ndivanaani?

  2. Jehovha anoudza Joshua kuti chii?

  3. Nei Mosesi achikwira pamusoro peGomo reNebho, uye Jehovha anoti chii kwaari?

  4. Mosesi anofa ava nemakore mangani?

  5. Nei vanhu vakasuruvara, asi vane chikonzero chei chokufara?

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga Numeri 27:12-23.

    Ibasa ripi rakakura kwazvo iro Joshua akapiwa naJehovha, uye kuva nehanya kwaJehovha nokuda kwevanhu Vake kunoratidzwa sei nhasi? (Num. 27:15-19; Mab. 20:28; VaH. 13:7)

  2. Verenga Dheuteronomio 3:23-29.

    Nei Jehovha asina kubvumira Mosesi naAroni kuyambukira kunyika yakapikirwa, uye chidzidzoi chatingadzidza apa? (Dheut. 3:25-27; Num. 20:12, 13)

  3. Verenga Dheuteronomio 31:1-8, 14-23.

    Mashoko aMosesi okuonekana nevaIsraeri anoratidza sei kuti akagamuchira nokuzvininipisa chirango chakabva kuna Jehovha? (Dheut. 31:6-8, 23)

  4. Verenga Dheuteronomio 32:45-52.

    Shoko raMwari rinofanira kuita sei upenyu hwedu? (Dheut. 32:47; Revh. 18:5; VaH. 4:12)

  5. Verenga Dheuteronomio 34:1-12.

    Kunyange zvazvo Mosesi asina kumboona chiso chaJehovha chaicho, Dheuteronomio 34:10 inoratidzei pamusoro poukama hwake naJehovha? (Eks. 33:11, 20; Num. 12:8)

Nhau 44

Rakabhi Anovanza Tsori

  1. Rakabhi anogarepi?

  2. Varume vaviri vari pamufananidzo ndivanaani, uye nei vari muJeriko?

  3. Mambo weJeriko anorayira Rakabhi kuti aitei, uye anopa mhinduro yokuti chii?

  4. Rakabhi anobatsira sei varume vacho vaviri, uye anovakumbira kuti vamuitirei?

  5. Tsori mbiri dzinopikira Rakabhi chii?

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga Joshua 2:1-24.

    Chipikirwa chaJehovha chakanyorwa pana Eksodho 23:28 chakazadzika sei vaIsraeri pavakarwisa Jeriko? (Josh. 2:9-11)

  2. Verenga VaHebheru 11:31.

    Muenzaniso waRakabhi unosimbisa sei kukosha kwokutenda? (VaR. 1:17; VaH. 10:39; Jak. 2:25)

Nhau 45

Kuyambuka Rwizi rweJoridhani

  1. Jehovha anoita chishamiso chei kuti vaIsraeri vayambuke Rwizi rweJoridhani?

  2. Chiito chei chokutenda icho vaIsraeri vanofanira kuita kuti vayambuke Rwizi rweJoridhani?

  3. Nei Jehovha achirayira Joshua kuti aunganidze mabwe makuru 12 kubva murwizi?

  4. Chii chinoitika vaprista pavanongobuda muJoridhani?

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga Joshua 3:1-17.

    1. Sezvinoratidzwa nenyaya iyi, tinofanira kuitei kuti Jehovha atibatsire uye atikomborere? (Josh. 3:13, 15; Zvir. 3:5; Jak. 2:22, 26)

    2. Rwizi rweJoridhani rwakanga rwakaita sei vaIsraeri pavakayambuka vachipinda muNyika Yakapikirwa uye izvi zvakakudza sei zita raJehovha? (Josh. 3:15; 4:18; Pis. 66:5-7)

  2. Verenga Joshua 4:1-18.

    Mabwe 12 akatorwa muJoridhani akaiswa kuGirgari airevei? (Josh. 4:4-7)

Nhau 46

Masvingo eJeriko

  1. Jehovha anoudza varume vari kurwa uye vaprista kuti vaitei kwemazuva matanhatu?

  2. Varume vacho vanofanira kuitei pazuva rechinomwe?

  3. Sezvaunoona pamufananidzo, chii chiri kuitika kumasvingo eJeriko?

  4. Nei paine tambo tsvuku yakarembera nepahwindo?

  5. Joshua anoudza varume vari kurwa kuti vaitei kuvanhu vacho neguta ravo, asi zvakadini nesirivha, ndarama, ndarira, nedare?

  6. Tsori mbiri dzinoudzwa kuti dziitei?

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga Joshua 6:1-25.

    1. Kufamba kwevaIsraeri vachipoterera Jeriko musi wechinomwe kwakafanana sei nebasa rokuparidza reZvapupu zvaJehovha mumazuva ano okupedzisira? (Josh. 6:15, 16; Isa. 60:22; Mat. 24:14; 1 VaK. 9:16)

    2. Uprofita hwakanyorwa pana Joshua 6:26 hwakazadzika sei anenge makore 500 gare gare, uye izvi zvinotidzidzisei nezveshoko raJehovha? (1 Madz. 16:34; Isa. 55:11)

Nhau 47

Mbavha Muna Israeri

  1. Pamufananidzo uyu, ndiani murume ari kuviga pfuma yatorwa kuJeriko, uye ndivanaani vari kumubatsira?

  2. Nei zviri kuitwa naAkani nemhuri yake zvakaipa kwazvo?

  3. Jehovha anotii Joshua paanobvunza kuti nei vaIsraeri vakakundwa muhondo yokuAi?

  4. Pashure pokuunzwa kwaAkani nemhuri yake kuna Joshua, chii chinoitika kwavari?

  5. Kutongwa kwakaitwa Akani kunotidzidzisa chidzidzo chipi chinokosha?

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga Joshua 7:1-26.

    1. Minyengetero yaJoshua yakaratidzei nezvoukama hwaaiva nahwo noMusiki wake? (Josh. 7:7-9; Pis. 119:145; 1 Joh. 5:14)

    2. Muenzaniso waAkani unoratidzei, uye iwo inyevero kwatiri sei nhasi? (Josh. 7:11, 14, 15; Zvir. 15:3; 1 Tim. 5:24; VaH. 4:13)

  2. Verenga Joshua 8:1-29.

    Isu pachedu tinofanira kuitei kuungano yechiKristu nhasi? (Josh. 7:13; Revh. 5:1; Zvir. 28:13)

Nhau 48

VaGibheoni Vakachenjera

  1. Vanhu veGibheoni vakasiyana sei nevaKanani vari mumaguta ari pedyo?

  2. Sezviri pamufananidzo, vaGibheoni vanoitei, uye nei?

  3. Joshua nevatungamiriri vevaIsraeri vakavimbisei vaGibheoni, asi vanozozivei mazuva matatu gare gare?

  4. Chii chinoitika apo madzimambo omune mamwe maguta anonzwa kuti vaGibheoni vaita rugare nevaIsraeri?

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga Joshua 9:1-27.

    1. Sezvo Jehovha akanga arayira rudzi rwaIsraeri kuti ‘ruparadze vose vagere panyika,’ kusaparadza kwake vaGibheoni kunoratidzei? (Josh. 9:22, 24; Mat. 9:13; Mab. 10:34, 35; 2 Pet. 3:9)

    2. Nokuchengeta sungano yaakaita nevaGibheoni, Joshua akasiyira sei vaKristu vomuzuva ranhasi muenzaniso? (Josh. 9:18, 19; Mat. 5:37; VaEf. 4:25)

  2. Verenga Joshua 10:1-5.

    Nhasi boka guru revanhu rinotevedzera sei vaGibheoni, zvichiita kuti rirwiswe nokuda kwei? (Josh. 10:4; Zek. 8:23; Mat. 25:35-40; Zvak. 12:17)

Nhau 49

Zuva Rinomira

  1. Pamufananidzo, Joshua ari kutii, uye nei?

  2. Jehovha anobatsira sei Joshua nevarume vake vari kurwa?

  3. Joshua anokurira madzimambo mangani ari vavengi, uye zvinomutorera nguva yakareba sei?

  4. Nei Joshua achikamura nyika yeKanani?

  5. Joshua anofa ava nemakore mangani, uye chii chinoitika kuvanhu vacho gare gare?

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga Joshua 10:6-15.

    Sezvatinoziva kuti Jehovha ndiye akaita kuti zuva nomwedzi zvimirire vaIsraeri, tine chivimbo chei nhasi? (Josh. 10:8, 10, 12, 13; Pis. 18:3; Zvir. 18:10)

  2. Verenga Joshua 12:7-24.

    Chaizvoizvo ndiani akaita kuti madzimambo 31 aiva muKanani akundwe, uye nei izvi zvichikosha kwatiri nhasi? (Josh. 12:7; 24:11-13; Dheut. 31:8; Ruka 21:9, 25-28)

  3. Verenga Joshua 14:1-5.

    Nyika yacho yakagovewa sei pakati pemadzinza evaIsraeri, uye izvi zvinoratidzei nezvenhaka muParadhiso? (Josh. 14:2; Isa. 65:21; Ezek. 47:21-23; 1 VaK. 14:33)

  4. Verenga Vatongi 2:8-13.

    Sezvaiita Joshua muna Israeri, ndiani nhasi anoshanda achitidzivirira pane vakaramba kutenda? (Vat. 2:8, 10, 11; Mat. 24:45-47; 2 VaT. 2:3-6; Tito 1:7-9; Zvak. 1:1; 2:1, 2)

Nhau 50

Vakadzi Vairi Vakashinga

  1. Vatongi ndivanaani, uye vamwe vavo vanonzi vanaani?

  2. Dhebhora ane ropafadzo yokuita basa rei, uye izvi zvinosanganisirei?

  3. VaIsraeri pavanoda kurwiswa naMambo Jabhini nomukuru weuto rake, Sisera, Dhebhora anoudzei mutongi Bharaki zvataurwa naJehovha, uye anoti ndiani aizowana rukudzo rwacho?

  4. Jaeri anoratidza sei kuti mukadzi akashinga?

  5. Chii chinoitika pashure pokunge Mambo Jabhini afa?

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga Vatongi 2:14-22.

    VaIsraeri vakatsamwisa sei Jehovha, uye tingadzidzei pana izvozvi? (Vat. 2:20; Zvir. 3:1, 2; Ezek. 18:21-23)

  2. Verenga Vatongi 4:1-24.

    Vakadzi vechiKristu vangadzidzei nezvokutenda uye kushinga pamienzaniso yaDhebhora naJaeri? (Vat. 4:4, 8, 9, 14, 21, 22; Zvir. 31:30; 1 VaK. 16:13)

  3. Verenga Vatongi 5:1-31.

    Rwiyo rworukundo rwaBharaki naDhebhori rungashandiswa sei somunyengetero maererano nehondo iri kuuya paHa-Magedhoni? (Vat. 5:3, 31; 1 Mak. 16:8-10; Zvak. 7:9, 10; 16:16; 19:19-21)

Nhau 51

Rute naNaome

  1. Naome anosvika sei pakuva munyika yeMoabhi?

  2. Rute naOrpa ndivanaani?

  3. Rute naOrpa vanoita sei pavanoudzwa naNaome kuti vadzokere kuvanhu vokwavo?

  4. Bhoazi ndiani, uye anobatsira sei Rute naNaome?

  5. Mwana waBhoazi naRute anonzi ani, uye nei tichifanira kumuyeuka?

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga Rute 1:1-17.

    1. Ndeapi mashoko orudo rwokuvimbika anotaurwa naRute? (Rute 1:16, 17)

    2. Mafungiro aRute anonyatsoratidza sei mafungiro e“mamwe makwai” kune vaya vakazodzwa vachiri pasi pano nhasi? (Joh. 10:16; Zek. 8:23)

  2. Verenga Rute 2:1-23.

    Rute muenzaniso wakanaka kwazvo kuvakadzi vechiduku sei nhasi? (Rute 2:17, 18; Zvir. 23:22; 31:15)

  3. Verenga Rute 3:5-13.

    1. Bhoazi akaona sei kuzvidira kwaRute kuti aroorwe naye pane kuti aroorwe nomurume wechiduku?

    2. Mafungiro aRute anotidzidzisei nezvorudo rwokuvimbika? (Rute 3:10; 1 VaK. 13:4, 5)

  4. Verenga Rute 4:7-17.

    Varume vechiKristu vangava sei saBhoazi? (Rute 4:9, 10; 1 Tim. 3:1, 12, 13; 5:8)

Nhau 52

Gidheoni Navarume Vake 300

  1. VaIsraeri vari mumatambudziko akawanda kwazvo sei uye nei?

  2. Nei Jehovha achiudza Gidheoni kuti ane varume vakawandisa muuto rake?

  3. Varume vangani vanosara pashure pokunge Gidheoni audza varume vanotya kuti vadzokere kumusha?

  4. Sezviri pamufananidzo, tsanangura kuti Jehovha akazoita sei kuti uto raGidheoni risare nevarume 300 chete?

  5. Gidheoni anoronga sei varume 300 vaaiva navo, uye Israeri anokunda sei hondo yacho?

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga Vatongi 6:36-40.

    1. Gidheoni anova sei nechokwadi nezviri kudiwa naJehovha?

    2. Isu nhasi tinoziva sei kuda kwaJehovha? (Zvir. 2:3-6; Mat. 7:7-11; 2 Tim. 3:16, 17)

  2. Verenga Vatongi 7:1-25.

    1. Tingadzidzei kune varume 300 vakaramba varipo kusiyana nevaya vakaratidza kuti vakanga vasina hanya zvavo? (Vat. 7:3, 6; VaR. 13:11, 12; VaEf. 5:15-17)

    2. Sezvo varume 300 vakadzidza nokutarira Gidheoni, tinodzidza sei nokutarira Gidheoni Mukuru, Jesu Kristu? (Vat. 7:17; Mat. 11:29, 30; 28:19, 20; 1 Pet. 2:21)

    3. Vatongi 7:21 inotibatsira sei kuti tigutsikane nokushumira chero kupi kwatinenge tanzi tishumire musangano raJehovha? (1 VaK. 4:2; 12:14-18; Jak. 4:10)

  3. Verenga Vatongi 8:1-3.

    Pakugadzirisa zvinetso zvokusanzwisisana nehama kana kuti nehanzvadzi, chii chatingadzidza kuna Gidheoni pakugadzirisa kwaakaita kusanzwisisana navaEfremu? (Zvir. 15:1; Mat. 5:23, 24; Ruka 9:48)

Nhau 53

Chipikirwa chaJefta

  1. Jefta ndiani, uye akararama munguva ipi?

  2. Jefta anopikira Jehovha chii?

  3. Nei Jefta achisuruvara paanodzoka apedza kukunda vaAmoni?

  4. Mwanasikana waJefta anotii paanoziva nezvemhiko yababa vake?

  5. Nei vanhu vachida mwanasikana waJefta?

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga Vatongi 10:6-18.

