Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ganhuro Retanhatu

Betserai Wechiduku Wenyu Kubudirira

Betserai Wechiduku Wenyu Kubudirira

1, 2. Idenhoi uye mifaroi izvo makore ouduku anogona kuunza?

KUVA nowechiduku mumba kwakasiyana zvikuru nokuva naane makore mashanu okukura kana kuti kunyange naane makore gumi okukura. Makore ouduku anounza denho dzawo amene nezvinetso, asi anogona kuunzawo mifaro netuso. Mienzaniso yakadai saJosefa, Dhavhidhi, Josia, uye Timotio inoratidza kuti vanhu vaduku vanogona kuita nenzira ine mufungo ndokuva noukama hwakanaka naJehovha. (Genesi 37:2-11; 1 Samueri 16:11-13; 2 Madzimambo 22:3-7; Mabasa 16:1, 2) Vechiduku vakawanda nhasi vanobvumikisa pfundo rimwe chetero. Sezvingabvira, unoziva vamwe vavo.

2 Bva, nokuda kwavamwe makore ouduku akaipa. Vayaruki vanova nemirangariro yakanaka neyakaipa. Vakomana navasikana vechiduku vangada kuva vakazvimirira zvikuru, uye vangashatirirwa ganhuriro dzinoiswa pavari navabereki vavo. Bva, pwere dzakadaro dzichiri dzisina ruzivo rwokuzviwanira zvikuru uye dzinoda betsero yorudo, yokushivirira inobva kuvabereki vadzo. Hungu, makore ouduku anogona kuva anofadza, asi anogona kuvawo anovhiringidza—nokuda kwavose vari vaviri vabereki uye nokuda kwavechiduku. Pwere dzinogona sei kubetserwa mukati maaya makore?

3.Vabereki vanogona kupa vana vavo vari kuyaruka mukana wakaisvonaka muupenyu munzirai?

3 Vabereki vanotevera zano reBhaibheri vanopa vana vavo vari kuyaruka mukana wakanakisisa unobvira wokufambira mberi nenzira inobudirira mumiedzo iyoyo kusvikira kukuva munhu mukuru anovimbika. Munyika dzose uye mukati menhambo dzose dzenguva, vabereki nevechiduku vakashandisa nheyo dzeBhaibheri pamwe chete vakakomborerwa nokubudirira.—Pisarema 119:1.

KURUKURIRANO YOKUTENDESEKA NEYAKAJEKA

4. Neiko kurangana kuchikosha zvikuru mukati mamakore ouduku?

4 Bhaibheri rinoti: “Pasingaranganwi mano anokona.” (Zvirevo 15:22) Kana kurangana kwakanga kuri madikanwa apo vana vakanga vari vaduku zvikuru, kunokosha zvikuru mukati memakore ouduku—apo vaduku sezvingabvira vangapedza nguva shomanene vari pamusha uye nguva yakawanda vane shamwari dzokuchikoro kana kuti vamwe vafambidzani. Kana pasina kurangana—pasina kurukurirano yokutendeseka neyakajeka pakati pavana navabereki—vechiduku vanogona kuva vaeni mumba. Naizvozvo mitoo yekurukurirano inogona sei kuchengetwa yakazaruka?

5. Vechiduku vanokurudzirwa sei kurangarira nhau yekurukurirano navabereki vavo?

5 Vose vari vaviri vechiduku navabereki vanofanira kuita rutivi rwavo muna ikoku. Chokwadi, vayaruki vangakuwana kwakaoma zvikuru kutaura navabereki vavo kupfuura zvavaiita apo vakanga vari vaduku zvikuru. Kunyange zvakadaro, yeukai kuti “kana vanhu vasingatungamirirwi nouchenjeri, vanoderera; asi pavarayiriri vazhinji ndipo pane ruponeso.” (Zvirevo 11:14) Mashoko aya anoshanda kuvose, vaduku navakuru zvakafanana. Vechiduku vanoziva ikoku vachanzwisisa kuti vachiri kuda nhungamiro younyanzvi, sezvo vari kutarisana nenhau dzakaoma zvikuru kupfuura kare. Vanofanira kuziva kuti vabereki vavo vanotenda vakasanokwaniriswa savapi vezano nemhaka yokuti vane ruzivo rwokuzviwanira zvikuru muupenyu uye vakabvumikisa itiro hanya yavo yorudo mumakore akawanda. Nokudaro, panguva iyoyi muupenyu hwavo, vechiduku vakachenjera havasati vachizobva kuvabereki vavo.

