Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nguva Yemberi Inoshamisa

Nguva Yemberi Inoshamisa

Nokukurumidza Satani namadhemoni ake vacharegedzeswa kushanda

Satani namadhemoni ake havasati vachizonyengedza rudzi rwomunhu kwenguva refu zvikuru. Jehovha akatovabudisira kunze kwedenga. (Zvakazarurwa 12:9) Munguva yemberi iri pedyo, Mwari achaitazve chiito mukurwisana naSatani namadhemoni ake. Muchiono chakabva kuna Mwari, muapostora Johane akati: “Uye ini ndakaona ngirozi ichiburuka kudenga ine chikiinuriso chegomba rakadzika-dzika nengetani muruoko rwayo. Uye yakabata dragoni, nyoka yapakuvamba, iyo iri Dhiabhorosi naSatani, ndokumusunga kwamakore ane chiuru. Uye iyo yakamukandira mugomba rakadzika-dzika ndokuripfiga nokurinamira pamusoro pake, kuti agorega kutsausazve marudzi kusvikira makore ane chiuru aguma.” (Zvakazarurwa 20:1-3) Gare gare, Dhiabhorosi namadhemoni ake vachaparadzwa nokusingaperi.​—Zvakazarurwa 20:10.

Vanhu vakashata vari pasi pano vachaparadzwawo.​—Pisarema 37:9, 10; Ruka 13:5.

Vakafa Vachararamazve!

Vakafa vachadzorerwa kuupenyu pasi pano

Pashure pokunge Satani namadhemoni ake vabviswa, Jehovha achaunza zvikomborero zvizhinji kurudzi rwomunhu. Uchayeuka kuti vakafa havana upenyu, havasati varipo. Jesu akaenzanisira rufu nehope—hope huru dzisina zviroto. (Johane 11:11-14) Iye akaita izvozvo nokuti iye aiziva kuti nguva yaizouya apo avo vavete murufu vaizomutsirwa kuupenyu. Iye akati: “Nguva inouya umo avo vose vari muhwiro hweyeuko . . . vachabuda.”​—Johane 5:28, 29; enzanisa naMabasa 24:15.

Ivo vachamutsirwa kuupenyu pano pasi pano. Panzvimbo pezviziviso zvokuti vanhu vafa, mishumo inofadza ichataura nezvaavo vadzorerwa kuupenyu! Haiwa uchava mufaro wakadini kugamuchira vadikanwi vanodzoka kubva kumakuva!