    Inyeveroi yatinofanira kuteerera iri munhoroondo yokusatendeseka kwevaIsraeri kuna Jehovha? (Vat. 10:6, 15, 16; VaR. 15:4; Zvak. 2:10)

  2. Verenga Vatongi 11:1-11, 29-40.

    1. Tinoziva sei kuti kupa kwaJefta mwanasikana wake se“chipiriso chinopiswa” kwakanga kusingarevi kuti akamupisira sechibayiro chomunhu? (Vat. 11:31; Revh. 16:24; Dheut. 18:10, 12)

    2. Jefta akapa mwanasikana wake sechibayiro munzirai?

    3. Chii chatingadzidza pamafungiro aJefta pamhiko yake kuna Jehovha? (Vat. 11:35, 39; Mup. 5:4, 5; Mat. 16:24)

    4. Mwanasikana waJefta muenzaniso wakanaka sei wevaKristu vechiduku mukuita basa renguva yakazara? (Vat. 11:36; Mat. 6:33; VaF. 3:8)

Nhau 54

Murume Ane Simba Gurusa

  1. Murume akamborarama aiva nesimba gurusa anonzi ani, uye ndiani aimupa simba?

  2. Pane imwe nguva, Samsoni anoitei kushumba hombe, sezvaunogona kuona pamufananidzo?

  3. Mumufananidzo uyu Samsoni ari kuudzei Dherira chaanga asingafaniri kuudza vanhu, uye izvi zvakakonzera sei kubatwa kwake nevaFiristia?

  4. Samsoni anouraya sei vavengi vake vechiFiristia 3 000 zuva raakafa?

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga Vatongi 13:1-14.

    How do Manoah and his wife provide a good example for parents in rearing their children? (Vat. 13:8; Pis. 127:3; VaEf. 6:4)

  2. Verenga Vatongi 14:5-9 uye 15:9-16.

    1. Nyaya yaSamsoni yokuuraya shumba, kudambura tambo itsva dzakanga dzakamusunga, uye kushandisa kwaakaita shaya yembongoro kuuraya varume 1 000 inoratidzei nezvokushanda kwomudzimu mutsvene waJehovha?

    2. Mudzimu mutsvene unotibatsira sei nhasi? (Vat. 14:6; 15:14; Zek. 4:6; Mab. 4:31)

  3. Verenga Vatongi 16:18-31.

    Samsoni akakanganiswa sei neshamwari dzakaipa, uye tingadzidzei mune izvi? (Vat. 16:18, 19; 1 VaK. 15:33)

Nhau 55

Kakomana Kanobatira Mwari

  1. Kakomana kari mumufananidzo uyu kanonzi ani, uye vamwe vacho ndivanaani?

  2. Hana anonyengetera achitii rimwe zuva paakanga ari mutebhenekeri yaJehovha, uye Jehovha akamupindura sei?

  3. Samueri ane makore mangani paanoendeswa kunoshumira patende raJehovha, uye amai vake vanomuitirei gore roga roga?

  4. Vana vaEri vanonzi vanaani, uye vanhu vakaita sei?

  5. Jehovha anodana sei Samueri, uye Iye anomupa shoko rokutii?

  6. Samueri anovei paanokura, uye chii chinoitika paanokwegura?

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga 1 Samueri 1:1-28.

    1. Erikana anopa muenzaniso wakanaka sei wokuti misoro yemhuri itevedzere painenge ichitungamirira mukunamata kwechokwadi? (1 Sam. 1:3, 21; Mat. 6:33; VaF. 1:10)

    2. Chii chatingadzidza mumuenzaniso waHana mukutarisira zvinetso zvakaoma? (1 Sam. 1:10, 11; Pis. 55:22; VaR. 12:12)

  2. Verenga 1 Samueri 2:11-36.

    Eri akakudza sei vanakomana vake kupfuura Jehovha, uye izvi zvingashanda sei kwatiri senyevero? (1 Sam. 2:22-24, 27, 29; Dheut. 21:18-21; Mat. 10:36, 37)

  3. Verenga 1 Samueri 4:16-18.

    Mishumo ipi mina yenhamo inobva kuhondo, uye inoita kuti Eri aite sei?

  4. Verenga 1 Samueri 8:4-9.

    Israeri akatsamwisa sei Jehovha chaizvo, uye isu nhasi tingatsigira sei nokuvimbika Umambo hwake? (1 Sam. 8:5, 7; Joh. 17:16; Jak. 4:4)

Nhau 56

Sauro—Mambo Wokutanga waIsraeri

  1. Pamufananidzo, Samueri ari kuitei, uye nei?

  2. Nei Jehovha achida Sauro, uye murume akaita sei?

  3. Mwanakomana waSauro anonzi ani, uye mwanakomana wacho anoitei?

  4. Nei Sauro achipa chibayiro pane kuti amirire Samueri kuti azoita izvozvo?

  5. Chii chatingadzidza munhoroondo yaSauro?

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga 1 Samueri 9:15-21 uye 10:17-27.

    Mafungiro aSauro okuzvininipisa akamubatsira sei kuti asaita zvinhu asina kufunga apo vamwe varume vakamuzvidza? (1 Sam. 9:21; 10:21, 22, 27; Zvir. 17:27)

  2. Verenga 1 Samueri 13:5-14.

    Chivi chipi chakaitwa naSauro paGirgari? (1 Sam. 10:8; 13:8, 9, 13)

  3. Verenga 1 Samueri 15:1-35.

    1. Ndechipi chivi chakakomba chakaitwa naSauro chine chokuita naAgagi, mambo wavaAmareki? (1 Sam. 15:2, 3, 8, 9, 22)

    2. Sauro akaedza sei kupembedza zvaakaita achinakurira vamwe mhosva yacho? (1 Sam. 15:24)

    3. Nhasi tinofanira kuteerera nyevero ipi kana tikayambirwa? (1 Sam. 15:19-21; Pis. 141:5; Zvir. 9:8, 9; 11:2)

Nhau 57

Mwari Anosarudza Dhavhidhi

  1. Mukomana ari pamufananidzo uyu anonzi ani, uye tinoziva sei kuti akashinga?

  2. Dhavhidhi anogara kupi, uye baba vake nasekuru vake vanonzi ani?

  3. Nei Jehovha achiudza Samueri kuti aende kumba kwaJese muBheterehema?

  4. Chii chinoitika Jese paanounza vanomwe vevanakomana vake kuna Samueri?

  5. Dhavhidhi paanounzwa, Jehovha anoudzei Samueri?

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga 1 Samueri 17:34, 35.

    Zviitiko izvi zvinosimbisa sei ushingi hwaDhavhidhi uye kuvimba kwake naJehovha? (1 Sam. 17:37)

  2. Verenga 1 Samueri 16:1-14.

    1. Mashoko aJehovha ari pana 1 Samueri 16:7 anotibatsira sei kusasarura uye kusafurirwa nezvatinoona kunze? (Mab. 10:34, 35; 1 Tim. 2:4)

    2. Zvakaitika kuna Sauro zvinoratidza sei kuti Jehovha paanobvisa mudzimu mutsvene wake pane munhu, nzvimbo yasara inogona kuzopindwa nomudzimu wakaipa, kana kuti kunzwa kwokuda kuita zvakaipa? (1 Sam. 16:14; Mat. 12:43-45; VaG. 5:16)

Nhau 58

Dhavhidhi naGoriati

  1. Goriati anodenha uto revaIsraeri achiti chii?

  2. Goriati akakura zvakadini, uye Mambo Sauro anovimbisa chii kumurume achauraya Goriati?

  3. Dhavhidhi anotii paanoudzwa naSauro kuti haangarwi naGoriati nokuti anongova zvake kakomana?

  4. Pakupindura Goriati, Dhavhidhi anoratidza sei kuti anovimba naJehovha?

  5. Sezvaunogona kuona pamufananidzo Dhavhidhi anoshandisei kuuraya Goriati, uye vaFiristia vanoita sei izvi zvaitika?

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga 1 Samueri 17:1-54.

    1. Chii chaiita kuti Dhavhidhi asatye, uye tingatevedzera sei ushingi hwake? (1 Sam. 17:37, 45; VaEf. 6:10, 11)

    2. Nei vaKristu vachifanira kudzivisa kukwikwidza kwakafanana nokwaGoriati pavanoita mitambo kana kuti pavanenge vachitandara? (1 Sam. 17:8; VaG. 5:26; 1 Tim. 4:8)

    3. Mashoko aDhavhidhi anoratidza sei kuti aitenda kuti Mwari aizomutsigira? (1 Sam. 17:45-47; 2 Mak. 20:15)

    4. Pane kurondedzera bedzi makwikwi pamauto maviri akarwisana, nhoroondo iyi inoratidza sei kuti chaizvoizvo kurwisana kwacho kwaiva pakati pavanamwari venhema naMwari wechokwadi, Jehovha? (1 Sam. 17:43, 46, 47)

    5. Vakasara vakazodzwa vanotevedzera sei muenzaniso waDhavhidhi wokuvimba naJehovha? (1 Sam. 17:37; Jer. 1:17-19; Zvak. 12:17)

Nhau 59

Nei Dhavhidhi Achitiza

  1. Nei Sauro ane godo naDhavhidhi, asi mwanakomana waSauro, Jonatani akasiyana sei?

  2. Chii chinoitika pane rimwe zuva Dhavhidhi paairidzira Sauro chipendani?

  3. Sauro anoti Dhavhidhi anofanira kuitei asati atora Mikari mwanasikana waSauro kuti ave mudzimai wake, uye Sauro anotaurirei izvi?

  4. Dhavhidhi paanoridzira Sauro chipendani, chii chinoitika kechitatu, sezvinoratidzwa nomufananidzo uyu?

  5. Mikari anobatsira sei kuti aponese upenyu hwaDhavhidhi, uye Dhavhidhi anofanira kuitei kwemakore manomwe?

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga 1 Samueri 18:1-30.

    1. Kuda Dhavhidhi kwakasimba zvikuru kwaiitwa naJonatani kwakafanofananidzira sei kudanana kwe“mamwe makwai” ne‘boka duku’? (1 Sam. 18:1; Joh. 10:16; Ruka 12:32; Zek. 8:23)

    2. Tichifunga nezvokuti Jonatani aizongova mudyi wenhaka waSauro, 1 Samueri 18:4 inoratidza sei kuzviisa pasi kunoshamisa kwaJonatani kune uyo akasarudzwa kuti ave mambo?

    3. Muenzaniso waSauro unoratidza sei kuti godo rinogona kukonzera chivi chakakomba, uye izvi zvinotinyevera sei? (1 Sam. 18:7-9, 25; Jak. 3:14-16)

  2. Verenga 1 Samueri 19:1-17.

    Jonatani akaisa upenyu hwake sei pangozi paakasangana naSauro? (1 Sam. 19:1, 4-6; Zvir. 16:14)

Nhau 60

Abhigairi naDhavhidhi

  1. Mukadzi ari pamufananidzo ari kuuya kuzosangana naDhavhidhi anonzi ani, uye munhu akaita sei?

  2. Nabhari ndiani?

  3. Nei Dhavhidhi achitumira vamwe vevarume vake kunokumbira kuitirwa nyasha naNabhari?

  4. Nabhari anotii kuvarume vaDhavhidhi, uye Dhavhidhi anoitei?

  5. Abhigairi anoratidza sei kuti mukadzi akachenjera?

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga 1 Samueri 22:1-4.

    Mhuri yokwaDhavhidhi yakaratidza muenzaniso wakanaka sei wokutsigirana kwatinofanira kuita muukama hwechiKristu? (Zvir. 17:17; 1 VaT. 5:14)

  2. Verenga 1 Samueri 25:1-43.

    1. Nei Nabhari achirondedzerwa nenzira yokuzvidza kudaro? (1 Sam. 25:2-5, 10, 14, 21, 25)

    2. Vakadzi vechiKristu nhasi vangadzidzei pamuenzaniso waAbhigairi? (1 Sam. 25:32, 33; Zvir. 31:26; VaEf. 5:24)

    3. Abhigairi akadzivisa Dhavhidhi kuti asaite zvinhu zvipi zviviri zvakaipa? (1 Sam. 25:31, 33; VaR. 12:19; VaEf. 4:26)

    4. Zvakaitwa naDhavhidhi kumashoko aAbhigairi zvinobatsira sei varume nhasi kuti vave nemaonero anoita Jehovha vakadzi? (Mab. 21:8, 9; VaR. 2:11; 1 Pet. 3:7)

Nhau 61

Dhavhidhi Anoitwa Mambo

  1. Dhavhidhi naAbhishai vakaitei Sauro paakanga akarara mumusasa wake?

  2. Dhavhidhi anobvunza Sauro mibvunzo ipi?

  3. Pashure pokunge asiya Sauro, Dhavhidhi anoenda kupi?

  4. Chii chinosuruvarisa Dhavhidhi zvikuru, zvokuti anonyora rwiyo rwakaisvonaka?

  5. Dhavhidhi ava nemakore mangani paanoitwa mambo muHebroni, uye vamwe vevanakomana vake vanonzi vanaani?

  6. Gare gare, Dhavhidhi anotonga samambo kupi?

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga 1 Samueri 26:1-25.