6. Chimiroi chendangariro icho vabereki vakachenjera navane rudo vachava nacho pamusoro pokukurukurirana navechiduku vavo?

6 Kurukurirano yakasununguka inoreva kuti mubereki achaedza zvakaoma kuva anowanika apo wechiduku anonzwa kudikanwa kwokutaura. Kana uri mubereki, iva nechokwadi chokuti kurukurirano inova yakasununguka zvikurukuru inobva kwauri. Ikoku kungasava nyore. Bhaibheri rinotaura kuti “kune nguva yokunyarara, nenguva yokutaura.” (Muparidzi 3:7) Apo wechiduku wako anorangarira kuti inguva yokutaura, ingava nguva yako yokuramba wakanyarara. Zvichida watsaura nguva iyoyo nokuda kwefundo yomunhu oga, kuzorora, kana kuti kuita basa pamba. Zvisinei, kana muduku wako achida kutaura kwauri, edza kugadziridza zvirongwa zvako ndokuteerera. Ukasadaro, angasaedza zvakare. Yeuka muenzaniso waJesu. Pane imwe nhambo, akanga aronga nguva yokuzorora. Asi apo vanhu vakauya vachimuunganira kuti vamunzwe, akasundira mberi kuzorora ndokuvamba kuvadzidzisa. (Marko 6:30-34) Vechiduku vakawanda zvikurusa vanoziva kuti vabereki vavo vanorarama upenyu hwokubatikana, asi vanoda vimbiso yokuti vabereki vavo varipo nokuda kwavo kana kuchidikanwa. Nokudaro, iva anowanika uye iva anonzwisisa.

7. Chii icho vabereki vanofanira kudzivisa?

7 Edza kuyeuka zvakwakanga kwakaita apo wakanga uri wechiduku, uye usarasikirwa nokufara kwako! Vabereki vanofanira kufarikanya kuva navana vavo. Apo kunenge kune nguva yokusununguka inowanika, vabereki vanoipedza sei? Kana nguva dzose vachida kushandisa nguva yavo yokusununguka vachiita zvinhu zvisingabatanidzi mhuri yavo, vechiduku vavo vachakurumidza kucherekedza. Kana vayaruki vakasvika pamhedziso yokuti shamwari dzokuchikoro dzinofunga zvakawanda nezvavo kupfuura zvinoita vabereki vavo, vanosungirwa kuva nezvinetso.

CHOKUKURUKURA

8. Kunzwisiswa kwebasa rokutendeseka, rakaoma, uye mufambiro wakafanira kunogona sei kurovererwa pavana?

8 Kana vabereki vasati vatoroverera muvana vavo kunzwisiswa kwebasa rokutendeseka nerakaoma, vanofanira nomutoo uri wose kuita saizvozvo mukati mamakore ouduku. (1 VaTesaronika 4:11; 2 VaTesaronika 3:10) Kunokoshawo kuti vave nechokwadi chokuti vana vavo vanodavira nomwoyo wose ukoshi hwokurarama upenyu hwakanaka nohwakachena. (Zvirevo 20:11) Mubereki anokurukura zvakawanda muidzi nzvimbo kupfurikidza nomuenzaniso. Sezvo varume vasingatendi vachigona “kuwanwa pasina shoko kupfurikidza nomufambiro wavadzimai vavo,” naizvozvo vechiduku vanogona kudzidza nheyo dzakarurama kupfurikidza nomufambiro wavabereki vavo. (1 Petro 3:1, NW) Zvisinei, muenzaniso uri woga hauna kutongokwana, sezvo vana vachiratidzirwawo kumienzaniso yakawanda yakashata uye kumashoko anoparadzirwa akawanda anonyengera kunze kwomusha. Vabereki vanoitira hanya, naizvozvo, vanofanira kuziva mirangariro yavechiduku vavo pamusoro pezvavanoona nezvavanonzwa, uye ikoku kunoda kurukurirano ine revo.—Zvirevo 20:5.

