Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Rupandukiro Munzvimbo Yemidzimu

Rupandukiro Munzvimbo Yemidzimu

Apo Satani akashandisa nyoka kutaura naEvha, iye akakumbanira kupandukira kwake Mwari

Vanhu vose vomudzimu avo Jehovha akasika vakanga vakanaka. Ipapo ngirozi imwe yakava yakashata. Iyo ndiSatani Dhiabhorosi. Satani aida kuti vanhu pasi pano vamunamate panzvimbo paJehovha. Izvi ndozvakaitika:

Mubindu reEdheni, makanga mune miti mizhinji inobereka michero inonaka. Jehovha akaudza Adhama nomudzimai wake, Evha, kuti vaigona kuidya norusununguko. Asi kwaiva nomuti mumwe uyo Mwari akataura kuti ivo vaisafanira kuudya. Iye akataura kuti kana ivo vakaudya, vaizofa zvamazvirokwazvo.​—Genesi 2:9, 16, 17.

Rimwe zuva Evha akanga ari oga apo nyoka yakataura naye. Chokwadika, chaizvoizvo yakanga isati iri nyoka chaiyoiyo yakataura; akanga ari Satani Dhiabhorosi akaita kuti kuratidzike sokunge kuti nyoka yakanga ichitaura. Satani akaudza Evha kuti kana akadya muchero wakarambidzwa, aizova akachenjera kufanana naMwari. Iye akataurawo kuti iye haasati aizofa. Kutaura ikoku kwose kuri kuviri kwakanga kuri nhema. Kunyanguvezvo, Evha akadavira Satani ndokudya muchero. Gare gare, iye akapawo mumwe kuna Adhama, uye iye akadyawo.​—Genesi 3:1-6.

Mune iyi nhau yechokwadi, tinodzidza kuti Satani mupandukiri nomurevi wenhema. Akaudza Evha kuti kana akasateerera Mwari, iye haasati aizofa. Idzodzo dzakanga dziri nhema. Iye akafa uye ndozvakaitawo Adhama. Satani haana kufa panguva iyoyo, kunyange zvazvo pakupedzisira achizofa nemhaka yokuti akaita chivi. Zvisinei, munguva ino iye mupenyu uye anopfuurira kutsausa rudzi rwomunhu. Achiri murevi wenhema, uye anoedza kuita kuti vanhu vaputse mitemo yaMwari.​—Johane 8:44.

Dzimwe Ngirozi Dzinopanduka

Gare gare, dzimwe ngirozi dzakava dzakashata. Idzi ngirozi dzakacherechedza vakadzi vakanaka pasi pano uye dzakada kuvatana navo. Naizvozvo dzakauya kupasi ndokupfeka miviri yavanhurume. Ipapo idzo dzakazvitorera dzimene vakadzi. Ikoku kwakanga kuchirwisana nedonzo raMwari.​—Genesi 6:1, 2; Judhasi 6.

Ngirozi dzakaipa dzakauya kupasi kuzoita utere navakadzi

Kwakaparirawo nhamo huru kurudzi rwomunhu. Vadzimai veidzi ngirozi vakabereka vana, asi vakanga vasati vari vana vomuzvarirwo. Vakava hofori dzine masimba masimba nedzine utsinye. Pakupedzisira pasi rakava rakazadzwa zvikuru namasimba masimba zvokuti Jehovha akasarudza kuparadza vanhu vakaipa namafashamo makuru. Vanhu bedzi vakapukunyuka Mafashamo vaiva Noa akarurama nemhuri yake.​—Genesi 6:4, 11; 7:23.

Zvisinei, ngirozi dzakaipa dzakadzokera kunzvimbo yemidzimu; hadzina kufa. Asi dzakarangwa. Hadzina kubvumirwa kudzokera mumhuri yaMwari yengirozi dzakarurama. Kupfuurirazve, Jehovha haana kudzibvumirazve kupfeka miviri yohunhu. Uye pakupedzisira idzo dzichafa murutongeso rukuru.​—2 Petro 2:4; Judhasi 6.

Satani Anokandirwa Kunze Kwedenga

Satani nengirozi dzake dzakashata vakakandirwa kunze kwedenga

Murutivi rwapakuvamba rwezana redu ramakore, mudenga makava nehondo. Bhuku reBhaibheri raZvakazarurwa rinorondedzera chakaitika: “Uye hondo yakavamba mudenga: Mikaeri [Jesu Kristu akamutswa] nengirozi dzake [dzakanaka] vakarwa nadragoni [Satani], uye dragoni nengirozi dzayo [dzakashata] vakarwa asi havana kukunda, uyewo havana kuwanirwazve nzvimbo mudenga. Naizvozvo dragoni huru yakakandirwa pasi, nyoka yapakuvamba, iyo inonzi Dhiabhorosi naSatani, uyo ari kutsausa pasi rose rinogarwa; akakandirwa pasi, nengirozi dzake [dzakashata] dzakakandirwa pasi pamwe chete naye.”

Chii chakava muuyo? Nhauro yacho inopfuurira, kuti: “Nokuda kwaikoku farai, imi matenga nemi munogara maari!” Ngirozi dzakanaka dzaigona kufara nokuti Satani nengirozi dzakashata, kana kuti midzimu, vakanga vasati vachirizve mudenga. Asi zvakadiniko navanhu pasi pano? Bhaibheri rinoti: “Nhamo nokuda kwapasi uye nokuda kwegungwa, nokuti Dhiabhorosi aburukira kwamuri, akatsamwa zvikuru, achiziva kuti iye ane nhambo pfupi yenguva.”​—Zvakazarurwa 12:7-9, 12.

Hungu, Satani neshamwari dzake dzakaipa vanotsausa uye vanoparira nhamo huru nokuda kwavanhu pasi pano. Idzi ngirozi dzakaipa dzinonzi madhemoni. Idzo vavengi vaMwari. Idzo dzose dzakaipa.