    1. Mashoko aDhavhidhi akanyorwa pana 1 Samueri 26:11 anoratidzei pamaonero aaiita urongwa hwokunamata? (Pis. 37:7; VaR. 13:2)

    2. Patinoedza nomwoyo wose kuratidza mutsa worudo asi zvoregwa kuongwa, mashoko aDhavhidhi ari pana 1 Samueri 26:23 angatibatsira sei kuti tirambe tiine maonero akakodzera? (1 Madz. 8:32; Pis. 18:20)

  2. Verenga 2 Samueri 1:26.

    Nhasi vaKristu vangaita sei kuti ‘vadanane zvikuru’ sezvaiita Dhavhidhi naJonatani? (1 Pet. 4:8; VaK. 3:14; 1 Joh. 4:12)

  3. Verenga 2 Samueri 5:1-10.

    1. Dhavhidhi akatonga samambo kwemakore mangani, uye nguva iyi yakakamurwa sei? (2 Sam. 5:4, 5)

    2. Chii chinoita kuti Dhavhidhi ave mukuru, uye izvi zvinotibatsira sei sechiyeuchidzo nhasi? (2 Sam. 5:10; 1 Sam. 16:13; 1 VaK. 1:31; VaF. 4:13)

Nhau 62

Chinetso Mumba yaDhavhidhi

  1. Nokubatsira kwaJehovha, chii chinoitika pakupedzisira kunyika yeKanani?

  2. Chii chinoitika mamwe manheru Dhavhidhi ari padenga reimba yake youmambo?

  3. Nei Jehovha atsamwira Dhavhidhi zvikuru?

  4. Mumufananidzo uyu, Jehovha anotuma ani kunoudza Dhavhidhi nezvezvivi zvake, uye murume iyeye anoti chii chichaitika kuna Dhavhidhi?

  5. Dhavhidhi anova nedambudziko rei?

  6. Pashure paDhavhidhi, ndiani anova mambo waIsraeri?

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga 2 Samueri 11:1-27.

    1. Kuramba takabatikana mubasa raJehovha kunotidzivirira sei?

    2. Dhavhidhi akasvika sei pakuita chivi, uye izvi zvinopa nyevero ipi kuvashumiri vaJehovha nhasi? (2 Sam. 11:2; Mat. 5:27-29; 1 VaK. 10:12; Jak. 1:14, 15)

  2. Verenga 2 Samueri 12:1-18.

    1. Vakuru nevabereki vanogona kudzidzei munzira iyo Natani akashandisa kupa Dhavhidhi zano? (2 Sam. 12:1-4; Zvir. 12:18; Mat. 13:34)

    2. Nei Jehovha akanzwira Dhavhidhi ngoni? (2 Sam. 12:13; Pis. 32:5; 2 VaK. 7:9, 10)

Nhau 63

Soromoni Mambo Akachenjera

  1. Jehovha anobvunzei Soromoni, uye iye anopindura sei?

  2. Nokuti afadzwa nechikumbiro chaSoromoni, Jehovha anovimbisa kumupei?

  3. Vakadzi vaviri vanouya nechinetso chipi chakaoma?

  4. Sezvaunogona kuona mumufananidzo uyu, Soromoni anopedza sei chinetso chacho?

  5. Kutonga kwaSoromoni kwakadini, uye nei?

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga 1 Madzimambo 3:3-28.

    1. Varume vanopiwa mabasa musangano raJehovha nhasi vanogona kudzidzei mukutaura kunobva pamwoyo kwaSoromoni kuri pana 1 Madzimambo 3:7? (Pis. 119:105; Zvir. 3:5, 6)

    2. Zvakakumbirwa naSoromoni, zvinoratidza sei muenzaniso wakanaka wokuti tinyengeterere zvinhu zvakakodzera? (1 Madz. 3:9, 11; Zvir. 30:8, 9; 1 Joh. 5:14)

    3. Kupedza kwaSoromoni kusanzwisisana kwevakadzi vaviri kunotipa chivimbo chei pamusoro pokutonga kwaSoromoni Mukuru, Jesu Kristu? (1 Madz. 3:28; Isa. 9:6, 7; 11:2-4)

  2. Verenga 1 Madzimambo 4:29-34.

    1. Jehovha akapindura sei chikumbiro chaSoromoni chokuti ave nomwoyo unoteerera? (1 Madz. 4:29)

    2. Tichifunga nezvokuedza kwakaitwa nevanhu kuti vanzwe uchenjeri hwaSoromoni, tinofanira kuva nemafungiro akadini pakudzidza Shoko raMwari? (1 Madz. 4:29, 34; Joh. 17:3; 2 Tim. 3:16)

Nhau 64

Soromoni Anovaka Tembere

  1. Zvinotorera Soromoni nguva yakareba sei kuti apedze kuvaka tembere yaJehovha, uye nei pachishandiswa mari yakawanda kwazvo?

  2. Mutembere yacho mune makamuri makuru mangani, uye chii chinoiswa mukamuri romukati?

  3. Soromoni anotii mumunyengetero wake panopera tembere yacho?

  4. Jehovha anoratidza sei kuti anofadzwa nomunyengetero waSoromoni?

  5. Vadzimai vaSoromoni vanoita kuti aitei, uye chii chinoitika kuna Soromoni?

  6. Nei Jehovha atsamwira Soromoni, uye Jehovha anotii kwaari?

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga 1 Makoronike 28:9, 10.

    Tichifunga nezvemashoko aDhavhidhi akanyorwa pana 1 Makoronike 28:9, 10, tinofanira kuvavarira kuitei muupenyu hwedu hwezuva nezuva? (Pis. 19:14; VaF. 4:8, 9)

  2. Verenga 2 Makoronike 6:12-21, 32-42.

    1. Soromoni akaratidza sei kuti hakuna chivako chinovakwa nomunhu chinogona kukwana Mwari Womusorosoro? (2 Mak. 6:18; Mab. 17:24, 25)

    2. Mashoko aSoromoni ari pana 2 Makoronike 6:32, 33 anoratidzei nezvaJehovha? (Mab. 10:34, 35; VaG. 2:6)

  3. Verenga 2 Makoronike 7:1-5.

    Sezvo vanakomana vaIsraeri vakanzwa vachida kurumbidza Jehovha pavakaona mbiri yake, isu tinofanira kunzwa sei nhasi patinofunga nezvokukomborera kwaJehovha vanhu vake? (2 Mak. 7:3; Pis. 22:22; 34:1; 96:2)

  4. Verenga 1 Madzimambo 11:9-13.

    Upenyu hwaSoromoni hunoratidza sei kukosha kwokuramba wakatendeka kusvikira kumugumo? (1 Madz. 11:4, 9; Mat. 10:22; Zvak. 2:10)

Nhau 65

Umambo Hunokamukana

  1. Varume vaviri vari mumufananidzo uyu vanonzi vanaani, uye vanoita basa rei?

  2. Ahija anoitei nenguo yaakapfeka, uye zvaanoita zvinorevei?

  3. Soromoni anoedza kuitei kuna Jerobhoami?

  4. Nei vanhu vachiita Jerobhoami mambo wemadzinza gumi?

  5. Nei Jerobhoami achigadzira mhuru mbiri dzendarama, uye chii chinobva chaitika kunyika iyi?

  6. Chii chinoitika kuumambo hwemadzinza maviri uye kutembere yaJehovha iri muJerusarema?

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga 1 Madzimambo 11:26-43.

    Jerobhoami aiva munhu akaita sei, uye Jehovha akamuvimbisei kana aizochengeta mitemo yaMwari? (1 Madz. 11:28, 38)

  2. Verenga 1 Madzimambo 12:1-33.

    1. Pamuenzaniso wakaipa waRehobhoami, vabereki nevakuru vanogona kudzidzei panyaya yokushandisa chiremera zvisizvo? (1 Madz. 12:13; Mup. 7:7; 1 Pet. 5:2, 3)

    2. Nhasi vechiduku vanofanira kuenda kunaani nokuda kwoutungamiri hwakavimbika pavanenge vachiita zvisarudzo zvinokosha muupenyu? (1 Madz. 12:6, 7; Zvir. 1:8, 9; 2 Tim. 3:16, 17; VaH. 13:7)

    3. Chii chakaita kuti Jerobhoami agadzire nzvimbo mbiri dzokunamatira mhuru, uye izvi zvakaratidza sei kuti akashayiwa kwazvo kutenda muna Jehovha? (1 Madz. 11:37; 12:26-28)

    4. Ndiani akatungamirira vanhu voumambo hwemadzinza gumi kuti vapandukire kunamata kwechokwadi? (1 Madz. 12:32, 33)

Nhau 66

Jezeberi—Mambokadzi Akaipa

  1. Jezebheri ndiani?

  2. Nei Mambo Ahabhi akasuruvara pane rimwe zuva?

  3. Jezebheri anoitei kuti awanire murume wake Ahabhi munda wemizambiringa waNabhoti?

  4. Jehovha anotuma ani kunoranga Jezebheri?

  5. Sezvaunogona kuona pamufananidzo, chii chinoitika Jehu paanosvika paimba youmambo yaJezebheri?

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga 1 Madzimambo 16:29-33 uye 18:3, 4.

    Mamiriro ezvinhu akanga akaipa zvakadini muna Israeri munguva yaMambo Ahabhi? (1 Madz. 14:9)

  2. Verenga 1 Madzimambo 21:1-16.

    1. Nabhoti akaratidza sei ushingi uye kuvimbika kuna Jehovha? (1 Madz. 21:1-3; Revh. 25:23-28)

    2. Mumuenzaniso waAhabhi, tingadzidzei nezvokurarama nokuora mwoyo? (1 Madz. 21:4; VaR. 5:3-5)

  3. Verenga 2 Madzimambo 9:30-37.

    Tingadzidzei pakushingaira kwaJehu pakuita kuda kwaJehovha? (2 Madz. 9:4-10; 2 VaK. 9:1, 2; 2 Tim. 4:2)

Nhau 67

Jehoshafati Anovimba naJehovha

  1. Jehoshafati ndiani, uye anorarama panguva ipi?

  2. Nei vaIsraeri vari kutya, uye vakawanda vavo vanoitei?

  3. Jehovha anopindura kutii kumunyengetero waJehoshafati?

  4. Jehovha anoita kuti chii chiitike hondo yacho isati yagundika?

  5. Tinogona kudzidzei kuna Jehoshafati?

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga 2 Makoronike 20:1-30.

    1. Jehoshafati akaratidza sei zvinofanira kuitwa nevashumiri vakatendeka vaMwari pavanotarisana nemamiriro ezvinhu anotyisa? (2 Mak. 20:12; Pis. 25:15; 62:1)

    2. Sezvo Jehovha agara achishandisa nzira yokukurukurirana nayo pakubata nevanhu vake, nhasi anoshandisa nzira ipi? (2 Mak. 20:14, 15; Mat. 24:45-47; Joh. 15:15)

    3. Mwari paanounza ‘hondo yezuva guru raMwari Wemasimbaose,’ mamiriro edu ezvinhu achava akafanana sei neaya aJehoshafati? (2 Mak. 20:15, 17; 32:8; Zvak. 16:14, 16)

    4. Achitevedzera vaRevhi, nhasi mapiyona nemamishinari anotsigira sei basa rokuparidza mupasi rose? (2 Mak. 20:19, 21; VaR. 10:13-15; 2 Tim. 4:2)

Nhau 68

Vakomana Vairi Vanoraramazve

  1. Vanhu vatatu vari mumufananidzo uyu ndivanaani, uye chii chinoitika kukakomana kacho?

  2. Eria anonyengetererei pamusoro pomukomana, uye chii chinobva chaitika?

  3. Mubatsiri waEria anonzi ani?

  4. Nei Erisha achidanwa kuti auye kumba kwomumwe mukadzi wokuShunemi?

  5. Erisha anoitei, uye chii chinoitika kumwana anga afa?

  6. Jehovha ane simba rokuitei, sezvaanoratidza achishandisa Eria naErisha?

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga 1 Madzimambo 17:8-24.

    1. Kuteerera nokutenda kwaEria kwakaedzwa sei? (1 Madz. 17:9; 19:1-4, 10)

    2. Nei kutenda kwechirikadzi yokuZerafati kwakanga kuchishamisa? (1 Madz. 17:12-16; Ruka 4:25, 26)

    3. Zvakaitika kuchirikadzi yokuZerafati zvinosimbisa sei chokwadi chemashoko aJesu akanyorwa pana Mateo 10:41, 42? (1 Madz. 17:10-12, 17, 23, 24)

  2. Verenga 2 Madzimambo 4:8-37.

    1. Mukadzi wokuShunemi anotidzidzisei pamusoro pokugamuchira vaeni? (2 Madz. 4:8; Ruka 6:38; VaR. 12:13; 1 Joh. 3:17)

    2. Tinogona kuitira vashumiri vaMwari mabasa omutsa munzira dzipi nhasi? (Mab. 20:35; 28:1, 2; VaG. 6:9, 10; VaH. 6:10)

Nhau 69

Musikana Anobetsera Gamba

  1. Mumufananidzo uyu, kasikana kari kuudzei vahosi?

  2. Vahosi vari mumufananidzo uyu ndiani, uye kasikana kari kuitei muimba yavahosi?

  3. Erisha anorayiridza mushandi wake kuti audzei Naamani, uye nei Naamani achitsamwa?

  4. Chii chinoitika Naamani paanoteerera vashandi vake?

  5. Nei Erisha achiramba chipo chaNaamani, asi Gehazi anoitei?

  6. Chii chinoitika kuna Gehazi, uye tinogona kudzidzei pane izvi?

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga 2 Madzimambo 5:1-27.

    1. Muenzaniso wakaitwa nekasikana kechiIsraeri unokurudzira sei vechiduku nhasi? (2 Madz. 5:3; Pis. 8:2; 148:12, 13)

    2. Nei zvakanaka kuramba tichiyeuka muenzaniso waNaamani patinogamuchira zano rinobva muMagwaro? (2 Madz. 5:15; VaH. 12:5, 6; Jak. 4:6)

    3. Tinogona kudzidzei nokuenzanisa muenzaniso waErisha nouya waGehazi? (2 Madz. 5:9, 10, 14-16, 20; Mat. 10:8; Mab. 5:1-5; 2 VaK. 2:17)

Nhau 70

Jona Nehove Huru

  1. Jona ndiani, uye Jehovha anomuudza kuti aitei?

  2. Nokuti haadi kuenda kwaanoudzwa naJehovha, Jona anoitei?

  3. Jona anoudza vakwasvi kuti vaitei kuti vamise dutu?

  4. Sezvaunogona kuona mumufananidzo uyu, chii chinoitika Jona paanonyura mumvura?

  5. Jona anova mudumbu rehove huru kwenguva yakareba zvakadini, uye anoitei ari imomo?

  6. Jona anoenda kupi pashure pokunge abuda muhove huru, uye izvi zvinotidzidzisei?

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga Jona 1:1-17.