9, 10. Nei vabereki vachifanira kuva nechokwadi chokurayiridza vana vavo pamusoro penhau dzevatano, uye vanogona sei kuita ikoku?

9 Ikoku ndokwechokwadi zvikuru pamusoro penhau dzevatano. Vabereki, munokwenudzwa here kukurukura vatano navana venyu? Kunyange kana muchidaro, itai nhamburiko yokuita saizvozvo, nokuti vaduku venyu zvirokwazvo vachadzidza pamusoro penhau yacho kune mumwe munhu. Kana vasingadzidzi kwamuri, ndiani anoziva mashoko akaipa ayo vachawana? MuBhaibheri, Jehovha haadzivisi nhau dzine chokuita nevatano, uye vabereki havafaniri kudarowo.—Zvirevo 4:1-4; 5:1-21.

10 Tinoonga, Bhaibheri rine nhungamiro yakajeka munharaunda yevatano, uye Watchtower Society yakabudisa mashoko anobetsera akawanda anoratidza kuti iyi nhungamiro ichiri inoshanda munyika yazvino uno. Kuregererei kushandisa iyi betsero? Somuenzaniso, kuregererei kuhwirudzura nomwanakomana wako kana kuti nomwanasikana wako chikamu chinoti “Vatano Netsika” chiri mubhuku raMibvunzo Inobvunza VechidukuMhinduro Dzinoshanda? Ungashamiswa zvinofadza nemigumisiro yacho.

11. Ndeipi iri nzira inobudirira zvikurusa yokuti vabereki vadzidzise nayo vana vavo nzira yokubatira nayo Jehovha?

11 Ndeipi iri nhau inokosha zvikurusa iyo vabereki navana vanofanira kukurukura? Muapostora Pauro akanongedzera kwairi apo akanyora, kuti: “Rambai muchirera [vana venyu] muchirango nokutungamirira ndangariro kwaJehovha.” (VaEfeso 6:4, NW) Vana vanofanira kuramba vachidzidza pamusoro paJehovha. Zvikurukuru, vanofanira kudzidza kumuda, uye vanofanira kuda kumubatira. Panewo zvakawanda zvinogona kudzidziswa nomuenzaniso. Kana vayaruki vakaona kuti vabereki vavo vanoda Mwari ‘nomwoyo wavo wose uye nomweya wavo wose uye nendangariro yavo yose’ uye kuti ikoku kunoparira migumisiro yakanaka muupenyu hwavabereki vavo, vangasanopesvedzerwa kuita zvimwe chetezvo. (Mateo 22:37) Nenzira yakafanana, kana vanhu vaduku vakaona kuti vabereki vavo vane murangariro une mufungo wezvinhu zvokunyama, vachiisa Umambo hwaMwari pakutanga, vachabetserwa kutanga chimiro chendangariro chimwe chetecho.—Muparidzi 7:12; Mateo 6:31-33.

12, 13. Mapfundoi anofanira kuyeukwa kana fundo yemhuri ichizova inobudirira?

12 Fundo yeBhaibheri yemhuri yevhiki nevhiki ibetsero yakatanhamara mukupa zvinokosha zvomudzimu kuvanhu vaduku. (Pisarema 119:33, 34; Zvirevo 4:20-23) Kuva nefundo yakadaro nguva dzose kunokosha. (Pisarema 1:1-3) Vabereki navana vavo vanofanira kuziva kuti fundo yemhuri inofanira kutangira zvimwe zvinhu zvose, kwete zvakapesana. Uyezve, chimiro chendangariro chakarurama chinokosha kana fundo yemhuri ichizova inobudirira. Vamwe baba vakati: “Chakavanzika ndechokuti muitisi akurudzire mamiriro ezvinhu akasununguka bva okuremekedza mukati mefundo yemhuri—omuzvarirwo asi asiri asina mufungo. Dzikamo yakarurama ingasava iri nyore kuwana nguva dzose, uye vaduku nguva dzose vachada kugadziridzwa kwechimiro chendangariro. Kana zvinhu zvikasafamba zvakanaka nguva imwe kana kuti mbiri, pfuurirai uye tarirai mberi kunguva inotevera.” Baba vamwe chetevo vakataura kuti mumunyengetero wavo fundo imwe neimwe isati yaitwa, vaikumbira zvakananga betsero yaibva kuna Jehovha yechimiro chendangariro chakarurama chavose vaibatanidzwa.—Pisarema 119:66.

