Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mamirioni Ezvisikwa Zvomudzimu

Mamirioni Ezvisikwa Zvomudzimu

Bhaibheri rinotiudza kuti kune vanhu vomudzimu vazhinji. Jehovha amene mudzimu.​—Johane 4:24; 2 VaKorinte 3:17, 18.

Pane imwe nguva Jehovha akanga ari oga bedzi muchisiko chapose pose. Ipapo iye akavamba kusika vanhu vomudzimu vanonzi ngirozi. Ivo vane simba zvikuru uye vakangwara zvikuru kupinda vanhu. Jehovha akasika ngirozi zhinji; mubatiri waMwari Dhanieri, muchiono, akaona mazana amamirioni engirozi.​—Dhanieri 7:10; VaHebheru 1:7.

Idzi ngirozi dzakasikwa naMwari iye asati atosika pasi. (Jobho 38:4-7) Hapana dzimwe dzadzo dziri vanhu vakamborarama ndokufira pasi pano.

Mudzimu mukuru, Jehovha, wakasika mamirioni avanhu vomudzimu