    Sezviri pachena, Jona akanzwa sei pamusoro pebasa rake rokuparidza kuNinevhe? (Jona 1:2, 3; Zvir. 3:7; Mup. 8:12)

  2. Verenga Jona 2:1, 2, 10.

    Zvakaitika kuna Jona zvinotipa sei chivimbo chokuti Jehovha achapindura minyengetero yedu? (Pis. 22:24; 34:6; 1 Joh. 5:14)

  3. Verenga Jona 3:1-10.

    1. Tinowana kurudziro ipi pakuti Jehovha akapfuurira kushandisa Jona pasinei nokumbokundikana kwake kuita basa rake pakutanga? (Pis. 103:14; 1 Pet. 5:10)

    2. Zvakaitika kuna Jona nevaNinevhe zvinotidzidzisei pamusoro pokufanotonga vanhu vari mundima yedu? (Jona 3:6-9; Mup. 11:6; Mab. 13:48)

Nhau 71

Mwari Anopikira Paradhiso

  1. Isaya aiva ani, akararama rini, uye Jehovha akamuratidzei?

  2. Shoko rokuti “paradhiso” rinorevei, uye rinokuyeuchidza nezvei?

  3. Jehovha akaudza Isaya kunyora nezvei pamusoro peParadhiso itsva?

  4. Nei Adhamu naEvha vakarasikirwa nomusha wavo wakanaka?

  5. Jehovha anovimbisei vaya vanomuda?

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga Isaya 11:6-9.

    1. Shoko raMwari rinoratidza sei rugare ruchavapo pamhuka nevanhu munyika itsva? (Pis. 148:10, 13; Isa. 65:25; Ezek. 34:25)

    2. Pane zvokunamata, kuzadzika kupi kwemashoko aIsaya kuri kuitika pakati pevanhu vaJehovha nhasi? (VaR. 12:2; VaEf. 4:23, 24)

    3. Ndiani anokodzerwa nembiri nokuda kwokushanduka kwounhu hwavanhu iye zvino uye munyika itsva? (Isa. 48:17, 18; VaG. 5:22, 23; VaF. 4:7)

  2. Verenga Zvakazarurwa 21:3, 4.

    1. Magwaro anoratidza sei kuti kugara kwaMwari nevanhu kunoreva kuti iye aripo nenzira yokufananidzira, kwete kuvapo somunhu wenyama pasi pano? (Revh. 26:11, 12; 2 Mak. 6:18; Isa. 66:1; Zvak. 21:2, 3, 22-24)

    2. Rudzii rwemisodzi nemarwadzo zvichabviswa? (Ruka 8:49-52; VaR. 8:21, 22; Zvak. 21:4)

Nhau 72

Mwari Anoyamura Mambo Hezekia

  1. Munhu ari mumufananidzo ndiani, uye nei ane chinetso chikuru?

  2. Tsamba dzaiswa pamberi paMwari naHezekia ndedzei, uye Hezekia anonyengetera kuti kudini?

  3. Hezekia ndimambo akaita sei, uye Jehovha anomutumira shoko rei achishandisa muprofita Isaya?

  4. Ngirozi yaJehovha inoitei kuvaAsiria, sezvinoratidzwa mumufananidzo uyu?

  5. Kunyange zvazvo umambo hwemadzinza maviri hune rugare kwenguva pfupi, chii chinoitika pashure pokunge Hezekia afa?

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga 2 Madzimambo 18:1-36.

    1. Mutauriri wokuAsiria Rabhisheki akaitei kuti anetese kutenda kwevalsraeri? (2 Madz. 18:19, 21; Eks. 5:2; Pis. 64:3)

    2. Pakubata nevashori, Zvapupu zvaJehovha zvinoteerera sei muenzaniso waHezekia? (2 Madz. 18:36; Pis. 39:1; Zvir. 26:4; 2 Tim. 2:24)

  2. Verenga 2 Madzimambo 19:1-37.

    1. Vanhu vaJehovha nhasi vanotevedzera sei Hezekia munguva dzokutambudzika? (2 Madz. 19:1, 2; Zvir. 3:5, 6; VaH. 10:24, 25; Jak. 5:14, 15)

    2. Kukundwa kupi kutatu kwakaitwa Mambo Saniheribhi, uye anofananidzira ani muuprofita? (2 Madz. 19:32, 35, 37; Zvak. 20:2, 3)

  3. Verenga 2 Madzimambo 21:1-6, 16.

    Nei zvinganzi Manase aiva mumwe wemadzimambo akaipa zvikuru akambotonga muJerusarema? (2 Mak. 33:4-6, 9)

Nhau 73

Mambo Wokugumisira walsraeri

  1. Mambo Josia ane makore mangani paanova mambo, uye kwemakore manomwe anotanga kuitei paanenge ava mambo?

  2. Uri kuona Josia achlitei mumufananidzo wokutanga?

  3. Muprista mukuru anowanei varume pavari kugadziridza temberi?

  4. Nei Josia achibvarura nguo dzake?

  5. Muprofitakadzi Hardha anopa Josia shoko rokuti chii rinobva kuna Jehovha?

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga 2 Makoronike 34:1-28.

    1. Josia anopa muenzaniso upi kune vaya vaifanira kutsungirira nguva youduku yakaoma? (2 Mak. 33:21-25; 34:1, 2; Pis. 27:10)

    2. Josia anotora matanho api makuru kuti afambisire mberi kunamata kwechokwadi mugore rechi8, rechi12, uye rechi18 rokutonga kwake? (2 Mak. 34:3, 8)

    3. Tinogona kudzidzei mukutarisira nzvimbo dzedu dzokunamatira mumienzaniso yakaitwa naMambo Josia uye Muprista Mukuru Hirkia? (2 Mak. 34:9-13; Zvir. 11:14; 1 VaK. 10:31)

Nhau 74

Murume Asingatyi

  1. Jaya riri mumufananidzo uyu ndiani?

  2. Jeremia anofungei nezvokuva kwake muprofita, asi Jehovha anomuudzei?

  3. Jeremia anoramba achiudza vanhu shoko ripi?

  4. Vanhu vanoedza sei kumisa Jeremia, asi anoratidza sei kuti haasi kutya?

  5. Chii chinoitika valsraeri pavanorega kuchinja nzira dzavo dzakaipa?

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga Jeremia 1:1-8.

    1. Sezvinoratidzwa nomuenzaniso waJeremia, chii chinoita kuti munhu akodzere kuita basa raJehovha? (2 VaK. 3:5, 6)

    2. Muenzaniso waJeremia unopa kurudziro yei kupwere dzechiKristu nhasi? (Mup. 12:1; 1 Tim. 4:12)

  2. Verenga Jeremia 10:1-5.

    Muenzaniso upi une simba uyo Jeremia anoshandisa kuratidza kuti kuvimba nezvidhori hakubatsiri? (Jer. 10:5; Isa. 46:7; Hab. 2:19)

  3. Verenga Jeremia 26:1-16.

    1. Pavanenge vachipa shoko rokunyevera nhasi vakazodzwa vasara vanokoshesa sei murayiro waJehovha waakapa Jeremia wokuti ’asabvisa kana shoko zvaro’? (Jer. 26:2; Dheut. 4:2; Mab. 20:27)

    2. Muenzaniso wei wakanaka kwazvo wakapiwa naJeremia kuZvapupu zvaJehovha nhasi mukuzivisa nyevero yaJehovha kumarudzi? (Jer. 26:8, 12, 14, 15; 2 Tim. 4:1-5)

  4. Verenga 2 Madzimambo 24:1-17.

    Migumisiro ipi isingafadzi yakazovapo nemhaka yokusatendeka kwaJudha kuna Jehovha? (2 Madz. 24:2-4, 14)

Nhau 75

Vakomana Vana muBhabhironi

  1. Vakomana vana vari pamufananidzo ndivanaani, uye nei vari muBhabhironi?

  2. Nebhukadnezari ari kurongerei vakomana vana ava, uye anorayirei vashandi vake?

  3. Dhanieri anokumbirei pamusoro pezvokudya nezvokunwa zvake neshamwari dzake nhatu?

  4. Vadya muriwo kwemazuva gumi, Dhanieri neshamwari dzake nhatu vanoratidzika sei kana vachienzaniswa nevamwe vakomana?

  5. Dhanieri neshamwari dzake nhatu vanosvika sei pakuva pamuzinda wamambo, uye vari nani kupfuura vaprista nevarume vakachenjera pakudini?

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga Dhanieri 1:1-21.

    1. Chii chatinofanira kuita kana tichitarisira kukunda miedzo nokukunda utera? (Dhan. 1:8; Gen. 39:7, 10; VaG. 6:9)

    2. Munzira dzipi umo pwere dzingaedzwa nhasi kana kuti kumanikidzwa kuita zvinonzi nevamwe nde‘zvoumbozha’? (Dhan. 1:8; Zvir. 20:1; 2 VaK. 6:17-7:1)

    3. Nhoroondo yeBhaibheri yepwere ina dzechiHebheru inotibatsira kunzwisisa chii pamusoro pokuwana dzidzo yenyika? (Dhan. 1:20; Isa. 54:13; 1 VaK. 3:18-20)

Nhau 76

Jerusarema Rinoparadzwa

  1. Chii chiri kuitika kuJerusarema nevalsraeri vari kuratidzwa pamufananidzo?

  2. Ezekieri ndiani, uye zvinhu zvipi zvinotyisa zvaanoratidzwa naJehovha?

  3. Nemhaka yokuti valsraeri havaremekedzi Jehovha, anovimbisa chii?

  4. Mambo Nebhukadnezari anoitei pashure pokunge valsraeri vamupandukira?

  5. Nei Jehovha achibvumira kuti kuparadzwa kwakaipa uku kuitike kuvalsraeri?

  6. Nyika yalsraeri inosiyiwa sei isina kana vanhu, uye kwenguva yakareba sei?

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga 2 Madzimambo 25:1-26.

    1. Ndiani ainzi Zedhekia, chii chakaitika kwaari, uye izvi zvakazadzisa sei uprofita hweBhaibheri? (2 Madz. 25:5-7; Ezek. 12:13-15)

    2. Ndiani uyo Jehovha akapa mhosva nokuda kwokusatendeka kwose kwakaitwa nevalsraeri? (2 Madz. 25:9, 11, 12, 18, 19; 2 Mak. 36:14, 17)

  2. Verenga Ezekieri 8:1-18.

    ChiKristudhomu chakatevedzera sei vanamati vezuva vechilsraeri vakaramba kutenda? (Ezek. 8:16; Isa. 5:20, 21; Joh. 3:19-21; 2 Tim. 4:3)

Nhau 77

Havazati Vaizopfugamira

  1. Nebhukadhinezari, mambo weBhabhironi, arayira vanhu murayiro upi?

  2. Nei shamwari nhatu dzaDhanieri dzisiri kupfugamira mufananidzo wendarama?

  3. Nebhukadnezari paanopa vaHebheru vatatu mumwe mukana wokupfugama, vanoratidza sei kuvimba kwavo naJehovha?

  4. Nebhukadnezari anoita kuti varume vake vaitei kuna Shadraki, Meshaki naAbhedhinego?

  5. Nebhukadnezari anoonei paanotarira muchoto chomoto?

  6. Nei mambo achirumbidza Mwari waShadraki Meshaki naAbhedhinego, uye muenzaniso upi wavanotipa?

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga Dhanieri 3:1-30.

    1. Mafungiro api akaratidzwa nevaHebheru vatatu vaduku anofanira kutevedzerwa nevashumiri vose vaMwari pavanotarisana nemiedzo yokuvimbika? (Dhan. 3:17, 18; Mat. 10:28; VaR. 14:7, 8)

    2. Jehovha Mwari akadzidzisa Nebhukadnezari chidzidzo chipi chinokosha? (Dhan. 3:28, 29; 4:34, 35)

Nhau 78

Runyoro Ruri Pachidziro

  1. Chii chinoitika mambo weBhabhironi paanova nomutambo mukuru uye paanoshandisa mikombe nendiro zvakatorwa mutemberi yaJehovha iri muJerusarema?

  2. Bhershazari anotii kuvarume vake vakachenjera, asi havakwanisi kuitei?

  3. Amai vamambo vanomuudza kuti aitei?

  4. Maererano neizvo Dhanieri anoudza mambo, nei Mwari akaita kuti ruoko runyore pamadziro?

  5. Dhanieri anotsanangura sei zvinorehwa nemashoko ari pamadziro?

  6. Chii chinoitika Dhanieri achiri kutaura?

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga Dhanieri 5:1-31.

    1. Siyanisa kutya Mwari nokutya kwakaita Bhershazari paakaona runyoro pamadziro. (Dhan. 5:6, 7; Pis. 19:9; VaR. 8:35-39)

    2. Dhanieri akaratidza sei ushingi hukuru pakutaura naBhershazari nemakurukota ake? (Dhan. 5:17, 18, 22, 26-28; Mab. 4:29)

    3. Dhanieri chitsauko 5 chinosimbisa sei uchangamire hwaJehovha pazvinhu zvose zvakasikwa (Dhan. 4:17, 25; 5:21)

Nhau 79

Dhanieri Ari Mugomba Reshumba

  1. Dhariusi ndiani, uye anoona sei Dhanieri?

  2. Vamwe varume vane godo vanoita kuti Dhariusi aitei?

  3. Dhanieri anoitei paanoziva nezvomutemo mutsva?

  4. Nei Dhariusi agumbuka kwazvo zvokuti haagoni kurara, uye anoitei mangwanani anotevera acho?

  5. Dhanieri anopindura sei Dhariusi?

  6. Chii chinoitika kuvarume vakaipa vakaedza kuuraya Dhanieri, uye Dhariusi anonyorerei vanhu vose vari muumambo hwake?

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga Dhanieri 6:1-28.