13 Kuitisa fundo yemhuri ibasa ravabereki vanotenda. Chokwadi, vamwe vabereki vangasava vadzidzisi vane unyanzvi, uye kungavaomera kuwana nzira dzokuita kuti fundo yemhuri ive inofadza. Kunyange zvakadaro, kana muchida vechiduku venyu “nebasa nezvokwadi,” muchashuva kuvabetsera nenzira yokuzvininipisa neyokutendeseka kufambira mberi mumudzimu. (1 Johane 3:18) Vanganyunyuta panguva nenguva, asi sezvingabvira vachacherekedza fariro yenyu huru mugarikano yavo.

14. Dheuteronomio 11:18, 19 anogona sei kushandiswa pakupa zvinhu zvomudzimu kuvechiduku?

14 Fundo yemhuri haisati ichingova nhambo bedzi yokukurukura zvinhu zvinokosha mumudzimu. Munoyeuka here murayiro waJehovha kuvabereki? Iye akati: “Munofanira kuchengeta mashoko angu awa mumwoyo yenyu nomumweya yenyu; munofanira kuasungira pamaoko enyu, chive chiratidzo, uye anofanira kuva rundanyara pakati pameso enyu. Uye munofanira kuadzidzisa vana venyu, muchitaurirana pamusoro pawo, kana iwe ugere paimba yako, kana uchifamba panzira, kana uchivata pasi, uye kana uchimuka.” (Dheuteronomio 11:18, 19; onawo Dheuteronomio 6:6, 7.) Ikoku hakurevi kuti vabereki vanofanira kuparidza nguva dzose kuvana vavo. Asi musoro wemhuri une rudo unofanira kungwarira mikana yokuvaka murangariro womudzimu wemhuri yawo.

CHIRANGO NORUREMEKEDZO

15, 16. (a) Chirango chii? (b) Ndiani ane basa rokupa chirango, uye ndiani ane basa rokuva nechokwadi chokuti chichateererwa?

15 Chirango irovedzo inoruramisa, uye chinobatanidza kurukurirano. Chirango chine mufungo wekururamisa kupfuura wepanichi—kunyange zvazvo panichi ingabatanidzwa. Vana venyu vaida chirango apo vakanga vari vaduku zvikuru, uye zvino zvavava vechiduku, vachiri kuda mwero wakati wacho, zvichida kunyange saizvozvo zvikuru. Vechiduku vakachenjera vanoziva kuti ikoku ndokwechokwadi.

16 Bhaibheri rinoti: “Benzi rinoramba kurayirira kwababa varo; asi une hanya nokurayirwa, ndiye une njere.” (Zvirevo 15:5) Tinodzidza zvakawanda murugwaro urwu. Runoreva kuti chirango chichapiwa. Wechiduku haagoni ‘kuitira hanya tsiuro’ kana isingapiwi. Jehovha anopa basa rokuranga kuvabereki, zvikurukuru baba. Zvisinei, basa rokuteerera chirango ichocho nderowechiduku. Achadzidza zvakawanda ndokuita zvikanganiso zvishomanene kana akateerera chirango chokuchenjera chababa vake naamai. (Zvirevo 1:8) Bhaibheri rinoti: “Urombo nokunyadziswa ndiwo mubayiro wounoramba kurayirirwa; asi unoteerera kurayirwa uchakudzwa.”—Zvirevo 13:18.

