Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Sumo

Sumo

“Ini ndakakurira mumusha muduku kuruwa rwokuchamhembe,” anotaura kudaro Dauda wekuSierra Leone. “Pane imwe nhambo, apo ndakanga ndiri mukomana, pakanga pane kakavadzano yomunda pakati pemhuri yedu neimwe mhuri. Dzose dziri mbiri dzaida munda mumwe chetewo. Kuti nhau igadzikiswe, n’anga yakadanwa. Iyo yakapa mumwe murume chionioni, dzokonokei yomufukidza nejira jena. Nokukurumidza murume akafukidzwa nejira akavamba kudedera nokubuda ziya. Sezvaakatarira muchionioni, iye akadanidzira, achiti: ‘Ndinoona mukweguru achisvika! Iye akapfeka nguvo chena. Iye murefu uye akwegura, ane imvi, uye iye anofamba akati kukuvarei.’

“Iye akanga achirondedzera Sekuru! Iye ipapo akava anobatwa nokutya ndokudanidzira, kuti: ‘Kana musingadaviri zvandinoreva, uyai muzvionere mumene!’ Chokwadika, hapana nomumwe wedu akanga ane ushingi hwokuita izvozvo! N’anga yakamuteramisa kupfurikidza nokusasa paari musanganiswa womushonga wamashizha nemvura, uyo iye akabata mudende.

“Vachitaura kupfurikidza nomunhu ari muchionioni, ‘Sekuru’ vakataura kuti munda waiva wemhuri yedu. Vakaudza mbuya vangu kuti vanofanira kurima mundawo vasinganetseki. Imwe mhuri yakagamuchira chisarudzo chacho. Nhau yacho yakagadzikiswa.”

Zvinoitika zvakadaro zvakarovedzeka kuMadokero eAfrica. Muno, somumamwe mativi enyika, mamirioni asingaverengeki anodavira kuti vanhu vakafa vanopfuurira kurarama munyika yomudzimu, uko ivo vanokwanisa kuona ndokupesvedzera upenyu hwavanhu vari pasi pano. Ichi chitendero ndechechokwadi here? Vakafa vapenyu chaizvoizvo here? Kana vasiri, ndivanaani avo vanotaura kuva midzimu yavakafa? Kuziva mhinduro dzakarurama dzeiyi mibvunzo kunokosha zvikuru. Inhau youpenyu norufu.