    1. Kurongera Dhanieri zvakaipa kunotiyeuchidza sei zvakaitwa nevashori kuedza kudzvinyirira basa reZvapupu zvaJehovha munguva dzazvino? (Dhan. 6:7; Pis. 94:20; Isa. 10:1; VaR. 8:31)

    2. Vashumiri vaMwari vangatevedzera sei Dhanieri nhasi mukuramba vachizviisa pasi “pamasimba makuru”? (Dhan. 6:5, 10; VaR. 13:1; Mab. 5:29)

    3. Tingatevedzera sei muenzaniso waDhanieri wokushumira Jehovha “nguva dzose”? (Dhan. 6:16, 20; VaF. 3:16; Zvak. 7:15)

Nhau 80

Vanhu vaMwari Vanobva Bhabhironi

  1. Sezvinoratidzwa pamufananidzo, vaIsraeri vari kuitei?

  2. Koreshi akazadzisa sei uprofita hwaJehovha kuburikidza naIsaya?

  3. Koreshi anoudzei vaIsraeri vasingagoni kudzokera kuJerusarema?

  4. Koreshi anopa vanhu chii chokuti vadzokere nacho kuJerusarema?

  5. Zvinotorera vaIsraeri nguva yakareba sei kudzokera kuJerusarema?

  6. Kwapera makore akawanda zvakadini kubva pakasiyiwa nyika yacho isina vanhu zvachose?

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga Isaya 44:28 uye 45:1-4.

    1. Jehovha akasimbisa sei chokwadi chokuzadzika kwouprofita hwaiva nechokuita naKoreshi? (Isa. 55:10, 11; VaR. 4:17)

    2. Uprofita hwaIsaya pamusoro paKoreshi hunoratidza chii nezvokukwanisa kwaJehovha Mwari kufanotaura nezvenguva yemberi? (Isa. 42:9; 45:21; 46:10, 11; 2 Pet. 1:20)

  2. Verenga Ezra 1:1-11.

    Tichitevedzera muenzaniso wevaya vasina kukwanisa kudzokera kuJerusarema, isu nhasi ‘tingasimbisa sei maoko’ eavo vanokwanisa kupinda mubasa renguva yakazara? (Ezra 1:4, 6; VaR. 12:13; VaK. 4:12)

Nhau 81

Kuvimba Nebetsero yaMwari

  1. Vanhu vangani vanoita rwendo rurefu rwokubva kuBhabhironi kuenda kuJerusarema, asi chii chavanowana pavanosvika?

  2. VaIsraeri vanotanga kuvakei vasvika, asi vavengi vavo vanoitei?

  3. Hagai naZekaria ndivanaani, uye vanoudza vanhu chii?

  4. Nei Tatenai achitumira tsamba kuBhabhironi, uye anogamuchira mhinduro yokuti chii?

  5. Ezra anoitei paanoziva kuti temberi yaMwari inoda kugadzirwa?

  6. Ezra ari kunyengeterera chii mumufananidzo uyu, munyengetero wake unopindurwa sei, uye izvi zvinotidzidzisei?

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga Ezra 3:1-13.

    Kana tikazombozviwana tava munharaunda isina ungano yevanhu vaMwari, chii chatinofanira kuramba tichiita? (Ezra 3:3, 6; Mab. 17:16, 17; VaH. 13:15)

  2. Verenga Ezra 4:1-7.

    Muenzaniso wei uyo Zerubhabheri akaratidza nokuda kwevanhu vaJehovha pamusoro pokunamata nezvimwe zvitendero? (Eks. 34:12; 1 VaK. 15:33; 2 VaK. 6:14-17)

  3. Verenga Ezra 5:1-5, 17 uye 6:1-22.

    1. Nei vashori vasina kukwanisa kumisa basa rokuvaka temberi? (Ezra 5:5; Isa. 54:17)

    2. Zvakaitwa nevakuru vevaJudha zvinokurudzira sei vakuru vechiKristu kutsvaka utungamiriri hwaJehovha pavanotarisana nevashori? (Ezra 6:14; Pis. 32:8; VaR. 8:31; Jak. 1:5)

  4. Verenga Ezra 8:21-23, 28-36.

    Tisati tatanga kuita chimwe chinhu, muenzaniso upi waEzra ungava wakanaka kuti titevedzere? (Ezra 8:23; Pis. 127:1; Zvir. 10:22; Jak. 4:13-15)

Nhau 82

Modhekai naEsteri

  1. Modhekai naEstere ndivanaani?

  2. Nei Mambo Ahashivheroshi achida mudzimai mutsva, uye ndiani waanosarudza?

  3. Hamani ndiani, uye chii chinomugumbura zvikuru?

  4. Mutemo upi unogadzwa, uye Estere anoitei pashure pokunge agamuchira mashoko kubva kuna Modhekai?

  5. Chii chinoitika kuna Hamani, uye chii chinoitika kuna Modhekai?

  6. VaIsraeri vanoponeswa sei pavavengi vavo?

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga Estere 2:12-18.

    Estere akaratidza sei kukosha kwokukudziridza ‘mudzimu wakanyarara uye munyoro’? (Est. 2:15; 1 Pet. 3:1-5)

  2. Verenga Estere 4:1-17.

    Sezvo Estere akapiwa mukana wokuita chiito nokuda kwokunamata kwechokwadi, isu tinopiwa mukana upi nhasi wokuratidza kuzvipira kwedu uye kuvimbika kuna Jehovha? (Est. 4:13, 14; Mat. 5:14-16; 24:14)

  3. Verenga Estere 7:1-6.

    Vakawanda pavanhu vaMwari nhasi vakazvipinza sei mungozi yokutambudzwa nenzira yakafanana, sezvakaita Estere? (Est. 7:4; Mat. 10:16-22; 1 Pet. 2:12)

Nhau 83

Masvingo eJerusarema

  1. VaIsraeri vakanzwa sei sezvo guta ravo reJerusarema rakanga risisina kupoteredzwa nemasvingo?

  2. Nehemia ndiani?

  3. Basa raNehemia nderei, uye nei richikosha?

  4. Mashoko api anoita kuti Nehemia asafare, uye anoitei?

  5. Mambo Artashasta anoratidza sei mutsa kuna Nehemia?

  6. Nehemia anoronga sei basa rokuvaka zvokuti vavengi vevaIsraeri havagoni kurimisa?

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga Nehemia 1:4-6 uye 2:1-20.

    Nehemia akakumbira sei kutungamirirwa naJehovha? (Neh. 2:4, 5; VaR. 12:12; 1 Pet. 4:7)

  2. Verenga Nehemia 3:3-5.

    Vakuru nevashumiri vanoshumira vangadzidzei pamusiyano wevaTekoi ne“vakuru” vavo? (Neh. 3:5, 27; 2 VaT. 3:7-10; 1 Pet. 5:5)

  3. Verenga Nehemia 4:1-23.

    1. Chii chakaita kuti vaIsraeri varambe vachivaka pasinei zvapo nokushorwa zvakasimba? (Neh. 4:6, 8, 9; Pis. 50:15; Isa. 65:13, 14)

    2. Muenzaniso wevaIsraeri unotikurudzira munzira ipi nhasi?

  4. Verenga Nehemia 6:15.

    Chokwadi chokuti masvingo eJerusarema akapedzwa mumwedzi miviri chinoratidzei maererano nesimba rokutenda? (Pis. 56:3, 4; Mat. 17:20; 19:26)

Nhau 84

Ngirozi Inoshanyira Maria

  1. Mukadzi ari pamufananidzo ndiani?

  2. Gabrieri anoudzei Maria?

  3. Gabrieri anotsanangurira sei Maria kuti achava nemwana kunyange zvazvo asina kugara nomurume?

  4. Chii chinoitika Maria paanoshanyira Erisabhete, hama yake?

  5. Josefa anofungei paanoziva kuti Maria achava nemwana, asi nei achichinja mafungiro ake?

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga Ruka 1:26-56.

    1. Ruka 1:35 inoratidzei maererano nokusakwana kwose kwaAdhamu kwaiva muchizvaro chaMaria pakatamiswa upenyu hwoMwanakomana waMwari kubva kunzvimbo yomudzimu? (Hag. 2:11-13; Joh. 6:69; VaH. 7:26; 10:5)

    2. Jesu akakudzwa sei kunyange asati aberekwa? (Ruka 1:41-43)

    3. Maria anoratidza muenzaniso upi wakanaka kuvaKristu vanowana ropafadzo chaidzo dzebasa nhasi? (Ruka 1:38, 46-49; 17:10; Zvir. 11:2)

  2. Verenga Mateo 1:18-25.

    Kunyange zvazvo Jesu asina kutumidzwa zita chairo rokuti Imanueri, basa rake somunhu rakazadzisa sei zvinoreva zita iroro? (Mat. 1:22, 23; Joh. 14:8-10; VaH. 1:1-3)

Nhau 85

Jesu Anoberekerwa Muchitevere

  1. Ndiani mwana muduku ari mumufananidzo, uye Maria ari kumurarisa pai?

  2. Nei Jesu akaberekerwa muchitevere mune mhuka?

  3. Mumufananidzo, varume vari kupinda muchitevere ndivanaani, uye vaudzwei nengirozi?

  4. Nei Jesu achikosha?

  5. Nei Jesu anganzi Mwanakomana waMwari?

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga Ruka 2:1-20.

    1. Rutivi rupi urwo Kesari Augusto akaita mukuzadzika kwouprofita hune chokuita nokuberekwa kwaJesu? (Ruka 2:1-4; Mika 5:2)

    2. Munhu angasvika sei pakuverengwa somumwe weavo vanonzi “vanhu vaanofarira”? (Ruka 2:14; Mat. 16:24; Joh. 17:3; Mab. 3:19; VaH. 11:6)

    3. Kana vafudzi veJudhiya vanozvininipisa ivavo vaiva nechikonzero chokufarira kuberekwa kwoMuponesi, vanhu vaMwari vane chikonzero chakakura zvakadini chokufara nhasi? (Ruka 2:10, 11; VaEf. 3:8, 9; Zvak. 11:15; 14:6)

Nhau 86

Vakatungamirirwa Nenyeredzi

  1. Varume vari pamufananidzo ndivanaani, uye nei mumwe wavo ari kunongedzera kunyeredzi yakajeka?

  2. Nei Mambo Herodhi agumbuka, uye anoitei?

  3. Nyeredzi yakajeka inotungamirira varume vacho kupi, asi nei vachidzokera kumusha kwavo neimwe nzira?

  4. Murayiro upi unopiwa naHerodhi, uye nei?

  5. Jehovha anoudza Josefa kuti aitei?

  6. Ndiani akakonzera kuti nyeredzi itsva ipenye, uye nei?

Mubvunzo wokuwedzera:

  1. Verenga Mateo 2:1-23.

    Jesu akanga akura zvakadini uye akanga achigara kupi vazivi venyeredzi pavakamushanyira? (Mat. 2:1, 11, 16)

Nhau 87

Jesu Ari Muduku Ari Mutembere

  1. Jesu ari pamufananidzo akura zvakadini, uye ari kupi?

  2. Josefa anoitei nemhuri yake gore roga roga?

  3. Kwapera zuva rimwe vari murwendo rwokudzokera kumusha, nei Josefa naMaria vachidzokera kuJerusarema?

  4. Josefa naMaria vanowanepi Jesu, uye nei vanhu varipo vachishamiswa?

  5. Jesu anotii kuna amai vake, Maria?

  6. Tingaita sei kuti tiite saJesu pakudzidza nezvaMwari?

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga Ruka 2:41-52.

    1. Kunyange zvazvo Mutemo wakanga uchirayira kuti varume bedzi vapinde mitambo yegore negore, muenzaniso wei wakanaka wakaratidzwa naJosefa naMaria nokuda kwevabereki nhasi? (Ruka 2:41; Dheut. 16:16; 31:12; Zvir. 22:6)

    2. Jesu akaratidza sei muenzaniso wakanaka kuvaduku nhasi wokuti vazviise pasi pevabereki vavo? (Ruka 2:51; Dheut. 5:16; Zvir. 23:22; VaK. 3:20)

  2. Verenga Mateo 13:53-56.

    Ndevapi vanun’una vaJesu vana vanotaurwa muBhaibheri, uye vaviri vakazoshandiswa sei muungano yechiKristu? (Mat. 13:55; Mab. 12:17; 15:6, 13; 21:18; VaG. 1:19; Jak. 1:1; Jud. 1)

Nhau 88

Johane Anobhapatidza Jesu

  1. Varume vaviri vari pamufananidzo ndivanaani?

  2. Munhu anobhabhatidzwa sei?

  3. Johane anowanzobhabhatidza vanaani?

  4. Chikonzero chipi chinokosha chinoita kuti Jesu akumbire Johane kuti amubhabhatidze?

  5. Mwari anoratidza sei kuti afarira kuti Jesu abhabhatidzwa?

  6. Chii chinoitika Jesu paanoenda kune imwe nzvimbo iri kwayo yoga kwemazuva 40?

  7. Ndevapi vamwe vevateveri vaJesu vokutanga, kana kuti vadzidzi, uye ndechipi chishamiso chake chokutanga?

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga Mateo 3:13-17.