17. Idzikamoi iyo vabereki vanoda kuvavarira pakupa chirango?

17 Pakuranga vechiduku, vabereki vanofanira kuva vakadzikama. Vanofanira kudzivisa kuva vane rumano kwazvo zvokuti vanoshatirisa vana vavo, zvichida kunyange kukuvadza kuzvivimba kwavana vavo. (VaKorose 3:21) Asi vabereki havadi kuva vanobvumira madiro kwazvo zvokuti vaduku vavo vanorasikirwa nerovedzo inokosha. Kubvumira madiro kwakadaro kunogona kuva kune ngwavaira. Zvirevo 29:17 inoti: “Rayirira mwanakomana wako, agokuzorodza; zvirokwazvo uchafadza mweya wako.” Zvisinei, ndima 21 (NW), inoti: “Kana munhu achitunhira mubatiri wake kubva pauduku hwake zvichienda mberi, muupenyu hwake hwapashure achatova asingaongi.” Kunyange zvazvo iyi ndima iri kutaura pamusoro pomubatiri, inoshanda zvakaenzana kumuduku upi noupi ari mumhuri.

18. Chirango ufakazi hwei, uye chii chinodziviswa apo vabereki vanopa chirango chinotsinhirana?

18 Chokwadi, chirango chakafanira chibvumikiso chokuti mubereki anoda mwana wake. (VaHebheru 12:6, 11) Kana iwe uri mubereki, unoziva kuti kwakaoma kuchengeta chirango chinotsinhirana, chine mufungo. Nokuda kworugare, kungaratidzika kuva kuri nyore zvikuru kubvumira wechiduku ane nharo kuita zvaanoda. Pakupedzisira, zvisinei, mubereki anotevera iyi nzira yapashure achaibhadhara achiva nemhuri isingadzorwi.—Zvirevo 29:15; VaGaratia 6:9.

BASA NOKUTAMBA

19, 20. Vabereki vanogona sei kubata nokuchenjera nenhau yenhandaro yavechiduku vavo?

19 Munguva dzapakuvamba zvikuru vana vaiwanzokarirwa kubetsera mumusha kana kuti papurazi. Nhasi vechiduku vakawanda vane nguva yomuraudzo yakawanda yokuita zvavanoda. Kushandisa nguva iyoyo, nyika yezvokutengeserana inogovera zvinhu zvakawanda kushandisa nguva yokusharanganya. Wedzera kuna ikoku idi rokuti nyika inokoshesa zvishoma zvikuru mipimo yeBhaibheri yetsika, uye watova nengwavaira inobvira.

20 Nokudaro, mubereki akachenjera anochengeta kodzero yokuita zvisarudzo zvokupedzisira pamusoro penhandaro. Usakanganwa, kunyange zvakadaro, kuti wechiduku ari kukura. Gore rimwe nerimwe, iye sezvingabvira achakarira kuva anobatwa zvakafanana zvikuru somukuru. Nokudaro, kuchenjera kuti mubereki abvumire rusununguko rukuru muchisarudzo chenhandaro sezvo wechiduku anokura—chero bedzi zvisarudzo izvozvo zvichiratidzira fambiro mberi kuukuru mumudzimu. Padzimwe nguva, wechiduku angaita zvisarudzo zvisiri zvokuchenjera munziyo, vasonganiri, uye zvichingodaro. Apo ikoku kunoitika, kunofanira kukurukurwa nowechiduku wacho kuitira kuti zvisarudzo zviri nani zvigozoitwa mune remangwana.

21. Kuva nomufungo muchitsama chenguva inopedzerwa munhandaro kuchadzivirira sei wechiduku?

21 Inguva yakawanda sei inofanira kupiwa nokuda kwenhandaro? Mudzimwe nyika vechiduku vanoitwa kuti vadavire kuti vane maruramiro evaraidzo inopfuurira. Nokudaro, muyaruki angaronga rudungwe rwake kuitira kuti agobva “panguva yakanaka” imwe kusvikira kuinotevera. Kuri kuvabereki kupa chidzidzo chokuti nguva inofanira kupedzerwawo pazvimwe zvinhu zvakadai semhuri, fundo yomunhu oga, songanirano navanhu vakakura mumudzimu, misangano yechiKristu, uye mabasa emhuri. Ikoku kuchadzivisa “zvinofadza zvoupenyu huno” kuvhunga Shoko raMwari.—Ruka 8:11-15.