    Muenzaniso wei wakaitwa naJesu wokubhabhatidzwa kwevadzidzi vake? (Pis. 40:7, 8; Mat. 28:19, 20; Ruka 3:21, 22)

  2. Verenga Mateo 4:1-11.

    Unyanzvi hwaJesu hwokushandisa Magwaro hunotikurudzira sei kudzidza Bhaibheri nguva dzose? (Mat. 4:5-7; 2 Pet. 3:17, 18; 1 Joh. 4:1)

  3. Verenga Johane 1:29-51.

    Johane Mubhabhatidzi anoti vadzidzi vake vaende kunaani, uye tingamutevedzera sei nhasi? (Joh. 1:29, 35, 36; 3:30; Mat. 23:10)

  4. Verenga Johane 2:1-12.

    Chishamiso chaJesu chokutanga chakaratidza sei kuti Jehovha haanyimi vashumiri Vake chero chinhu chipi chakanaka? (Joh. 2:9, 10; Pis. 84:11; Jak. 1:17)

Nhau 89

Jesu Anochenura Tembere

  1. Nei mhuka dziri kutengeswa patembere?

  2. Chii chinogumbura Jesu?

  3. Sezvaunogona kuona pamufananidzo, Jesu anoitei, uye anorayira varume vari kutengesa njiva kuti chii?

  4. Vateveri vaJesu pavanoona zvaari kuita vanoyeuchidzwa nezvei?

  5. Jesu anofamba nomuruwa rupi pakudzokera kuGarireya?

Mubvunzo wokuwedzera:

  1. Verenga Johane 2:13-25.

    Tichifunga nezvehasha dzaJesu pamusoro pevaichinja mari mutembere, ndeapi maonero akakodzera emabasa ezvokutengeserana muImba yoUmambo? (Joh. 2:15, 16; 1 VaK. 10:24, 31-33)

Nhau 90

Nomukadzi Patsime

  1. Nei Jesu amira pedyo netsime riri muSamaria, uye ari kutii kumukadzi aripo?

  2. Nei mukadzi wacho ashamiswa, Jesu anotii kwaari, uye nei?

  3. Mukadzi wacho anofunga kuti Jesu ari kutaura pamusoro pemvura yorudzii, asi ari kureva mvura ipi chaizvoizvo?

  4. Nei mukadzi wacho ashamiswa nezvinozivikanwa naJesu pamusoro pake, uye akawana sei mashoko aya?

  5. Tingadzidza zvidzidzoi munhoroondo yomukadzi ari patsime?

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga Johane 4:5-43.

    1. Tichitevera muenzaniso waJesu, tinofanira kuratidza mafungiro api kuvanhu vemamwe marudzi kana kuti vanobva kwakasiyana nesu? (Joh. 4:9; 1 VaK. 9:22; 1 Tim. 2:3, 4; Tito 2:11)

    2. Zvikomborero zvipi zvokunamata zvinowanikwa nomunhu anova mudzidzi waJesu? (Joh. 4:14; Isa. 58:11; 2 VaK. 4:16)

    3. Tingaratidza sei kuonga kwakafanana nokuya kwomukadzi wokuSamaria, aida zvikuru kuudza vamwe zvaakanga adzidza? (Joh. 4:7, 28; Mat. 6:33; Ruka 10:40-42)

Nhau 91

Jesu Anodzidzisa Pagomo

  1. Mumufananidzo, Jesu ari kudzidzisa ari kupi, uye ndivanaani vagere pedyo zvikuru naye?

  2. Vaapostora 12 vanonzi vanaani?

  3. Umambo huri kuparidzirwa nezvahwo naJesu chii?

  4. Jesu anodzidzisa vanhu kunyengetererei?

  5. Jesu anoti vanhu vanofanira kubatana sei?

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga Mateo 5:1-12.

    Tingaratidza munzira dzipi kuti tinoziva zvinodiwa zvedu zvomudzimu? (Mat. 5:3; VaR. 10:13-15; 1 Tim. 4:13, 15, 16)

  2. Verenga Mateo 5:21-26.

    Mateo 5:23, 24 inosimbisa sei kuti ukama hwedu nehama dzedu hune zvahunoita paukama hwedu naJehovha? (Mat. 6:14, 15; Pis. 133:1; VaK. 3:13; 1 Joh. 4:20)

  3. Verenga Mateo 6:1-8.

    VaKristu vanofanira kudzivisa mamwe marudzi api okuzviruramisa? (Ruka 18:11, 12; 1 VaK. 4:6, 7; 2 VaK. 9:7)

  4. Verenga Mateo 6:25-34.

    Jesu akadzidzisei pamusoro pokudiwa kwokuvimba naJehovha kuti atipe zvinhu zvatinoda? (Eks. 16:4; Pis. 37:25; VaF. 4:6)

  5. Verenga Mateo 7:1-11.

    Muenzaniso wakajeka uri pana Mateo 7:5 unotidzidzisei? (Zvir. 26:12; VaR. 2:1; 14:10; Jak. 4:11, 12)

Nhau 92

Jesu Anomutsa Vakafa

  1. Baba vomusikana ari pamufananidzo ndiani, uye nei ivo nomudzimai wavo vari kunetseka zvikuru?

  2. Jairosi anoitei paanowana Jesu?

  3. Chii chinoitika Jesu paanoenda kumba kwaJairosi, uye Jairosi anogamuchira shoko rokuti chii ari munzira?

  4. Nei vanhu vari mumba maJairosi vachiseka Jesu?

  5. Apinza vaapostora vatatu uye baba namai vomusikana mukamuri romusikana wacho, Jesu anoitei?

  6. Ndianizve mumwe amutswa kuvakafa naJesu, uye izvi zvinoratidzei?

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga Ruka 8:40-56.

    Jesu akaratidza sei tsitsi uye kunzwisisa kumukadzi aibuda ropa, uye vakuru vechiKristu nhasi vanodzidzei pane izvi? (Ruka 8:43, 44, 47, 48; Revh. 15:25-27; Mat. 9:12, 13; VaK. 3:12-14)

  2. Verenga Ruka 7:11-17.

    Nei vaya vakafirwa nevadiwa vavo vanganyaradzwa zvikuru nemhinduro yechirikadzi yokuNaini? (Ruka 7:13; 2 VaK. 1:3, 4; VaH. 4:15)

  3. Verenga Johane 11:17-44.

    Jesu akaratidza sei kuti kuchema pamusoro pokufa kwomudiwa kunowanzoitika? (Joh. 11:33-36, 38; 2 Sam. 18:33; 19:1-4)

Nhau 93

Jesu Anodyisa Vanhu Vazhinji

  1. Chinhu chipi chakaipa chaitika kuna Johane Mubhabhatidzi, uye chinoita kuti Jesu anzwe sei?

  2. Jesu anodyisa sei mapoka evanhu amutevera, uye kwasara zvokudya zvakawanda zvakadini?

  3. Nei vadzidzi vari kutya munguva yousiku, uye chii chinoitika kuna Petro?

  4. Jesu anodyisa sei zviuru zvevanhu kechipiri?

  5. Nei zvichava zvakaisvonaka Jesu paanotonga pasi saMambo waMwari?

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga Mateo 14:1-32.

    1. Nhoroondo iri pana Mateo 14:23-32 inoita kuti tinzwisise chii nezvounhu hwaPetro?

    2. Magwaro akanyorwa anoratidza sei kuti Petro akakura ndokukurira maitiro ake okuita zvinhu asina kumbonyatsofunga? (Mat. 14:27-30; Joh. 18:10; 21:7; Mab. 2:14, 37-40; 1 Pet. 5:6, 10)

  2. Verenga Mateo 15:29-38.

    Jesu akaratidza sei kuremekedza zvinhu zvinobva kuna Baba vake? (Mat. 15:37; Joh. 6:12; VaK. 3:15)

  3. Verenga Johane 6:1-21.

    Nhasi vaKristu vangatevera sei muenzaniso waJesu pakureva nezvehurumende? (Joh. 6:15; Mat. 22:21; VaR. 12:2; 13:1-4)

Nhau 94

Anoda Vana Vaduku

  1. Vaapostora vari kuitirana nharo dzei pavanenge vachidzoka kubva parwendo rurefu?

  2. Nei Jesu achidana mwana muduku omumisa pakati pevaapostora vake?

  3. Vaapostora vanofanira kudzidza kuva sevana munzira ipi?

  4. Mwedzi mishomanana gare gare, Jesu anoratidza sei kuti anoda vana?

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga Mateo 18:1-4.

    Nei Jesu akashandisa mienzaniso pakudzidzisa? (Mat. 13:34, 36; Marko 4:33, 34)

  2. Verenga Mateo 19:13-15.

    Tinofanira kutevedzera unhu hupi hwevana vaduku kana tichizowana zvikomborero zvoUmambo? (Pis. 25:9; 138:6; 1 VaK. 14:20)

  3. Verenga Marko 9:33-37.

    Jesu akadzidzisei vadzidzi vake pamusoro pokuda nzvimbo dzakakurumbira? (Marko 9:35; Mat. 20:25, 26; VaG. 6:3; VaF. 2:5-8)

  4. Verenga Marko 10:13-16.

    Jesu akanga ari munhu akasununguka zvakadini, uye vakuru vechiKristu vangadzidzei pamuenzaniso wake? (Marko 6:30-34; VaF. 2:1-4; 1 Tim. 4:12)

Nhau 95

Madzidzisire Anoita Jesu

  1. Mumwe murume anobvunza Jesu mubvunzo upi, uye nei?

  2. Pane dzimwe nguva Jesu anoshandisei pakudzidzisa, uye tatodzidzei nezvevaJudha nevaSamaria?

  3. Munhau inotaurwa naJesu, chii chinoitika kumuJudha ari kufamba munzira achienda kuJeriko?

  4. Chii chinoitika muprista wechiJudha nomuRevhi pavanopfuura nomunzira yacho?

  5. Mumufananidzo, ndiani ari kubatsira muJudha akuvadzwa?

  6. Jesu apedza nhau yacho, anobvunza kuti chii, uye murume wacho anopindura sei?

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga Ruka 10:25-37.

    1. Pane kupindura zvakananga, Jesu akabatsira sei mumwe murume anoziva Mutemo kuti afungisise pane imwe nyaya? (Ruka 10:26; Mat. 16:13-16)

    2. Jesu akashandisa sei mienzaniso kuti akurire rusaruro pavateereri vake? (Ruka 10:36, 37; 18:9-14; Tito 1:9)

Nhau 96

Jesu Anoporesa Varwere

  1. Jesu anoitei sezvaanofamba nenyika yose?

  2. Makore matatu pashure pokunge Jesu abhabhatidzwa, anoudza vadzidzi vake chii?

  3. Vanhu vari pamufananidzo ndivanaani, uye Jesu anoitei kumukadzi?

  4. Nei zvinoitwa naJesu pane zvakarambwa nevatungamiriri vechitendero zvichivanyadzisa?

  5. Jesu nevadzidzi vake pavanova pedyo neJeriko, Jesu anoitei kumapofu maviri anopemha?

  6. Nei Jesu achiita zvishamiso?

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga Mateo 15:30, 31.

    Kuratidzwa kupi kwesimba raJehovha kunoshamisa kunooneka muna Jesu, uye zvinofanira kuitei pamanzwisisiro atinoita zvipikirwa zvaJehovha nokuda kwenyika itsva? (Pis. 37:29; Isa. 33:24)

  2. Verenga Ruka 13:10-17.

    Chokwadi chokuti Jesu akaita zvimwe zvishamiso zvakakurumbira zvikuru paSabata chinoratidza sei rumwe ruyamuro rwaachaunzira vanhu muKutonga Kwemakore Ane Chiuru? (Ruka 13:10-13; Pis. 46:9; Mat. 12:8; VaK. 2:16, 17; Zvak. 21:1-4)

  3. Verenga Mateo 20:29-34.

    Nhoroondo iyi inoratidza sei kuti Jesu akanga asina kunyanya kubatikana zvokusagona kubatsira vanhu, uye tingadzidzei pane izvi? (Dheut. 15:7; Jak. 2:15, 16; 1 Joh. 3:17)

Nhau 97

Jesu Anouya saMambo

  1. Jesu paanouya mumusha muduku uri pedyo neJerusarema, anoudza vadzidzi vake kuitei?

  2. Pamufananidzo, chii chinoitika Jesu paanosvika pedyo neguta reJerusarema?

  3. Vana vaduku vanoitei pavanoona Jesu achiporesa mapofu uye vakaremara?

  4. Jesu anotii kuvaprista vakatsamwa?

  5. Tingaita sei sevana vairumbidza Jesu?

  6. Vadzidzi vanoda kuzivei?

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga Mateo 21:1-17.

    1. Kupinda kwaJesu muJerusarema saMambo kwakasiyana sei nokwevatungamiriri vanokunda vomunguva yeRoma? (Mat. 21:4, 5; Zek. 9:9; VaF. 2:5-8; VaK. 2:15)

    2. Vechiduku vanogona kudzidzei pavakomana vechiIsraeri vanotaura zviri muPisarema 118 Jesu paakapinda mutembere? (Mat. 21:9, 15; Pis. 118:25, 26; 2 Tim. 3:15; 2 Pet. 3:18)

  2. Verenga Johane 12:12-16.

    Kushandisa mapazi emichindwe kwakaitwa nevanhu vachirumbidza Jesu kwaifananidzirei? (Joh. 12:13; VaF. 2:10; Zvak. 7:9, 10)

Nhau 98

PaGomo reMiorivhi

  1. Mumufananidzo, Jesu ndoupi, uye ndivanaani vaanavo?

  2. Vaprista vakaedza kuitei kuna Jesu mutembere, uye iye akatii kwavari?

  3. Vaapostora vanobvunza chii kuna Jesu?

  4. Nei Jesu achiudza vaapostora vake zvimwe zvezvinhu zvichaitika pasi pano paanenge achitonga saMambo kudenga?

  5. Jesu anoti chii chichaitika asati agumisa uipi hwose pasi pano?

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga Mateo 23:1-39.

    1. Kunyange zvazvo Magwaro achiratidza kuti kushandiswa kwemazita okuremekedza kungava kwakakodzera, mashoko aJesu ari pana Mateo 23:8-11 anoratidzei maererano nokushandiswa kwemazita ounyengeri muungano yechiKristu? (Mab. 26:25; VaR. 13:7; 1 Pet. 2:13, 14)

    2. VaFarisi vakashandisei kuedza kuita kuti vanhu vasava vaKristu, uye vatungamiriri vechitendero vakashandisa sei nzira dzakafanana mumazuva ano? (Mat. 23:13; Ruka 11:52; Joh. 9:22; 12:42; 1 VaT. 2:16)

  2. Verenga Mateo 24:1-14.

    1. Kukosha kwokutsungirira kunosimbiswa sei pana Mateo 24:13?

    2. Shoko rokuti “kuguma” riri pana Mateo 24:13 rinorevei? (Mat. 16:27; VaR. 14:10-12; 2 VaK. 5:10)

  3. Verenga Mako 13:3-10.

    Mashoko api ari pana Marko 13:10 anoratidza kudiwa kwokukurumidza kuparidza mashoko akanaka, uye mashoko aJesu anofanira kuita kuti tinzwe sei? (VaR. 13:11, 12; 1 VaK. 7:29-31; 2 Tim. 4:2)

Nhau 99

Mukamuri Rapamusoro

  1. Sezvinoratidzwa mumufananidzo, nei Jesu nevaapostora vake 12 vari mukamuri guru repamusoro?

  2. Murume ari kubuda uyo ndiani, uye achaitei?

  3. Jesu anotanga kudya kunokosha kupi pashure pokupedza kudya Paseka?

  4. Paseka yaiyeuchidza vaIsraeri nezvechiitiko chipi, uye kudya kunokosha uku kunoyeuchidza vateveri vaJesu nezvei?

  5. Pashure poKudya Kwashe Kwemanheru, Jesu anoudzei vateveri vake, uye vanoitei?

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga Mateo 26:14-30.

    1. Mateo 26:15 inoratidza sei kuti kutengesa Jesu kwakaita Judhasi kwaiva kwemaune?

    2. Zvinangwa zvipi zviviri zvinoitwa neropa raJesu rakadeurwa? (Mat. 26:27, 28; Jer. 31:31-33; VaEf. 1:7; VaH. 9:19, 20)

  2. Verenga Ruka 22:1-39.

    Satani akapinda muna Judhasi mupfungwa ipi? (Ruka 22:3; Joh. 13:2; Mab. 1:24, 25)

  3. Verenga Johane 13:1-20.

    1. Nemhaka yezvinotaurwa pana Johane 13:2, Judhasi angashorwa here nokuda kwezvaakaita, uye vashumiri vaMwari vangadzidzei pane izvi? (Gen. 4:7; 2 VaK. 2:11; VaG. 6:1; Jak. 1:13, 14)

    2. Muenzaniso upi unooneka une simba wakaratidzwa naJesu? (Joh. 13:15; Mat. 23:11; 1 Pet. 2:21)

  4. Verenga Johane 17:1-26.

    Jesu akanyengeterera vateveri vake kuti “vave vamwe” mupfungwa ipi? (Joh. 17:11, 21-23; VaR. 13:8; 14:19; VaK. 3:14)

Nhau 100

Jesu Ari Mubindu

  1. Jesu nevaapostora vake vanoenda kupi pashure pokubva mukamuri repamusoro, uye anovaudza kuti vaitei?

  2. Jesu anowanei paanodzoka kune vaapostora, uye izvi zvinoitika kangani?

  3. Ndiani anopinda mubindu, uye Judhasi Iskarioti anoitei, sezvinoratidzwa mumufananidzo?

  4. Nei Judhasi achitsvoda Jesu, uye Petro anoitei?

  5. Jesu anotii kuna Petro, asi nei Jesu asingakumbiri Mwari kuti amutumire chero ngirozi dzipi zvadzo?

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga Mateo 26:36-56.

    1. Nzira iyo Jesu akapa nayo vadzidzi vake zano muenzaniso wakanaka sei kuvakuru vechiKristu nhasi? (Mat. 20:25-28; 26:40, 41; VaG. 5:17; VaEf. 4:29, 31, 32)

    2. Jesu aiona sei kushandiswa kwezvombo kurwisa mumwe munhu? (Mat. 26:52; Ruka 6:27, 28; Joh. 18:36)

  2. Verenga Ruka 22:39-53.

    Ngirozi payakazviratidza kuna Jesu mubindu reGetsemani kuti imusimbise, izvi zvakaratidza kuti Jesu akanga ava kuzununguka mukutenda kwake here? Tsanangura. (Ruka 22:41-43; Isa. 49:8; Mat. 4:10, 11; VaH. 5:7)

  3. Verenga Johane 18:1-12.

    Jesu akadzivirira sei vadzidzi vake pavashori vake, uye tingadzidzei pamuenzaniso uyu? (Joh. 10:11, 12; 18:1, 6-9; VaH. 13:6; Jak. 2:25)

Nhau 101

Jesu Anourawa

  1. Ndiani anyanya kukonzera rufu rwaJesu?

  2. Vaapostora vanoitei panotorwa Jesu nevatungamiriri vechitendero?

  3. Chii chinoitika kumba kwaKayafasi, muprista mukuru?

  4. Nei Petro achienda kure obva achema?

  5. Jesu adzorerwa kuna Pirato, vaprista vakuru vanodanidzira kuti kudini?

  6. Chii chinoitika kuna Jesu kumavambo kwemasikati eChishanu, uye anopikirei kumuiti wezvakaipa akarembera padanda parutivi pake?

  7. Paradhiso yakataurwa naJesu ichava kupi?

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga Mateo 26:57-75.

    Nhengo dzedare repamusoro rechiJudha dzakaratidza kuti mwoyo yavo yakanga yakaipa munzira ipi? (Mat. 26:59, 67, 68)

  2. Verenga Mateo 27:1-50.

    Nei tichigona kutaura kuti kuzvidemba kwaJudhasi kwakanga kusiri kwechokwadi? (Mat. 27:3, 4; Marko 3:29; 14:21; 2 VaK. 7:10, 11)

  3. Verenga Ruka 22:54-71.

    Tingadzidzei kubva mukuramba Jesu kwakaita Petro usiku hwaakatengeswa uye hwaakasungwa? (Ruka 22:60-62; Mat. 26:31-35; 1 VaK. 10:12)

  4. Verenga Ruka 23:1-49.

    Jesu akaita sei nokusaruramisirwa kwaakaitwa, uye tinodzidzei pane izvi? (Ruka 23:33, 34; VaR. 12:17-19; 1 Pet. 2:23)

  5. Verenga Johane 18:12-40.

    Chii chinoratidzwa nechokwadi chokuti kunyange zvazvo Petro akambotya munhu kwenguva duku, akazova muapostora ane muenzaniso wakanaka? (Joh. 18:25-27; 1 VaK. 4:2; 1 Pet. 3:14, 15; 5:8, 9)

  6. Verenga Johane 19:1-30.

    1. Jesu aiva nemaonero api epakati nepakati ezvinhu zvokunyama? (Joh. 2:1, 2, 9, 10; 19:23, 24; Mat. 6:31, 32; 8:20)

    2. Mashoko akataurwa naJesu paakanga ava kufa aiva sei okuzivisa kukunda kuti iye akanga atsigira uchangamire hwaJehovha? (Joh. 16:33; 19:30; 2 Pet. 3:14; 1 Joh. 5:4)

Nhau 102

Jesu Mupenyu

  1. Ndiani mukadzi ari mumufananidzo, varume vaviri avo ndivanaani, uye vari pai?

  2. Nei Pirato achiudza vaprista kutumira masoja kuti anorinda guva raJesu?

  3. Ngirozi inoitei mangwanani-ngwanani ezuva rechitatu Jesu afa, asi vaprista vanoitei?

  4. Nei vamwe vakadzi vachishamiswa pavanoshanyira guva raJesu?

  5. Nei Petro naJohane vachimhanyira kuguva raJesu, uye vanowanei?

  6. Chii chakaitika kumuviri waJesu, asi chii chaanoita kuti aratidze vadzidzi kuti mupenyu?

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga Mateo 27:62-66 uye 28:1-15.

    Panguva yokumuka kwaJesu, vaprista vakuru, vaFarisi, uye varume vakuru vakatadzira sei mudzimu mutsvene? (Mat. 12:24, 31, 32; 28:11-15)

  2. Verenga Ruka 24:1-12.

    Nhoroondo yokumuka kwaJesu inoratidza sei kuti Jehovha anoona vakadzi sezvapupu zvakavimbika? (Ruka 24:4, 9, 10; Mat. 28:1-7)

  3. Verenga Johane 20:1-12.

    Johane 20:8, 9 inotibatsira sei kuona kudiwa kwokushivirira kana tisinganyatsonzwisisi kuzadzika kwouprofita hweBhaibheri? (Zvir. 4:18; Mat. 17:22, 23; Ruka 24:5-8; Joh. 16:12)

Nhau 103

Anopinda Mukamuri Rakakiiwa

  1. Maria anotii kumurume waanofunga kuti murimi webindu, asi chii chinoita kuti azive kuti ndiJesu chaiye?

  2. Chii chinoitika kuvadzidzi vaviri vari kuenda kumusha weEmausi?

  3. Chinhu chinoshamisa chipi chinoitika apo vadzidzi vanotaurira vaapostora kuti vaona Jesu?

  4. Jesu aoneka kangani kuvateveri vake?

  5. Tomasi anotii paanonzwa kuti vadzidzi vaona Ishe, asi chii chinoitika mazuva masere gare gare?

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga Johane 20:11-29.

    Pana Johane 20:23, Jesu akanga achitaura kuti vanhu vanobvumirwa kukanganwira zvivi here? Tsanangura. (Pis. 49:2, 7; Isa. 55:7; 1 Tim. 2:5, 6; 1 Joh. 2:1, 2)

  2. Verenga Ruka 24:13-43.

    Tingagadzirira sei mwoyo wedu kuti ugamuchire chokwadi cheBhaibheri? (Ruka 24:32, 33; Ezra 7:10; Mat. 5:3; Mab. 16:14; VaH. 5:11-14)

Nhau 104

Jesu Anodzokera Kudenga

  1. Vadzidzi vangani vanoona Jesu pane imwe nguva, uye anotaura nezvei kwavari?

  2. Umambo hwaMwari chii, uye upenyu pasi pano huchange hwakadini Jesu paanotonga saMambo kwemakore ane chiuru?

  3. Jesu ave achioneka kuvadzidzi vake kwemazuva mangani, asi zvino yava nguva yokuti aitei?

  4. Asati asiya vadzidzi vake, Jesu anovaudza kuti vaitei?

  5. Chii chiri kuitika mumufananidzo, uye Jesu anovanzwa sei kuti asaoneka?

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga 1 VaKorinte 15:3-8.

    Nei muapostora Pauro aigona kutaura nechivimbo kwazvo nezvokumuka kwaJesu, uye nhasi zvinhu zvipi izvo vaKristu vanogona kutaura nechivimbo? (1 VaK. 15:4, 7, 8; Isa. 2:2, 3; Mat. 24:14; 2 Tim. 3:1-5)

  2. Verenga Mabasa 1:1-11.

    Basa rokuparidza rakapararira zvakadini, sezvakafanotaurwa pana Mabasa 1:8? (Mab. 6:7; 9:31; 11:19-21; VaK. 1:23)

Nhau 105

Vanomirira muJerusarema

  1. Sezvinoratidzwa nomufananidzo, chii chinoitika kuvadzidzi vaJesu vanga vakamirira muJerusarema?

  2. Vakashanyira Jerusarema vanoshamiswa nei?

  3. Petro anotsanangura chii kuvanhu?

  4. Vanhu vanonzwa sei pashure pokuteerera Petro, uye anovaudza kuti vaitei?

  5. Vanhu vangani vanobhabhatidzwa pazuva iroro rePentekosta ya33 C.E.?

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga Mabasa 2:1-47.

    1. Mashoko aPetro anowanika pana Mabasa 2:23, 36 anoratidza sei kuti rudzi rwose rwechiJudha rwaivawo nemhaka yokuuraya Jesu? (1 VaT. 2:14, 15)

    2. Petro akaratidza sei muenzaniso wakanaka wokurangarira muMagwaro? (Mab. 2:16, 17, 29, 31, 36, 39; VaK. 4:6)

    3. Petro akashandisa sei ‘kiyi dzoumambo hwokumatenga,’ dzaakanga avimbiswa kupiwa naJesu? (Mab. 2:14, 22-24, 37, 38; Mat. 16:19)

Nhau 106

Vanosunungurwa Mutorongo

  1. Chii chinoitika kuna Petro naJohane mamwe masikati pavari kupinda mutemberi?

  2. Petro anotii kumurume akaremara, uye Petro anomupa chii chinokosha kupfuura mari?

  3. Nei vatungamiriri vechitendero vatsamwa, uye vanoitei kuna Petro naJohane?

  4. Petro anotii kuvatungamiriri vechitendero, uye vaapostora vanoyambirwa kuti chii?

  5. Nei vatungamiriri vechitendero vaine godo, asi chii chinoitika vaapostora pavanoiswa mutorongo kechipiri?

  6. Vaapostora vanopindura sei pavanounzwa muimba yeSanihedrini?

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga Mabasa 3:1-10.

    Kunyange zvazvo tisina kupiwa simba rokuita zvishamiso nhasi, mashoko aPetro akanyorwa pana Mabasa 3:6 anotibatsira sei kuonga kukosha kweshoko roUmambo? (Joh. 17:3; 2 VaK. 5:18-20; VaF. 3:8)

  2. Verenga Mabasa 4:1-31.

    Patinoshorwa muushumiri, tinofanira kutevedzera hama dzedu dzechiKristu dzomuzana remakore rokutanga munzira ipi? (Mab. 4:29, 31; VaEf. 6:18-20; 1 VaT. 2:2)

  3. Verenga Mabasa 5:17-42.

    Vanhu vasiri Zvapupu, vekare nevemazuva ano, vakaratidza sei kunzwisisa kana totaura nezvebasa rokuparidza? (Mab. 5:34-39)

Nhau 107

Stefano Anotakwa Namabwe

  1. Stefano ndiani, uye Mwari ave achimubatsira kuitei?

  2. Stefano anotaurei zvinotsamwisa vatungamiriri vechitendero?

  3. Varume pavanozvuzvurudzira Stefano kunze kweguta, vanoitei kwaari?

  4. Mumufananidzo, murume muduku akamira pedyo nenguo ndiani?

  5. Asati afa, Stefano anonyengetera kutii kuna Jehovha?

  6. ITichitevedzera Stefano, chii chatinofanira kuita apo mumwe munhu anotiitira chinhu chakaipa?

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga Mabasa 6:8-15.