22. Nhandaro inofanira kudzikamiswa nei muupenyu hwowechiduku?

22 Mambo Soromoni akati: “Ndinoziva kuti hakuna chinhu chakanaka pakati pavo chingapfuura ichi, kuti vafare, uye kuti vaite zvakanaka upenyu hwavo hwose. Uyewo, kuti chipo chaMwari kuti munhu mumwe nomumwe adye, anwe, afarire zvinhu zvakanaka pakubata kwake kwose.” (Muparidzi 3:12, 13) Hungu, kufara rutivi rwoupenyu hwakadzikama. Asi ndozvakaitawo basa rakaoma. Vechiduku vakawanda nhasi havadzidzi gutsikano inobva mubasa rakaoma kana kuti kunzwa kwokuzviremekedza kunobva mukutarisira chinetso nokuchipedza. Vamwe havapiwi mukana wokutanga unyanzvi kana kuti basa rokuzvitsigira vamene naro muupenyu hwapashure. Pano pane denho chaiyoiyo yomubereki. Uchava nechokwadi here chokuti muduku wako anova nemikana yakadaro? Kana ukagona kubudirira mukudzidzisa muduku wako kukoshesa uye kunyange kufarikanya basa rakaoma, iye achatanga murangariro wakanaka uyo uchaunza betsero dzenduramo yose.

KUBVA PAWECHIDUKU KUENDA KUMUNHU MUKURU

23. Vabereki vanogona sei kukurudzira vechiduku vavo?

23 Kunyange apo unova nezvinetso newechiduku wako, rugwaro rwuchiri rwechokwadi, runoti: “Rudo harutongokundikani.” (1 VaKorinte 13:8, NW) Usatongorega kuratidza rudo rwaunonzwa nenzira isingapanikirwi. Zvibvunze umene kuti, ‘Ndinorumbidza mwana mumwe nomumwe pabudiriro dzake mukubata nezvinetso kana kuti kukurira mhinganidzo here? Ndinowana mikana yokuratidzira rudo rwangu nokuonga kuvana vangu here, mikana iyoyo isati yapfuura?’ Kunyange zvazvo padzimwe nguva pangava nokusanzwisisana, kana vechiduku vakanzwa vane chokwadi chokuti munovada, sezvingabvira zvikuru vachadzorera rudo irworwo.

24. Inheyoi yapaMagwaro iri yechokwadi kazhinji kazhinji mukurera vana, asi chii chinofanira kuyeukwa?

24 Chokwadika, sezvo vana vanokura kuva vanhu vakuru, pakupedzisira vachazviitira vamene zvisarudzo zvinokosha zvikuru. Muzvimwe zviitiko vabereki vangasada zvisarudzo izvozvo. Zvakadini kana mwana wavo akasarudza kusapfuurira kubatira Jehovha Mwari? Ikoku kunogona kuitika. Kunyange vamwe vavanakomana vomudzimu vaJehovha amene vakaramba zano rake ndokubvumikisa kuva vanopandukira. (Genesi 6:2; Judhasi 6) Vana havasi kombiyuta, idzo dzinogona kurongwa kuti dziite nenzira yatinoda. Ivo zvisikwa zvine rusununguko rwokuita chisarudzo, zvine mutoro pamberi paJehovha nokuda kwezvisarudzo zvazvinoita. Zvisinei, Zvirevo 22:6 ndeyechokwadi kazhinji kazhinji: “Rovedza mwana nzira yaanofanira kufamba nayo, ipapo kunyange akwegura haangatsauki pairi.”

25. Ndeipi iri nzira yakanakisisa yokuti vabereki varatidze nayo kuonga kuna Jehovha ropafadzo yokuva vabereki?

25 Naizvozvo ipapoka, ratidza vana vako rudo rwakawanda. Ita unani hwako kutevera nheyo dzeBhaibheri mukuvarera. Gadza muenzaniso wakaisvonaka womufambiro woumwari. Nokudaro uchapa vana vako mukana wakanakisisa wokukura kuva vanhu vakuru vakavimbika, vanotya Mwari. Iyi ndiyo nzira yakanakisisa yokuti vabereki varatidze nayo kuonga kuna Jehovha nokuda kweropafadzo yokuva vabereki.