    Mabasa api ounyengeri ave achishandiswa nevatungamiriri vechitendero kuedza kumisa basa rokuparidza reZvapupu zvaJehovha? (Mab. 6:9, 11, 13)

  2. Verenga Mabasa 7:1-60.

    1. Chii chakabatsira Stefano kuti abudirire mukudzivirira mashoko akanaka pamberi peSanihedrini, uye tingadzidzei mumuenzaniso wake? (Mab. 7:51-53; VaR. 15:4; 2 Tim. 3:14-17; 1 Pet. 3:15)

    2. Tinofanira kuva nemaonero api kune vanoshora basa redu? (Mab. 7:58-60; Mat. 5:44; Ruka 23:33, 34)

Nhau 108

Pamugwagwa wokuDhamasiko

  1. Sauro anoitei pashure pokuurayiwa kwaStefano?

  2. Chinhu chipi chinoshamisa chinoitika Sauro paari munzira kuenda kuDhamasiko?

  3. Jesu anoudza Sauro kuitei?

  4. Jesu anopa Ananiasi mirayiridzo ipi, uye Sauro anogona sei kuonazve?

  5. Sauro anozivikanwa nezita ripi, uye anoshandiswa sei?

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga Mabasa 8:1-4.

    Kutambudzwa kwakaitwa ungano yechiKristu yakanga ichangobva kuumbwa kwakangoerekana kwavapo, kwakabatsira sei kuparadzira kutenda kwechiKristu, uye chinhu chipi chakafanana chakaitika mumazuva ano? (Mab. 8:4; Isa. 54:17)

  2. Verenga Mabasa 9:1-20.

    Jesu akazivisa kuti aifunga nezvemabasa api matatu nokuda kwaSauro? (Mab. 9:15; 13:5; 26:1; 27:24; VaR. 11:13)

  3. Verenga Mabasa 22:6-16.

    Isu tingafanana sei naAnaniasi, uye nei izvozvo zvichikosha? (Mab. 22:12; 1 Tim. 3:7; 1 Pet. 1:14-16; 2:12)

  4. Verenga Mabasa 26:8-20.

    Kutendeukira kwaSauro kuchiKristu kwaizova sei kurudziro kune vaya vane vavakaroorana navo vasingatendi nhasi? (Mab. 26:11; 1 Tim. 1:14-16; 2 Tim. 4:2; 1 Pet. 3:1-3)

Nhau 109

Petro Anoshanyira Kornerio

  1. Murume akapfugama ari pamufananidzo ndiani?

  2. Ngirozi inotii kuna Kornerio?

  3. Mwari anoita kuti Petro aonei paanova padenga reimba yaSimoni muJopa?

  4. Nei Petro achiudza Kornerio kuti haafaniri kupfugama omunamata?

  5. Nei vadzidzi vechiJudha vakauya naPetro vachishamiswa?

  6. Tinofanira kudzidzei chinokosha mukushanyira Kornerio kwakaita Petro?

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga Mabasa 10:1-48.

    Mashoko aPetro ari pana Mabasa 10:42 anoratidzirei pamusoro pebasa rokuparidza mashoko akanaka oUmambo? (Mat. 28:19; Marko 13:10; Mab. 1:8)

  2. Verenga Mabasa 11:1-18.

    Petro akaratidza mafungiro api kutungamirira kwaJehovha pakwakava pachena maererano neVemamwe Marudzi, uye tingatevedzera sei muenzaniso wake? (Mab. 11:17, 18; 2 VaK. 10:5; VaEf. 5:17)

Nhau 110

Timoti—Mubetseri Mutsva waPauro

  1. Jaya riri pamufananidzo ndiani, rinogara kupi, uye amai naambuya vake vanonzi vanaani?

  2. Timotio anoti kudini Pauro paanomubvunza kana achida kubatana naSirasi naPauro mukuparidzira vanhu vari kure?

  3. Vateveri vaJesu vanotanga kunzi vaKristu kupi?

  4. Pavakangobva muRistra, Pauro, Sirasi, naTimotio vakashanyira mamwe maguta api?

  5. Timotio anobatsira sei Pauro, uye vechiduku vanofanira kuzvibvunza mubvunzo upi nhasi?

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga Mabasa 9:19-30.

    Muapostora Pauro akaratidza sei kuchenjera paakashorwa nokuda kwemashoko akanaka? (Mab. 9:22-25, 29, 30; Mat. 10:16)

  2. Verenga Mabasa 11:19-26.

    Nhoroondo yakanyorwa pana Mabasa 11:19-21, 26 inoratidza sei kuti mudzimu waJehovha uri kutungamirira basa rokuparidza?

  3. Verenga Mabasa 13:13-16, 42-52.

    Mabasa 13:51, 52 inoratidza sei kuti vadzidzi havana kubvumira kushorwa kuti kuvaodze mwoyo? (Mat. 10:14; Mab. 18:6; 1 Pet. 4:14)

  4. Verenga Mabasa 14:1-6, 19-28.

    Kutaura kwokuti ‘vakavaisa kuna Jehovha’ kunotibatsira sei kutibvisira chero kunetseka kupi zvakwo kusina kufanira sezvatinobatsira vatsva? (Mab. 14:21-23; 20:32; Joh. 6:44)

  5. Verenga Mabasa 16:1-5.

    Kubvuma kudzingiswa kwaTimotio kwakasimbisa sei kukosha kwokuita ‘zvinhu zvose nokuda kwemashoko akanaka’? (Mab. 16:3; 1 VaK. 9:23; 1 VaT. 2:8)

  6. Verenga Mabasa 18:1-11, 18-22.

    Mabasa 18:9, 10 inoratidzei pamusoro pokubatanidzwa kwaJesu mukutungamirira basa rokuparidza, uye zvinotipa chivimbo chei nhasi? (Mat. 28:20)

Nhau 111

Mukomana Akabatwa Nehope

  1. Mumufananidzo, mukomana avete pasi ndiani, uye chii chaitika kwaari?

  2. Pauro anoitei paanoona kuti mukomana wacho afa?

  3. Pauro, Timotio, uye vamwe vari kufamba navo vari kuenda kupi, uye chii chinoitika pavanomira paMireto?

  4. Muprofita Agabhasi anoyambira Pauro nezvechii, uye izvi zvinoitika sei sokungotaura kwaita muprofita wacho?

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga Mabasa 20:7-38.

    1. Tingaramba sei ta“kachena paropa ravanhu vose,” maererano nemashoko aPauro akanyorwa pana Mabasa 20:26, 27? (Ezek. 33:8; Mab. 18:6, 7)

    2. Nei vakuru vachifanira ‘kubatisisa shoko rakatendeka’ pavanenge vachidzidzisa? (Mab. 20:17, 29, 30; Tito 1:7-9; 2 Tim. 1:13)

  2. Verenga Mabasa 26:24-32.

    Pauro akashandisa sei kuva kwake chizvarwa cheRoma kuti aite basa rokuparidza raakanga apiwa naJesu? (Mab. 9:15; 16:37, 38; 25:11, 12; 26:32; Ruka 21:12, 13)

Nhau 112

Chikepe Chinovhunika Pachiwi

  1. Chii chinoitika kuigwa rina Pauro parinopfuura pedyo nechiwi cheKrete?

  2. Pauro anotii kune vaya vari muigwa?

  3. Igwa rinovhunika-vhunika sei?

  4. Mukuru weuto anotarisira anopa mirayiridzo yokutii, uye vanhu vangani vanosvika kumhenderekedzo vakachengeteka?

  5. Chiwi chavanoburukira pachiri chinonzii, uye chii chinoitika kuna Pauro mamiriro okunze paanodzikama?

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga Mabasa 27:1-44.

    Kuvimba kwedu nokururama kwenhoroondo yeBhaibheri kunosimbiswa sei patinoverenga nhoroondo yorwendo rwokufamba nechikepe rwaPauro achienda kuRoma? (Mab. 27:16-19, 27-32; Ruka 1:3; 2 Tim. 3:16, 17)

  2. Verenga Mabasa 28:1-14.

    Kana vanhu vechihedheni vaigara muMerita vakanzwa vachifanira kuitira muapostora Pauro neshamwari dzake dzaiva muchikepe chakavhunika ‘mutsa unoshamisa,’ vaKristu vanofanira kunzwa vachifanira kuratidzirei uye kunyanya munzira ipi? (Mab. 28:1, 2; VaH. 13:1, 2; 1 Pet. 4:9)

Nhau 113

Pauro Ari muRoma

  1. Pauro anoparidza kuna vanaani paanenge achiri musungwa muRoma?

  2. Mumufananidzo, mushanyi ari patafura ndiani, uye chii chaari kuitira Pauro?

  3. Epafrodhito ndiani, uye anoenda nechii paanodzokera kuFiripi?

  4. Nei Pauro achinyorera tsamba shamwari yake yepedyo, Firemoni?

  5. Pauro anoitei paanosunungurwa, uye chii chakazoitika kwaari?

  6. Jehovha anoshandisa ani kunyora mabhuku okupedzisira eBhaibheri, uye bhuku raZvakazarurwa rinozivisa nezvei?

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga Mabasa 28:16-31 uye VaFiripi 1:13.

    Pauro akashandisa sei nguva yake paainge ari mutorongo muRoma, uye kutenda kwake kwakasimba kwakaitei paungano yechiKristu? (Mab. 28:23, 30; VaF. 1:14)

  2. Verenga VaFiripi 2:19-30.

    Kutaura kupi kwokuonga kwakaitwa naPauro pamusoro paTimotio naEpafrodhito, uye tingatevedzera sei muenzaniso waPauro? (VaF. 2:20, 22, 25, 29, 30; 1 VaK. 16:18; 1 VaT. 5:12, 13)

  3. Verenga Firemoni 1-25.

    1. Chii chakaita kuti Pauro akurudzire Firemoni kuti aite zvakanga zvakakodzera, uye izvi zvingatungamirira sei vakuru nhasi? (Fir. 9; 2 VaK. 8:8; VaG. 5:13)

    2. Kutaura kwaPauro kuri pana Firemoni 13, 14 kunoratidza sei kuti airemekedza hana dzevamwe vari muungano? (1 VaK. 8:7, 13; 10:31-33)

  4. Verenga 2 Timotio 4:7-9.

    Kufanana nomuapostora Pauro, tingava sei nechivimbo chokuti Jehovha achatipa mubayiro kana tikaramba takatendeka kusvikira kumugumo? (Mat. 24:13; VaH. 6:10)

Nhau 114

Mugumo Woushati Hwose

  1. Nei Bhaibheri richitaura nezvokuti mudenga mune mabhiza?

  2. Hondo yaMwari yokurwisa vanhu vakaipa pasi pano inonzii, uye hondo iyi ine chinangwa chei?

  3. Mumufananidzo uyu, ndiani achatungamirira mukurwa, nei akapfeka korona, uye bakatwa rake rinorevei?

  4. Tichifunga nezveNhau 10, 15, ne33, nei tisingafaniri kushamiswa kuti Mwari achaparadza vanhu vakaipa?

  5. Nhau 36 ne76 dzinotiratidza sei kuti Mwari achaparadza vanhu vakashata kunyange zvazvo vachiti vanomunamata?

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga Zvakazarurwa 19:11-16.

    1. Magwaro anojekesa sei kuti Jesu Kristu ndiye mutasvi webhiza jena? (Zvak. 1:5; 3:14; 19:11; Isa. 11:4)

    2. Ropa rakasaswa panguo yokunze yaJesu rinosimbisa sei kuti kukunda kwake hakuna mubvunzo uye kwakakwana? (Zvak. 14:18-20; 19:13; Isa. 63:1-6)

    3. Ndivanaani vangangobatanidzwa mumauto anotevera Jesu akatasva bhiza rake jena? (Zvak. 12:7; 19:14; Mat. 25:31, 32)

Nhau 115

Paradhiso Itsva Pasi Pano

  1. Bhaibheri rinoratidza kuti tichava nemamiriroi ezvinhu muParadhiso yepasi?

  2. Bhaibheri rinopikirei vaya vachagara muParadhiso?

  3. Jesu achaona rini kuti kuchinja kunoshamisa kwaitika?

  4. Jesu paakanga ari pasi pano, akaitei kuratidza zvaaizoita saMambo woUmambo hwaMwari?

  5. Jesu nevaachatonga navo kudenga vachava nechokwadi chei pavanotonga pasi vari kudenga?

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga Zvakazarurwa 5:9, 10.

    Nei tichigona kuva nechivimbo chokuti vaya vanotonga pasi muKutonga kweMakore Ane Chiuru vachava madzimambo nevaprista vanonzwira tsitsi uye vazere nenyasha? (VaEf. 4:20-24; 1 Pet. 1:7; 3:8; 5:6-10)

  2. Verenga Zvakazarurwa 14:1-3.

    Kunyorwa kwezita raBaba nereGwayana pahuma dzevanhu vane 144 000 kunomirirei? (1 VaK. 3:23; 2 Tim. 2:19; Zvak. 3:12)

Nhau 116

Kurarama Kwatingaita Narini

  1. Tinofanira kuzivei kana tichizorarama nokusingaperi?

  2. Tingadzidza sei nezvaJehovha Mwari naJesu, sezvinoratidzwa nekasikana neshamwari dzako mumufananidzo uyu?

  3. Nderipi rimwe bhuku raunoona mumufananidzo, uye nei tichifanira kugara tichiriverenga?

  4. Kunze kwokudzidza nezvaJehovha naJesu, chiizve chimwe chinodiwa kuti tiwane upenyu husingaperi?

  5. Tinodzidzei muNhau 69?

  6. Muenzaniso wakanaka waSamueri muduku uri muNhau 55 unoratidzei?

  7. Tingatevera sei muenzaniso waJesu Kristu, uye kana tikadaro, tichange tichikwanisa kuitei munguva yemberi?

Mibvunzo yokuwedzera:

  1. Verenga Johane 17:3.

    Magwaro anoratidza sei kuti kuwana zivo yaJehovha Mwari naJesu Kristu kunoreva zvinopfuura kungoziva nomusoro chokwadi? (Mat. 7:21; Jak. 2:18-20; 1 Joh. 2:17)

  2. Verenga Pisarema 145:1-21.

    1. Ndezvipi zvimwe zvezvikonzero zvakawanda zvatinazvo zvokurumbidza Jehovha? (Pis. 145:8-11; Zvak. 4:11)

    2. Jehovha “une mwoyo wakanaka kuna vose” sei, uye izvi zvinofanira kuramba zvichitiswededza kwaari sei? (Pis. 145:9; Mat. 5:43-45)

    3. Kana tichida Jehovha nemwoyo yedu, tichakurudzirwa kuitei? (Pis. 119:171, 172, 175; 145:11, 12, 21)